RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 12/15 p. 1
  • Tevedzerai Vaprofita​—Habhakuki

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tevedzerai Vaprofita​—Habhakuki
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2015
  • Mashoko Akafanana
  • Vimba naJehovha Urarame!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
  • Kufara Muna Mwari Woruponeso Rwedu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 35—Habhakuki
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Vakaipa Vachavapo Kusvika Rini?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2015
km 12/15 p. 1

Tevedzerai Vaprofita​—Habhakuki

1. Nei tichigona kunzwa sezvakaita muprofita Habhakuki?

1 Uipi zvahunoramba huchiwedzera munyika, tinogona kunzwa sezvakaita muprofita Habhakuki uyo akabvunza Jehovha kuti: “Nei muchiita kuti ndione zvinhu zvinokuvadza, uye muchiramba makatarira zvinhu zvinongotambudza?” (Hab. 1:3; 2 Tim. 3:1, 13) Kana tikafungisisa mashoko aHabhakuki uye kutenda kwake zvichatibatsira patiri kumirira zuva raJehovha rekutonga.—2 Pet. 3:7.

2. Mazuva ano tingaratidza sei kuti tinorarama nokutenda?

2 Rarama Nokutenda: Pane kuti apedzwe simba nematambudziko ake, Habhakuki akaramba akamuka pakunamata uye achiita basa raMwari. (Hab. 2:1) Jehovha akaita kuti muprofita wacho ave nechokwadi chekuti shoko Rake raizozadziswa panguva yakatarwa uye kuti “munhu akarurama achararama nokuda kwokutenda.” (VaG. 3:11; Hab. 2:2-4) Mashoko aya angabatsira sei vaKristu vari kurarama panguva ino, nyika payangosarirwa nenguva pfupi kuti igume? Kuva nechokwadi chekuti mugumo uchauya kunokosha kupfuura kuziva kuti uchauya riini. Kutenda kunoita kuti tirambe takarinda uye tirambe tichikoshesa basa rekuparidza.—VaH. 10:38, 39.

3. Nei tichifanira kuramba tichifara pakushumira Jehovha?

3 Pemberera Jehovha Nomufaro: Gogi weMagogi paacharwisa vanhu vaJehovha, kutenda kwedu kuchaedzwa. (Ezek. 38:2, 10-12) Kurwisa uku kuchaita kuti kunyange vanhu vachazopona vatambure. Zvekudya zvinogona kunge zviri zvishoma, vanhu vanogona kurasikirwa nezvinhu zvavo uye upenyu hunogona kuoma. Tichaita sei patichasangana nematambudziko? Habhakuki aitarisira kusangana nematambudziko saka akatsunga kuti aizoramba achifara pakushumira Jehovha. (Hab. 3:16-19) “Mufaro waJehovha” uchatibatsirawo kuti tizotsungirira miedzo.—Neh. 8:10; VaH. 12:2.

4. Tinogona kuwana mufaro wei iye zvino uye munguva yemberi?

4 Vaya vachaponeswa naJehovha pazuva rake rokutonga vacharamba vachidzidziswa kuti vanofanira kurarama sei. (Hab. 2:14) Vanenge vamutswa vachadzidzawo nezvaJehovha. Kunyange iye zvino, ngatishandisei mukana wose watinowana kuti titaure nezvaJehovha nemabasa ake anoshamisa!—Pis. 34:1; 71:17.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe