Tevedzerai Vaprofita—Habhakuki
1. Nei tichigona kunzwa sezvakaita muprofita Habhakuki?
1 Uipi zvahunoramba huchiwedzera munyika, tinogona kunzwa sezvakaita muprofita Habhakuki uyo akabvunza Jehovha kuti: “Nei muchiita kuti ndione zvinhu zvinokuvadza, uye muchiramba makatarira zvinhu zvinongotambudza?” (Hab. 1:3; 2 Tim. 3:1, 13) Kana tikafungisisa mashoko aHabhakuki uye kutenda kwake zvichatibatsira patiri kumirira zuva raJehovha rekutonga.—2 Pet. 3:7.
2. Mazuva ano tingaratidza sei kuti tinorarama nokutenda?
2 Rarama Nokutenda: Pane kuti apedzwe simba nematambudziko ake, Habhakuki akaramba akamuka pakunamata uye achiita basa raMwari. (Hab. 2:1) Jehovha akaita kuti muprofita wacho ave nechokwadi chekuti shoko Rake raizozadziswa panguva yakatarwa uye kuti “munhu akarurama achararama nokuda kwokutenda.” (VaG. 3:11; Hab. 2:2-4) Mashoko aya angabatsira sei vaKristu vari kurarama panguva ino, nyika payangosarirwa nenguva pfupi kuti igume? Kuva nechokwadi chekuti mugumo uchauya kunokosha kupfuura kuziva kuti uchauya riini. Kutenda kunoita kuti tirambe takarinda uye tirambe tichikoshesa basa rekuparidza.—VaH. 10:38, 39.
3. Nei tichifanira kuramba tichifara pakushumira Jehovha?
3 Pemberera Jehovha Nomufaro: Gogi weMagogi paacharwisa vanhu vaJehovha, kutenda kwedu kuchaedzwa. (Ezek. 38:2, 10-12) Kurwisa uku kuchaita kuti kunyange vanhu vachazopona vatambure. Zvekudya zvinogona kunge zviri zvishoma, vanhu vanogona kurasikirwa nezvinhu zvavo uye upenyu hunogona kuoma. Tichaita sei patichasangana nematambudziko? Habhakuki aitarisira kusangana nematambudziko saka akatsunga kuti aizoramba achifara pakushumira Jehovha. (Hab. 3:16-19) “Mufaro waJehovha” uchatibatsirawo kuti tizotsungirira miedzo.—Neh. 8:10; VaH. 12:2.
4. Tinogona kuwana mufaro wei iye zvino uye munguva yemberi?
4 Vaya vachaponeswa naJehovha pazuva rake rokutonga vacharamba vachidzidziswa kuti vanofanira kurarama sei. (Hab. 2:14) Vanenge vamutswa vachadzidzawo nezvaJehovha. Kunyange iye zvino, ngatishandisei mukana wose watinowana kuti titaure nezvaJehovha nemabasa ake anoshamisa!—Pis. 34:1; 71:17.