PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MAPISAREMA 45-51
Jehovha Haazozvidzi Mwoyo Wakaputsika
Pisarema 51 rakanyorwa naDhavhidhi pashure pekunge atsiurwa nemuprofita Natani nezvechivi chakakura chaakaita naBhati-shebha. Hana yaDhavhidhi yakatanga kumutongesa, achibva azvininipisa ndokureurura.—2Sa 12:1-14.
Dhavhidhi ainge aita chivi asi zvakanga zvichiri kukwanisika kuti avezve neushamwari naJehovha
Asati apfidza uye asati areurura, hana yake yaimutambudza
Akarwadziwa chaizvo nekuti ainge atadzira Mwari zvekuti ainzwa mapfupa ake achiita seapwanyika
Aida chaizvo kuregererwa, kuvazve neushamwari naJehovha uye mufaro waaimbova nawo
Akazvininipisa, akateterera kuna Jehovha achikumbira kuti ave nemwoyo unoda kuteerera
Aiva nechokwadi chekuti Jehovha aizomuregerera