PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MAPISAREMA 102-105
Jehovha Anoyeuka Kuti Tiri Guruva
Dhavhidhi akashandisa zvirungamutauro paaitaura nezvengoni dzaJehovha.
Hatikwanisi kunyatsonzwisisa kudzama kwemutsa worudo waJehovha sekutadza kunzwisisa kwatingaita kuti pane makiromita mangani kubva panyika kusvika kudenga rizere nenyeredzi
Jehovha anoisa zvivi zvedu kure nesu sokuva kure nakure kwakaita kumabvazuva nekumavirira
Jehovha anonzwira ngoni vanhu vanozvidemba vobva vapfidza zvivi zvavo, sekungonzwira tsitsi kunoita baba vane mwana wavo akuvara