PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | ZVIREVO 22-26
“Rovedza Mwana Nzira Yaanofanira Kufamba Nayo”
Bhuku raZvirevo rine mazano akanaka kuvabereki. Kana mapazi madiki emuti anenge akabhenda akarega kutwasanudzwa, anokura akadaro. Ndizvo zvinoitikawo kuvana. Asi kana vakanyatsodzidziswa, kakawanda kacho vanozoramba vachishumira Jehovha pavanokura.
Zvinoda nguva nesimba kuti unyatsodzidzisa vana
Vabereki vanofanira kuita zvinhu zvakanaka kuti vana vatevedzere, vachivadzidzisa, nekuvakurudzira uye vachivatsiura
Kuranga mwana kunoratidza kuti unoda kuti akure ari munhu kwaye
Vana vanofanira kurangwa nenzira dzakasiyana-siyana