PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MUPARIDZI 1-6
Nakidzwa Nekushanda Nesimba Pabasa Rako
Jehovha anoda kuti tinakidzwe nebasa ratinoita uye anotidzidzisa kuti tingazviita sei. Munhu anogona kudzidza kunakidzwa nebasa rake kana akaona zvarakanakira.
Unogona kunakidzwa nebasa rako kana . . .
ukaedza kurifarira
ukafunga kuti rinobatsira sei vamwe
ukariita nemazvo, asi kana wava kumba chishandisa nguva yako kuva nemhuri uye kuita zvekunamata