PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | ISAYA 17-23
Ukashandisa Simba Zvisizvo, Unotorerwa Basa Rako
Shebna aiva mutariri ‘aitarisira imba,’ uye imba yacho inogona kunge yaiva yaMambo Hezekiya. Ndiye aiva mutevedzeri wamambo uye aivimbwa naye chaizvo.
Shebna aifanira kuona kuti vanhu vaJehovha vakagara zvakanaka here
Akazvitsvakira mbiri
Jehovha akabvisa Shebna achibva amutsiva naEriyakimu
Eriyakimu akapiwa “kiyi yeimba yaDhavhidhi,” iyo yaimiririra simba
Imbofunga izvi: Shebna aigona kunge akashandisa sei chinzvimbo chake kuti abatsire vamwe?