PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | ISAYA 38-42
Jehovha Anopa Munhu Akaneta Simba
Gondo rinogona kuramba riri mudenga kwemaawa akawanda. Rinotsvaga pane mhepo inodziya inenge ichikwira mudenga. Kuti rirambe riri mudenga, rinotsvakazve pane imwe mhepo inodziya robva raramba rakavhura mapapiro richienda kwarinenge richienda
Gondo rinoita sekuti harishandisi simba rakawanda pakubhururuka. Nesuwo kana tikapiwa simba naMwari, tinenge tava kukwanisa kutsungirira