KURARAMA KWECHIKRISTU
Jehovha Haakanganwi Rudo Rwenyu
ONA VHIDHIYO INONZI JEHOVHA HAAKANGANWI RUDO RWENYU, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:
Matambudziko api anowanzoitika kuvanhu vakwegura?
Ndechipi chinhu chakanaka chinowanzova nevanhu vakwegura?
Kana uri munhu akwegura, mashoko ari pana Revhitiko 19:32 uye Zvirevo 16:31 angakukurudzira sei?
Jehovha anoona sei vashumiri vake vakwegura vasingachakwanisi kuita zvakawanda muushumiri?
Kunyange takwegura, Jehovha anoda kuti tiite sei?
Zvii zvingaitwa nevakwegura kukurudzirawo vechidiki?
Wakakurudzirwa sei neimwe hama kana kuti hanzvadzi yakwegura munguva ichangopfuura?