RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb17 June p. 7
  • Tsigira Zvinodiwa naJehovha Panyaya Yekuzvibata

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tsigira Zvinodiwa naJehovha Panyaya Yekuzvibata
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2017)
  • Mashoko Akafanana
  • Bhokisi Remibvunzo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • Bhokisi Remibvunzo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
  • Mapfekero Ako Anoita Kuti Mwari Akudzwe Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • Nei Mapfekero Edu Nekuratidzika Kwedu Zvichikosha?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2017)
mwb17 June p. 7

KURARAMA KWECHIKRISTU

Tsigira Zvinodiwa naJehovha Panyaya Yekuzvibata

Jehovha Mwari ane mitemo yaakapa vanhu pamararamiro avanofanira kuita. Semuenzaniso, anoti wanano mubatanidzwa wemurume nemudzimai uye vanofanira kuramba vari vese. (Mt 19:4-6, 9) Anovenga zvinhu zvese zvinoratidza kusazvibata. (1VaK 6:9, 10) Anototiudza zvatinofanira kufunga nezvazvo panyaya yemapfekero nekushambidzika kwatinoita, kuti tisafanana nenyika.—Dhe 22:5; 1Ti 2:9, 10.

Mazuva ano, vakawanda vanoramba kuita zvinotaurwa naJehovha. (VaR 1:18-32) Vanotevedzera ruzhinji pakusazvibata, pamapfekero avo uye pakushambidzika. Vakawanda havatombonyari nezvakaipa zvavanoita uye vanotoshora vaya vanenge vasingaiti zvinhu izvozvo.—1Pe 4:3, 4.

SeZvapupu zvaJehovha, hatifaniri kunyara kuita zvinodiwa naMwari. (VaR 12:9) Zvii zvatinofanira kuita? Tinofanira kuudza vamwe zvinodiwa naMwari tisingavagumburi. Isuwo vacho tinofanira kurarama tichitevedzera zvinodiwa naMwari. Semuenzaniso, patinenge tichitenga hembe, tinogona kuzvibvunza kuti: ‘Zvandiri kusarudza zvinoratidza kuti ndine mafungiro aJehovha here kana kuti enyika? Mapfekero angu anoratidza kuti ndiri muKristu anotya Mwari here?’ Kana kuti patinenge tichisarudza mafirimu ekuona, tinogona kuzvibvunza kuti: ‘Jehovha aizondibvumira here kuona firimu iri? Zvinhu zvirimo zvinoratidza kuzvibata kunodiwa naMwari here? Zvandinosarudza kuona zvichaita kuti zvindiomere here kuva munhu anozvibata? (Pis 101:3) Hazvingagumburi vanhu vari mumhuri mangu kana kuti vamwewo vanhu here?’—1VaK 10:31-33.

Nei zvichikosha kuti titevedzere zvinodiwa naJehovha panyaya yekuzvibata? Kwasara nguva pfupi kuti Kristu Jesu aparadze vanhu vanoita zvakaipa. (Eze 9:4-7) Vanhu vanoita zvinodiwa naMwari ndivo chete vachapona. (1Jo 2:15-17) Saka ngatitsigirei zvinhu zvinodiwa naJehovha panyaya yekuzvibata kuitira kuti vanoona mararamiro edu akanaka vamukudze.—1Pe 2:11, 12.

Mukadzi ari kusarudza hembe

Hembe dzandinosarudza dzinoratidza kuti ndiri munhu akaita sei?

ONA VHIDHIYO INONZI IVA SHAMWARI YAJEHOVHA—MURUME HWANI, MUDZIMAI HWANI, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Zvakanakirei kutevedzera zvinodiwa naJehovha?

  • Nei vabereki vachifanira kudzidzisa vana vavo zvinodiwa naJehovha panyaya yewanano kubvira vachiri vadiki?

  • Zvii zvingaitwa nevana uye vanhu vakuru pakubatsira vamwe kuti vazowanawo makomborero achapiwa naMwari?

UNGATI KUDII KANA MUMWE MUNHU AKATI . . . .

  • “Nyaya yeungochani unoionawo sei?”

  • “Zvinotaurwa neBhaibheri nezveungochani zvinoomesera vanhu!”

  • “Ngochani hadzikwanisi kuchinja; dzinoberekwa dzakadaro.”

(yp1 chits. 23; yp2 chits. 28)

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe