KURARAMA KWECHIKRISTU
Tsigira Zvinodiwa naJehovha Panyaya Yekuzvibata
Jehovha Mwari ane mitemo yaakapa vanhu pamararamiro avanofanira kuita. Semuenzaniso, anoti wanano mubatanidzwa wemurume nemudzimai uye vanofanira kuramba vari vese. (Mt 19:4-6, 9) Anovenga zvinhu zvese zvinoratidza kusazvibata. (1VaK 6:9, 10) Anototiudza zvatinofanira kufunga nezvazvo panyaya yemapfekero nekushambidzika kwatinoita, kuti tisafanana nenyika.—Dhe 22:5; 1Ti 2:9, 10.
Mazuva ano, vakawanda vanoramba kuita zvinotaurwa naJehovha. (VaR 1:18-32) Vanotevedzera ruzhinji pakusazvibata, pamapfekero avo uye pakushambidzika. Vakawanda havatombonyari nezvakaipa zvavanoita uye vanotoshora vaya vanenge vasingaiti zvinhu izvozvo.—1Pe 4:3, 4.
SeZvapupu zvaJehovha, hatifaniri kunyara kuita zvinodiwa naMwari. (VaR 12:9) Zvii zvatinofanira kuita? Tinofanira kuudza vamwe zvinodiwa naMwari tisingavagumburi. Isuwo vacho tinofanira kurarama tichitevedzera zvinodiwa naMwari. Semuenzaniso, patinenge tichitenga hembe, tinogona kuzvibvunza kuti: ‘Zvandiri kusarudza zvinoratidza kuti ndine mafungiro aJehovha here kana kuti enyika? Mapfekero angu anoratidza kuti ndiri muKristu anotya Mwari here?’ Kana kuti patinenge tichisarudza mafirimu ekuona, tinogona kuzvibvunza kuti: ‘Jehovha aizondibvumira here kuona firimu iri? Zvinhu zvirimo zvinoratidza kuzvibata kunodiwa naMwari here? Zvandinosarudza kuona zvichaita kuti zvindiomere here kuva munhu anozvibata? (Pis 101:3) Hazvingagumburi vanhu vari mumhuri mangu kana kuti vamwewo vanhu here?’—1VaK 10:31-33.
Nei zvichikosha kuti titevedzere zvinodiwa naJehovha panyaya yekuzvibata? Kwasara nguva pfupi kuti Kristu Jesu aparadze vanhu vanoita zvakaipa. (Eze 9:4-7) Vanhu vanoita zvinodiwa naMwari ndivo chete vachapona. (1Jo 2:15-17) Saka ngatitsigirei zvinhu zvinodiwa naJehovha panyaya yekuzvibata kuitira kuti vanoona mararamiro edu akanaka vamukudze.—1Pe 2:11, 12.
Hembe dzandinosarudza dzinoratidza kuti ndiri munhu akaita sei?
ONA VHIDHIYO INONZI IVA SHAMWARI YAJEHOVHA—MURUME HWANI, MUDZIMAI HWANI, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:
Zvakanakirei kutevedzera zvinodiwa naJehovha?
Nei vabereki vachifanira kudzidzisa vana vavo zvinodiwa naJehovha panyaya yewanano kubvira vachiri vadiki?
Zvii zvingaitwa nevana uye vanhu vakuru pakubatsira vamwe kuti vazowanawo makomborero achapiwa naMwari?