PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | EZEKIERI 32-34
Basa Rinokosha Remurindi
Kare, varindi vaimira pamusoro perusvingo kuitira kuti vanyevere vanhu kana pakauya vavengi. Jehovha akagadza Ezekieri kuti ashande ‘semurindi weimba yaIsraeri.’
Ezekieri akaudza vaIsraeri kuti kana vaizoramba vachiita zvinhu zvakaipa vaizoparadzwa
Mashoko ekutii anobva kuna Jehovha atiri kuudza vanhu?
Kana Ezekieri aizopa nyevero, zvaizoita kuti iye nevamwe vapone
Chii chinoita kuti tide kukurumidza kuudza vanhu mashoko atakapiwa naJehovha?