PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | EZEKIERI 35-38
Gogi weMagogi Ava Pedyo Kuparadzwa
Bhaibheri rinotaura kuti zvii zvichaitika Gogi weMagogi asati aparadzwa uye paachazoparadzwa.
Chii chichatanga kuparadzwa, chicharatidza kuti kutambudzika kukuru kwatanga?
Ndiani acharwisa vanhu vaJehovha?
Jehovha achaparadza Gogi Wemagogi pahondo ipi?
Kristu achatonga kwemakore mangani?
Zvii zvandingaita kuti ndisimbe pakunamata, kuti ndizokunda paticharwiswa naGogi weMagogi?