RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb18 March p. 7
  • “Rambai Makarinda”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Rambai Makarinda”
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2018
  • Mashoko Akafanana
  • ‘Ucharamba Wakarinda’ Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Mufananidzo Wemhandara Gumi
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Vasikana Vakachenjera Namapenzi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Uri Kuteerera Yambiro Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2018
mwb18 March p. 7
Mhandara gumi dzemumufananidzo waJesu

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MATEU 25

“Rambai Makarinda”

25:1-12

Kunyange zvazvo Jesu aireva vateveri vake vakazodzwa paakataura mufananidzo wemhandara gumi, zvidzidzo zvacho zvinobatsira vaKristu vese. (w15 3/15 12-16) “Naizvozvo, rambai makarinda nokuti hamuzivi zuva racho kana awa yacho.” (Mt 25:13) Unogona kutsanangura zvinorehwa nemufananidzo waJesu here?

  • Muroori (vs. 1)​—Jesu

  • Mhandara dzakangwara, dzakagadzirira (vs. 2)​—VaKristu vakazodzwa vanoramba vachiita basa ravo vakatendeka uye vachipenya sezvinhu zvinovheneka kusvikira kumugumo (VaF 2:15)

  • Kushevedzera: “Heuno muroori!” (vs. 6)​—Chiratidzo chekuti Jesu asvika

  • Mhandara dzakapusa (vs. 8)​—VaKristu vakazodzwa vanoenda kunochingura Muroori asi votadza kuramba vakarinda uye vakatendeka

  • Mhandara dzakangwara dzinoramba nemafuta adzo (vs. 9)​—Kana vakazodzwa vakatendeka vaiswa chisimbiso chekupedzisira, havazokwanisi kubatsira vasina kutendeka nekuti nguva inenge yapera

  • “Muroori akasvika” (vs. 10)​—Jesu anouya kuzotonga vanhu kutambudzika kukuru kwava kupera

  • Mhandara dzakangwara dzinopinda mumutambo wemuchato nemuroori uye suo rinovharwa (vs. 10)​—Jesu anounganidza vakazodzwa vakatendeka oenda navo kudenga, asi vasina kutendeka vanorasikirwa nemubayiro wavo wekuenda kudenga

Mufananidzo wacho haurevi kuti vakazodzwa vakawanda vaizotadza kuramba vakatendeka zvekuti vaizofanira kutsiviwa. Asi unopa yambiro yekuti muKristu akazodzwa mumwe nemumwe anokwanisa kusarudza kuti oramba akatendeka here kana kuti kwete. Jesu akati: “Ivai vakagadzirira.” (Mt 24:44) Pasinei nekuti tine tariro ipi, Jesu anoda kuti tese tigadzirire mwoyo yedu kuti tishumire Mwari takatendeka uye tirambe takarinda.

Ndiri kuratidza sei kuti ndakarinda?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe