KURARAMA KWECHIKRISTU
VaKristu Vechokwadi Vanozivikanwa Nerudo—Farira Chokwadi
NEI ZVICHIKOSHA? Tinofanira kupupurira chokwadi nezvezvinangwa zvaMwari sezvaiita Jesu. (Joh 18:37) Tinofanirawo kufarira chokwadi, kutaura chokwadi, uye kufunga zvinhu zvechokwadi, pasinei nekuti tiri kurarama munyika yakazara nhema uye zvinhu zvakaipa.—1VaK 13:6; VaF 4:8.
MAITIRWO AZVO:
Usateerera kana kuti kuparadzira makuhwa.—1VaT 4:11
Usafarira dambudziko rinenge rasangana nevamwe
Farira zvinhu zvakanaka, zvinokurudzira
ONA VHIDHIYO INONZI ‘IVAI NERUDO PAKATI PENYU’—USAFARIRA ZVISINA KURURAMA, ASI FARIRA CHOKWADI, WOZOPINDURA MIBVUNZO IYI:
Debbie akaratidza sei kuti ‘aifarira zvinhu zvisina kururama’?
Zvii zvakazotaurwa naAlice kuna Debbie?
Zvii zvakanaka zvatinogona kutaura nezvazvo?
Usafarira zvisina kururama, asi farira chokwadi