KURARAMA KWECHIKRISTU
Shamwaridzana Nevanhu Vanoda Jehovha
Nei tichifanira kutsvaga shamwari dzinoda Jehovha? Nekuti vanhu vatinoshamwaridzana navo vanogona kutikurudzira kuita zvinhu zvakanaka kana kutifurira kuita zvinhu zvakaipa. (Zvi 13:20) Semuenzaniso, Mupristi Mukuru Jehoyadha paakanga achiri mupenyu, Mambo Jehoashi akaramba achiita “zvakarurama pamberi paJehovha.” (2Mak 24:2) Asi paakazofa, Jehoashi akabva asiya Jehovha zvichikonzerwa nevanhu vakaipa vaakanga ava kushamwaridzana navo.—2Mak 24:17-19.
Makore akatanga chiKristu, muapostora Pauro akafananidza ungano yechiKristu ‘neimba yakakura’ uye vari muungano yacho ‘nemidziyo,’ kana kuti nezvinhu zvinoshandiswa mumba. Kana tichida kuramba tiri ‘midziyo yebasa rinokudzwa’ hatifaniri kushamwaridzana nemunhu anoita zvisingafadzi Jehovha, angava wemumhuri kana kuti muungano. (2Ti 2:20, 21) Saka, ngatirambei tichitsvaga shamwari dzinoda Jehovha uye dzinotikurudzira kumushumira.
ONA VHIDHIYO INONZI DZIDZA KURAMBA USHAMWARI HWAKAIPA, WOZOPINDURA MIBVUNZO IYI:
Ndezvipi zvinogona kukanganisa ushamwari hwedu naJehovha?
Chii chakabatsira vaKristu vatatu kuti varege kushamwaridzana nevanhu vakaipa?
Ndezvipi zvinotaurwa muBhaibheri zvinogona kukubatsira kusarudza shamwari dzakanaka?
Ndiri “mudziyo webasa rinokudzwa” here?—2Ti 2:21