RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb19 August p. 3
  • Shamwaridzana Nevanhu Vanoda Jehovha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Shamwaridzana Nevanhu Vanoda Jehovha
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2019
  • Mashoko Akafanana
  • Jehoashi Akasiya Jehovha Nokuti Aishamwaridzana Nevanhu Vakaipa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Nei Tichifanira Kutya Jehovha?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
  • Jehovha Anokomborera Munhu Anoratidza Ushingi
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2023
  • Kushinga kwaJehoyadha
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2019
mwb19 August p. 3

KURARAMA KWECHIKRISTU

Shamwaridzana Nevanhu Vanoda Jehovha

Nei tichifanira kutsvaga shamwari dzinoda Jehovha? Nekuti vanhu vatinoshamwaridzana navo vanogona kutikurudzira kuita zvinhu zvakanaka kana kutifurira kuita zvinhu zvakaipa. (Zvi 13:20) Semuenzaniso, Mupristi Mukuru Jehoyadha paakanga achiri mupenyu, Mambo Jehoashi akaramba achiita “zvakarurama pamberi paJehovha.” (2Mak 24:2) Asi paakazofa, Jehoashi akabva asiya Jehovha zvichikonzerwa nevanhu vakaipa vaakanga ava kushamwaridzana navo.​—2Mak 24:17-19.

Makore akatanga chiKristu, muapostora Pauro akafananidza ungano yechiKristu ‘neimba yakakura’ uye vari muungano yacho ‘nemidziyo,’ kana kuti nezvinhu zvinoshandiswa mumba. Kana tichida kuramba tiri ‘midziyo yebasa rinokudzwa’ hatifaniri kushamwaridzana nemunhu anoita zvisingafadzi Jehovha, angava wemumhuri kana kuti muungano. (2Ti 2:20, 21) Saka, ngatirambei tichitsvaga shamwari dzinoda Jehovha uye dzinotikurudzira kumushumira.

ONA VHIDHIYO INONZI DZIDZA KURAMBA USHAMWARI HWAKAIPA, WOZOPINDURA MIBVUNZO IYI:

  • Ndezvipi zvinogona kukanganisa ushamwari hwedu naJehovha?

  • Chii chakabatsira vaKristu vatatu kuti varege kushamwaridzana nevanhu vakaipa?

  • Ndezvipi zvinotaurwa muBhaibheri zvinogona kukubatsira kusarudza shamwari dzakanaka?

John ari kudirira waini vanhu vekubasa; Kristin ari kutarisa mapikicha anoiswa nevanhu paIndaneti; Jayden ari kutamba gemhu paIndaneti; John nemhuri yake, Kristin, naJayden vari kumusangano weungano

Ndiri “mudziyo webasa rinokudzwa” here?​—2Ti 2:21

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe