PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | ZVAKAZARURWA 1-3
“Ndinoziva Mabasa Ako”
“Nyeredzi nomwe”: Vakuru vakazodzwa asi dzinogonawo kunzi dzinomiririra vakuru vese
“Muruoko [rwaJesu] rwerudyi”: Nyeredzi idzi dzinotungamirirwa naJesu. Kana mumwe mukuru achifanira kubatsirwa, Jesu achaona kuti zvaitwa panguva yake yakakodzera uye maererano nezvaanoda
“Zvigadziko zvemarambi zvegoridhe zvinomwe”: Ungano dzechiKristu. Kufanana nezvigadziko zvemarambi zvaiva mutebhenekeri zvaivheneka chiedza, ungano dzechiKristu dzinovheneka chiedza chechokwadi chinobva kuna Mwari. (Mt 5:14) Jesu “anofamba pakati” pezvigadziko zvemarambi pakuti anotungamirira zvinoitwa muungano dzese