PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | GENESISI 15-17
Nei Jehovha Akapa Abramu naSarai Mazita Matsva?
Jehovha aiona Abramu seasina mhosva. Paakaudza Abramu mamwe mashoko nezvevimbiso yake, akapa Abramu naSarai mazita aitaura zvichaitika mune ramangwana.
Zvairehwa nemazita avo zvakazadzika, Abrahamu akazova baba vemarudzi mazhinji uye Sara akazova ambuya vemadzimambo.
Abrahamu
Baba Vemarudzi Mazhinji
Sara
Mwanasikana Wamambo
Hatigoni kusarudza zita ratinopiwa patinoberekwa. Asi tinogona kusarudza kuti tichazivikanwa sevanhu vakaita sei sezvakaita Abrahamu naSara. Zvibvunze kuti:
‘Ndingaita sei kuti ndionekwe sendisina mhosva naJehovha?’
‘Jehovha anondiona semunhu akaita sei?’