PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | GENESISI 20-21
Jehovha Anogara Achiita Zvaanenge Avimbisa
Jehovha akapa Abrahamu naSara mwanakomana nekuti vakanga varatidza kutenda. Kuteerera kwavakazoita pavaisangana nematambudziko kwakaratidza kutenda kwavo kwakasimba mune zvakavimbiswa naMwari nezveramangwana.
Kuteerera kwandinoita pandinosangana nematambudziko kunoratidza sei kuti ndine kutenda mune zvinovimbiswa naJehovha nezveramangwana? Ndingasimbisa sei kutenda kwangu?