PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | EKSODHO 8-9
Farao Anozvikudza Anozadzisa Chinangwa chaMwari Asingazivi
VanaFarao veIjipiti vaizviona savanamwari. Izvi zvinotibatsira kunzwisisa nei Farao ainyanya kuzvikudza zvekuti akaramba kuteerera Mozisi naAroni kunyange vapristi vake vaiita zvemashiripiti.
Unoteerera here mazano anopiwa nevamwe? Unoonga here kana mumwe munhu akakutsiura? Kana kuti unofunga kuti ndiwe unoziva zvese? “Kuzvikudza kunotangira kuparara.” (Zvi 16:18) Zvinokosha kuti tive vanhu vanozvininipisa!