KURARAMA KWECHIKRISTU
Usaparadzira Nhema
Mazuva ano zvava nyore kufambisa mashoko pachishandiswa mabhuku, redhiyo, TV kana kuti Indaneti. Sezvo tiri vashumiri ‘vaMwari anotaura chokwadi’ hatidi kuparadzira mashoko enhema, tichiziva kunyange tisingazivi. (Pis 31:5; Eks 23:1) Kuparadzira mashoko ekunyepa kunogona kukanganisa zvakawanda. Kana uchida kuona kuti chimwe chinhu ndechechokwadi here, zvibvunze kuti:
‘Munhu ari kuzvitaura akavimbika here?’ Munhu wacho anogona kunge asiri kuziva zvese nezvenyaya yacho. Kana munhu akakuudza zvaakanzwawo nemumwe munhu, kazhinji kacho mashoko anogona kuchinja saka tinofanira kungwarira kana tisingazivi akatanga kutaura nyaya yacho. Hama dzine ropafadzo muungano dzinofanira kungwarira zvadzinotaura nekuti vanhu vanoremekedza chaizvo zvadzinotaura.
‘Mashoko acho anosvibisa zita remumwe munhu here?’ Kana zvichisvibisa zita remumwe munhu, usazviparadzira.—Zvi 18:8; VaF 4:8
‘Nyaya yacho unoiona iri yechokwadi here?’ Ngwarira nyaya dzinenge dzakaita zvekurukwa
ONA VHIDHIYO INONZI ZVII ZVANDINGAITA KUTI NDIREGE KUITA MAKUHWA? WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:
Zvirevo 12:18 inoratidza kuti mashoko atinotaura anogona kukanganisa sei vamwe?
VaFiripi 2:4 inotibatsira sei kuti tingwarire zvatinotaura nezvevamwe vanhu?
Tinofanira kuita sei kana vamwe vakatanga kutaura zvinhu zvakaipa nezvevamwe vanhu?
Tisati tataura nezvemumwe munhu, tinofanira kutanga tazvibvunza kuti kudii?