RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb20 September p. 3
  • Usaparadzira Nhema

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Usaparadzira Nhema
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2020
  • Mashoko Akafanana
  • “Munhu Asina Zivo Anongotenda Mashoko Ose”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Mashoko Akawandisa
    Mukai!—1998
  • Rambai Muchiita Zvinhu Zvamakadzidza
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Une Chokwadi Nenyaya Yacho Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2020
mwb20 September p. 3

KURARAMA KWECHIKRISTU

Usaparadzira Nhema

Mukadzi ari kushamisika nezvaaona pafoni yake.

Mazuva ano zvava nyore kufambisa mashoko pachishandiswa mabhuku, redhiyo, TV kana kuti Indaneti. Sezvo tiri vashumiri ‘vaMwari anotaura chokwadi’ hatidi kuparadzira mashoko enhema, tichiziva kunyange tisingazivi. (Pis 31:5; Eks 23:1) Kuparadzira mashoko ekunyepa kunogona kukanganisa zvakawanda. Kana uchida kuona kuti chimwe chinhu ndechechokwadi here, zvibvunze kuti:

  • ‘Munhu ari kuzvitaura akavimbika here?’ Munhu wacho anogona kunge asiri kuziva zvese nezvenyaya yacho. Kana munhu akakuudza zvaakanzwawo nemumwe munhu, kazhinji kacho mashoko anogona kuchinja saka tinofanira kungwarira kana tisingazivi akatanga kutaura nyaya yacho. Hama dzine ropafadzo muungano dzinofanira kungwarira zvadzinotaura nekuti vanhu vanoremekedza chaizvo zvadzinotaura.

  • ‘Mashoko acho anosvibisa zita remumwe munhu here?’ Kana zvichisvibisa zita remumwe munhu, usazviparadzira.—Zvi 18:8; VaF 4:8

  • ‘Nyaya yacho unoiona iri yechokwadi here?’ Ngwarira nyaya dzinenge dzakaita zvekurukwa

ONA VHIDHIYO INONZI ZVII ZVANDINGAITA KUTI NDIREGE KUITA MAKUHWA? WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Mukomana akasungirirwa pabhodhi uye mapakatwa akabaya bhodhi racho.

    Zvirevo 12:18 inoratidza kuti mashoko atinotaura anogona kukanganisa sei vamwe?

  • Vanhu vari kuita makuhwa.

    VaFiripi 2:4 inotibatsira sei kuti tingwarire zvatinotaura nezvevamwe vanhu?

  • Murume ari kuramba kuudzwa makuhwa.

    Tinofanira kuita sei kana vamwe vakatanga kutaura zvinhu zvakaipa nezvevamwe vanhu?

  • Murume ari kutaura nezvemumwe munhu uye mumwe ari padivi ari kuita kunge mutori wenhau.

    Tisati tataura nezvemumwe munhu, tinofanira kutanga tazvibvunza kuti kudii?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe