PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | EKSODHO 35-36
Jehovha Akavabatsira Kuti Vaite Basa
Mweya mutsvene waJehovha wakabatsira Bhezareri naOhoriyabhi kuti vakwanise kunyatsogadzira zvinhu zvepatebhenekeri. Mazuva ano Jehovha anogona kushandisawo mweya wake mutsvene kubatsira vashumiri vake. Tingaita sei kuti tiwane mweya wake mutsvene?
Tinofanira kunyengetera kuti mweya wake mutsvene utibatsire kuwedzera unyanzvi hwatiinahwo pabasa rake
Tinofanira kugara tichidzidza Shoko rake Bhaibheri
Tinofanira kushanda nemwoyo wese pabasa rese ratinenge tapiwa
Jehovha anogona kukubatsira kuita mabasa api?