PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | REVHITIKO 1-3
Nei Mipiro Yaipiwa?
Mutemo waMozisi waiti vaIsraeri vanofanira kupa mipiro kana kuti zvibayiro. Jehovha aifadzwa nazvo uye zvaimiririra chibayiro chaJesu uye makomborero aizowanikwa nevanhu nekuda kwechibayiro ichocho.—VaH 8:3-5; 9:9; 10:5-10.
Mhuka dzaipiwa sezvibayiro dzaifanira kunge dzakanaka. Izvi zvairatidza kuti Jesu aizopa muviri wake wakakwana usina chivi.—1Pe 1:18, 19
Chibayiro chinopiswa chaifanira kupiwa chese kuna Mwari, uye ndizvowo zvakaitwa naJesu, akazvipa nemwoyo wese kuna Jehovha
Vanhu vaipa zvibayiro zverugare vairatidza kuti vane rugare naMwari. Saka vaKristu vakazodzwa pavanodya paKudya kwaShe Kwemanheru, vanenge vachiratidza kuti vane rugare naMwari