PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | REVHITIKO 14-15
Vanamati Vechokwadi Vanofanira Kunge Vakachena
Kuti tirambe tiri murudo rwaMwari, tinofanira kunge takachena mukati nekunze. Izvi zvinoreva kuti tinonyatsoteerera zvinotaurwa naJehovha panyaya yekushambidzika, kuzvibata, uye kunamata, pasinei nezvinoitwa nenyika. Tinoedza nepatinogona napo kuti tisaita chero chii zvacho chinonzi naBaba vedu vekudenga hachina kuchena.
Kuramba maitiro enyika ino asina kuchena kunondibatsira sei?