SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI
Mharidzo Dzekuenzanisira
Paunoona Munhu Kekutanga
Mubvunzo: Mwari anoteerera minyengetero here?
Rugwaro: Pis 65:2
Pekuzotangira: Tinganyengetera nezvei?
TSVAGA VHESI IYI MUBHOKISI REMATURUSI EKUDZIDZISA:
Paunodzokera
Mubvunzo: Tinganyengetera nezvei?
Rugwaro: 1Jo 5:14
Pekuzotangira: Mwari anopindura sei minyengetero yedu?
TSVAGA VHESI IYI MUBHOKISI REMATURUSI EKUDZIDZISA:
Mushandirapamwe Wekukoka Vanhu Kuchirangaridzo (February 27–March 27)
“Tauya kuzokukokai [kana kuti tafona kana kuti tanyora tsamba iyi kuti tikukokei] kumusangano unokosha uchapindwa nemamiriyoni evanhu. Musangano uyu ndewekuyeuka kufa kwaJesu.” Ipa [kana kuti tumira] munhu wacho pepa rekumukoka. “Pepa iri rinoratidza nguva nenzvimbo zvichaitirwa musangano wacho [kana kuti mungaupinda sei paIndaneti]. Tinokukokaiwo kuzonzwa hurukuro inokosha.”
Pekuzotangira Kana Munhu Wacho Aratidza Kufarira: Nei Jesu akafa?