RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb21 May p. 7
  • Kurangwa Chiratidzo Chekuti Jehovha Anotida

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kurangwa Chiratidzo Chekuti Jehovha Anotida
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2021
  • Mashoko Akafanana
  • Kunzwisisa Chinangwa Chokuranga Nokurayira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Chirango Chinoratidza Rudo rwaMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
  • Unofanira Kuranga Sei Vana Vako?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Chirango Chinobereka Chibereko Chine Rugare
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1987
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2021
mwb21 May p. 7
Vabereki vari kuchema mwana wavo asingapfidzi achibva pamba.

KURARAMA KWECHIKRISTU

Kurangwa Chiratidzo Chekuti Jehovha Anotida

Shoko rekuti kuranga rinowanzoreva kurayira nekudzidzisa, asi rinosanganisirawo kutsiura. Jehovha anotiranga kuti tikwanise kumunamata nenzira yaanoda. (VaR 12:1; VaH 12:10, 11) Dzimwe nguva kurangwa kunorwadza, asi kunoita kuti tive vanhu vakarurama uye tikomborerwe. (Zvi 10:7) Vaya vanopa chirango uye vanopiwa vanofanira kuyeukei?

Vanopa. Vakuru vemuungano, vabereki, nevamwewo vanoedza kupa chirango zvakanaka uye zvine rudo sezvinoitwa naJehovha. (Jer 46:28) Kunyange kana munhu achifanira kutsiurwa zvakasimba, zvinofanira kuitwa zvichienderana nezvaakanganisa uye zvichiitwa nerudo.—Tit 1:13.

Vanopiwa. Pasinei nekuti inzira ipi yashandiswa pakutipa chirango, tinofanira kukurumidza kuchigamuchira. (Zvi 3:11, 12) Sezvo tiri vanhu vanokanganisa, tese tinoda kurangwa, uye chirango chacho chinouya nenzira dzakasiyana-siyana. Pamwe pacho, tinogona kuzviona patinenge tichiverenga Bhaibheri kana kuti patinenge tiri pamisangano. Dzimwe nguva, vamwe vangatofanira kubatsirwa nedare rinotonga. Kubvuma kurangwa kunoita kuti tiwane upenyu.—Zvi 10:17.

ONA VHIDHIYO INONZI “JEHOVHA ANORANGA VAANODA,” WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Chikamu chevhidhiyo inonzi ‘Jehovha Anoranga Vaanoda.’ Canon achiparidza nevabereki vake paaiva mudiki.

    Pakutanga, Hama Bonaldi vairarama upenyu hwakaita sei, asi hwakazochinja sei?

  • Chikamu chevhidhiyo inonzi ‘Jehovha Anoranga Vaanoda.’ Canon achitaura nevakuru.

    Jehovha akavabatsira achishandisa nzira ipi?

  • Chikamu chevhidhiyo inonzi ‘Jehovha Anoranga Vaanoda.’ Canon achitaura nevechidiki vemuungano.

    Gamuchira nemwoyo wese chirango chinobva kuna Jehovha

    Zvakaitika kwavari zvinotidzidzisei?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe