RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb21 May p. 13
  • Ratidza Rudo Mumhuri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ratidza Rudo Mumhuri
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2021
  • Mashoko Akafanana
  • Mhuri Yenyu Inogona Kufara
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Kuita Kuti Upenyu Hwenyu Hwemhuri Hufadze
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Upenyu Hwemhuri Hunofadza Mwari
    Mwari Anodei Kwatiri?
  • Kiyi Mbiri Dzeroorano Inogara
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2021
mwb21 May p. 13
Mhuri iri kuimba pamusangano.

KURARAMA KWECHIKRISTU

Ratidza Rudo Mumhuri

Rudo runoita kuti mhuri ibatane. Pasina rudo, zvakaoma kuti vari mumhuri vabatane uye vashande pamwe chete. Varume, madzimai, uye vabereki vangaratidza sei rudo mumhuri?

Murume ane rudo anofungawo zvinodiwa nemudzimai wake, maonero ake, uye manzwiro ake. (VaE 5:28, 29) Anoita kuti mhuri yake iwane zvekurarama nazvo uye anoitungamirirawo pakunamata kusanganisira kugara achiitisa Kunamata Kwemhuri. (1Ti 5:8) Mudzimai ane rudo anozviisa pasi pemurume wake uye ‘anomuremekedza zvikuru.’ (VaE 5:22, 33; 1Pe 3:1-6) Vese vari vaviri vanofanira kuregererana nemwoyo wese kana mumwe akakanganisa. (VaE 4:32) Vabereki vane rudo vanoratidza kuti vanoda mwana mumwe nemumwe uye vanovadzidzisa kuti vade Jehovha. (Dhe 6:6, 7; VaE 6:4) Matambudziko api anosangana nevana vavo kuchikoro? Vari kukwanisa here kuramba kufurirwa nevezera ravo? Kana mumhuri muine rudo, vanhu vese vanonzwa vakachengeteka uye vasina chekutya.

ONA VHIDHIYO INONZI RATIDZA RUDO RUSINGAPERI MUMHURI YAKO, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Chikamu chevhidhiyo inonzi ‘Ratidza Rudo Rusingaperi Mumhuri Yako.’ Murume nemudzimai vari kukurukura imwe vhesi pavanenge vabva kumusangano.

    Murume ane rudo anopa sei zvekudya mudzimai wake nekumuchengeta?

  • Chikamu chevhidhiyo inonzi ‘Ratidza Rudo Rusingaperi Mumhuri Yako.’ Hanzvadzi painenge yadzokera kumba inonyatsoteerera murume wayo asiri Chapupu paanenge achitaura, yomuudza kuti inomuremekedza.

    Mudzimai ane rudo anoratidza sei kuti anoremekedza murume wake zvikuru?

  • Chikamu chevhidhiyo inonzi ‘Ratidza Rudo Rusingaperi Mumhuri Yako.’ Mhuri iri kutaura zvinhu zvayanakidzwa nazvo pamusangano vachidyira-dyira.

    Vabereki vane rudo vangaramba sei vachidzokorora Shoko raMwari kuvana vavo?

ZVEKUNGWARIRA PAKUSHANDISA MAFONI

Zvinhu zvakaita semafoni nemakombiyuta zvinogona kutora nguva yakawanda yamaifanira kushandisa pakuita zvinhu zvinoita kuti mhuri iwedzere kudanana. Vabereki vanogona kuisa mitemo yekuti foni inofanira kushandiswa nguvai uye kwenguva yakareba sei uye ivowo vabereki vacho vanofanira kunge vachiitevedzera. Vabereki vanofanirawo kusarudza kuti vana vavo vadiki votaura here nevamwe vanhu paIndaneti uye kuti ndivanaani vavanotaura navo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe