RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb21 July p. 11
  • Ona Vakadzi Vakuru Savanaamai, Vakadzi Vadiki Sehanzvadzi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ona Vakadzi Vakuru Savanaamai, Vakadzi Vadiki Sehanzvadzi
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2021
  • Mashoko Akafanana
  • Unobata Vanhukadzi Sezvinoita Jehovha Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
  • Tsigira Vakadzi vechiKristu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
  • Kunzwisisa Nyaya Yemusoro Muungano
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
  • Remekedza Munhu Mumwe Nemumwe Ari Muungano
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2021
mwb21 July p. 11
Hama iri kubatsira hanzvadzi yakwegura kuti ipinde mumota ichifamba nehanzvadzi yechidiki pashure pemusangano.

KURARAMA KWECHIKRISTU

Ona Vakadzi Vakuru Savanaamai, Vakadzi Vadiki Sehanzvadzi

Magwaro anotiudza kuti tione vaKristu vechikuru savanaamai navanababa vedu, uye vechidiki sevana vemumba medu. (Verenga 1 Timoti 5:1, 2.) Hama dzinofanira kubata hanzvadzi neruremekedzo.

Hama haifaniri kuita seinoda imwe hanzvadzi asi ichitamba zvayo, kana kuita zvimwe zvinhu zvinoita kuti hanzvadzi isanzwa yakasununguka kwairi. (Job 31:1) Kana hama inenge isina kuroora isingadi kudanana nemumwe munhu haifaniri kuita zvinhu zvinoita kuti hanzvadzi isina kuroorwa ifunge kuti hama iyi iri kuida.

Kana hanzvadzi ikabvunza mubvunzo zvine ruremekedzo kana kuti ikataura chimwe chinhu chingada kuti vakuru vaongorore, vakuru vacho vanofanira kufunga nezvazvo. Vakuru vanofanirawo kunyanya kuva nehanya nevaya vasina varume vanovadzivirira.—Rut 2:8, 9.

ONA VHIDHIYO INONZI RATIDZA RUDO RUSINGAPERI MUUNGANO—KUCHIRIKADZI NENHERERA, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Chikamu chevhidhiyo inonzi ‘Ratidza Rudo Rusingaperi Muungano—Kuchirikadzi Nenherera.’ Hama nehanzvadzi dziri kunyaradza Hanzvadzi Myint nevanasikana vavo pashure pekunge murume wavo aita tsaona ndokubva afa.

    Ungano yakaratidza sei rudo rwakakura kuna Hanzvadzi Myint?

  • Chikamu chevhidhiyo inonzi ‘Ratidza Rudo Rusingaperi Muungano—Kuchirikadzi Nenherera.’ Muvakidzani ari kutarisa murume nemudzimai vari Zvapupu vachishanyira Hanzvadzi Myint nevanasikana vavo.

    Rudo rwakaratidzwa neungano rwakapa sei uchapupu kuvanhu vemunharaunda?

  • Chikamu chevhidhiyo inonzi ‘Ratidza Rudo Rusingaperi Muungano—Kuchirikadzi Nenherera.’ Hanzvadzi Myint nevanasikana vavo vari pamusangano.

    Rudo rwakaratidzwa neungano rwakabatsira sei vanasikana vaHanzvadzi Myint?

Zvii zvaungaita kuti uratidze kuti une hanya nehanzvadzi dzemuungano menyu?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe