Jakobho achiprofita kuvanakomana vake
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI
Jehovha Anogova Nyika Zvakanaka
Jehovha akatungamirira vaIsraeri achishandisa mijenya, zvimwe kuitira kuti dzinza rimwe nerimwe rizive kuti nhaka yaro yaizova nechepapi. (Jos 18:10; it-1-E 359 ¶1)
Jehovha akava nechokwadi chekuti uprofita hwakataurwa naJakobho ava pedyo nekufa hwazadziswa (Jos 19:1; it-1-E 1200 ¶1)
Jehovha akarega vanhu vachisarudza kuti dzinza rimwe nerimwe raizopiwa nzvimbo yakakura sei (Jos 19:9; it-1-E 359 ¶2)
Nyika yakagovewa nenzira yaisaita kuti madzinza acho aitirane godo kana kupopotedzana. Izvi zvinoita kuti unzwe sei nezvekufambiswa kuchaitwa zvinhu naJehovha munyika itsva?