RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb22 January p. 13
  • Zvatinodzidza Muupenyu hwaSamueri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvatinodzidza Muupenyu hwaSamueri
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2022
  • Mashoko Akafanana
  • Samueri Anotsigira Kunamata Kwechokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • “Akaramba Achikura Jehovha Ainaye”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • “Akaramba Achikura Jehovha Ainaye”
    Tevedzera Kutenda Kwavo
  • Akaodzwa Mwoyo Asi Haana Kukanda Mapfumo Pasi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2022
mwb22 January p. 13
Mifananidzo: Mifananidzo inobva muvhidhiyo inonzi “Dzidza Kubva Kwavari—Samueri.” 1. Danny. 2. Samueri ari mudiki.

KURARAMA KWECHIKRISTU

Zvatinodzidza Muupenyu hwaSamueri

Samueri akaramba akatendeka kuna Jehovha kweupenyu hwake hwese. Paaiva mukomana wechidiki akaramba kuita zvinhu zvakaipa zvaiitwa nevanakomana vaEri, Hofini naFiniyasi. (1Sa 2:22-26) Samueri akaramba achikura uye Jehovha aiva naye. (1Sa 3:19) Paakanga akwegura, akaramba achifamba munzira dzaJehovha, kunyange zvazvo vanakomana vake vasina kudaro.—1Sa 8:1-5.

Muenzaniso waSamueri unotidzidzisei? Kana uri wechidiki, ziva kuti Jehovha anonzwisisa matambudziko auri kusangana nawo uye manzwiro auri kuita. Anogona kukubatsira kuti uve neushingi. (Isa 41:10, 13) Kana uri mubereki ane mwana akapanduka, nyaradzwa nekuziva kuti Samueri aisagona kumanikidza vanakomana vake vainge vakura kuti varambe vachiita zvinodiwa naJehovha. Akasiyira nyaya yacho kuna Jehovha, achiramba akaperera kwaari uye achifadza Baba vake vekudenga. Zvimwe muenzaniso wako wakanaka uchaita kuti mwana wako adzoke kuna Jehovha.

ONA VHIDHIYO INONZI DZIDZA KUBVA KWAVARI—SAMUERI, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Mufananidzo wakatorwa muvhidhiyo inonzi “Dzidza Kubva Kwavari—Samueri.” Samueri ari mudiki akatakura huni muchivanze chetebhenekeri.

    Samueri akaratidza sei ushingi paaiva mukomana?

  • Mufananidzo wakatorwa muvhidhiyo inonzi “Dzidza Kubva Kwavari—Samueri.” Danny anobvunza mukoma wake nezveupenyu huviri hwaari kurarama.

    Danny akaratidza sei ushingi?

  • Mufananidzo wakatorwa muvhidhiyo inonzi “Dzidza Kubva Kwavari—Samueri.” Muprofita Samueri paainge akura.

    Samueri akaratidza sei muenzaniso wakanaka paainge akwegura?

  • Mufananidzo wakatorwa muvhidhiyo inonzi “Dzidza Kubva Kwavari—Samueri.” Vabereki vaDanny pashure pekunge vaparidza vese naDanny.

    Jehovha anotsigira vaya vanoramba vachiita zvakarurama

    Vabereki vaDanny vakaratidza sei muenzaniso wakanaka?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe