PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI
Kuzvikudza Kunoita Kuti Munhu Anyadziswe
Mambo Sauro akaona sekuti zvinhu zvakanga zvamuomera (1Sa 13:5-7)
Pane kuti azvininipise oita zvakanga zvataurwa naJehovha, Sauro akazvikudza (1Sa 13:8, 9; w00 8/1 13 ¶17)
Jehovha akaranga Sauro (1Sa 13:13, 14; w07 6/15 27 ¶8)
Kana munhu akamhanyirira kuita zvimwe zvinhu zvaasina kodzero yekuita anenge achizvikudza. Munhu anozvikudza akasiyana nemunhu anozvininipisa. Zvii zvingaita kuti munhu ade kuzvikudza?