KURARAMA KWECHIKRISTU
Jehovha Anotibatsira Kutsungirira Matambudziko
Mumazuva ano ekupedzisira, tinosangana nematambudziko akawanda. Dzimwe nguva tinogona kunzwa sekuti matambudziko acho atiwandira uye hatichagoni kuatsungirira. Asi kana tikaramba tichiswedera pedyo naJehovha, iye achatibatsira kuti tikwanise kutsungirira. (Isa 43:2, 4) Chii chingatibatsira kuswedera pedyo naJehovha patinosangana nematambudziko?
Kunyengetera. Kana tikadurura mwoyo yedu kwaari, Jehovha achatipa rugare uye simba rekuti tikwanise kutsungirira.—VaF 4:6, 7; 1VaT 5:17.
Misangano. Iye zvino ndipo patava kunyanya kuda kugara tichisimbisana nevamwe uye tichiwana zvekudya zvekunamata zvatinopiwa naJehovha pamisangano. (VaH 10:24, 25) Kana tikagadzirira, tikapinda uye tikapindura pamisangano, tichanyatsobatsirwa nemweya waJehovha.—Zva 2:29.
Ushumiri. Kana tikaramba tichiita basa rekuparidza, zvichatiitira nyore kuisa pfungwa dzedu pazvinhu zvakanaka zvinenge zvichiitika. Zvichasimbisawo ushamwari hwedu naJehovha uye nevatinoshanda navo.—1VaK 3:5-10.
ONA VHIDHIYO INONZI JEHOVHA ACHAKUTORA, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:
Chii chakabatsira Malu kuramba ari pedyo naJehovha paaisangana nematambudziko?
Sezvakaitika kuna Malu, mashoko ari pana Pisarema 34:18 anogona kutinyaradza sei patinosangana nematambudziko?
Zvakaitika kuna Malu zvinoratidza sei kuti Jehovha anotipa “simba rakawedzerwa pane ratagara tiinaro” patinosangana nematambudziko?—2VaK 4:7