RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb23 January p. 9
  • Jehovha Anotibatsira Kutsungirira Matambudziko

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jehovha Anotibatsira Kutsungirira Matambudziko
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2023
  • Mashoko Akafanana
  • Yeuka Kuti Jehovha Ndiye “Mwari Mupenyu”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
  • Hatisi Tega
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Jehovha Anotibatsira Sei Kutsungirira?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2023
mwb23 January p. 9
Baba naamai nevana vavo vaviri vari kukurukura nevamwe vemuungano vachionana pavhidhiyo.

KURARAMA KWECHIKRISTU

Jehovha Anotibatsira Kutsungirira Matambudziko

Mumazuva ano ekupedzisira, tinosangana nematambudziko akawanda. Dzimwe nguva tinogona kunzwa sekuti matambudziko acho atiwandira uye hatichagoni kuatsungirira. Asi kana tikaramba tichiswedera pedyo naJehovha, iye achatibatsira kuti tikwanise kutsungirira. (Isa 43:2, 4) Chii chingatibatsira kuswedera pedyo naJehovha patinosangana nematambudziko?

Kunyengetera. Kana tikadurura mwoyo yedu kwaari, Jehovha achatipa rugare uye simba rekuti tikwanise kutsungirira.—VaF 4:6, 7; 1VaT 5:17.

Misangano. Iye zvino ndipo patava kunyanya kuda kugara tichisimbisana nevamwe uye tichiwana zvekudya zvekunamata zvatinopiwa naJehovha pamisangano. (VaH 10:24, 25) Kana tikagadzirira, tikapinda uye tikapindura pamisangano, tichanyatsobatsirwa nemweya waJehovha.—Zva 2:29.

Ushumiri. Kana tikaramba tichiita basa rekuparidza, zvichatiitira nyore kuisa pfungwa dzedu pazvinhu zvakanaka zvinenge zvichiitika. Zvichasimbisawo ushamwari hwedu naJehovha uye nevatinoshanda navo.—1VaK 3:5-10.

ONA VHIDHIYO INONZI JEHOVHA ACHAKUTORA, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Chii chakabatsira Malu kuramba ari pedyo naJehovha paaisangana nematambudziko?

  • Sezvakaitika kuna Malu, mashoko ari pana Pisarema 34:18 anogona kutinyaradza sei patinosangana nematambudziko?

  • Zvakaitika kuna Malu zvinoratidza sei kuti Jehovha anotipa “simba rakawedzerwa pane ratagara tiinaro” patinosangana nematambudziko?—2VaK 4:7

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe