RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wp21 nha. 1 pp. 3-4
  • Vanhu Vanoti Kudii Nezvekunyengetera?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vanhu Vanoti Kudii Nezvekunyengetera?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2021
  • Mashoko Akafanana
  • Minyengetero Inopindurwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Swedera Pedyo naMwari Nokunyengetera
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Kunyengetera Kune Zvakunobatsira Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Chipo Chatakapiwa naMwari Chemunyengetero
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2021
wp21 nha. 1 pp. 3-4
Vanhu vemarudzi akasiyana-siyana vari kunyengetera vachitsvaga kutungamirirwa naMwari.

Vanhu Vanoti Kudii Nezvekunyengetera?

“Pandinonyengetera, ndinoona sekuti Mwari anenge ari parutivi pangu, akandibata ruoko kuti anditungamirire.”—MARÍA.

“Mudzimai wangu akaita makore 13 achirwara nekenza achibva azoshaya. Ndainyengetera kuna Mwari mazuva ese uye ndainzwa kuti ari kuteerera minyengetero yangu uye izvi zvakaita kuti ndinzwe kugadzikana.”—RAÚL.

“Munyengetero chipo chakazonaka chatakapiwa naMwari.”—ARNE.

Vanhu vakawanda kusanganisira María, Raúl, naArne, vanoona munyengetero sechipo chinokosha. Vanonzwa sekuti munyengetero unoita kuti vataure naMwari, vachimutenda, uye vachikumbira kubatsirwa naye. Vanobvuma zvinotaurwa neBhaibheri nezvemunyengetero parinoti: “Ichi ndicho chivimbo chatiinacho maari, kuti pasinei nezvatinokumbira maererano nekuda kwake, iye anotinzwa.”—1 Johani 5:14.

Asi kunewo vamwe vasingabvumi zvinotaurwa neBhaibheri nezvemunyengetero. Steve aiona sekuti Mwari haapinduri minyengetero. Akati: “Pandaiva nemakore 17, shamwari dzangu 3 dzakafa. Mumwe wacho akafira mutsaona yemota, uye vamwe vaviri vakaita zvekunyura mugungwa.” Steve akaita sei? “Ndakanyengetera kuna Mwari ndichida kuziva kuti sei zvinhu izvi zvakaitika, asi handina kuwana mhinduro. Saka ndakatanga kuzvibvunza kuti, ‘Kunyengetera kunobatsirei?’” Vakawanda pavanoona minyengetero yavo isingapindurwi vanotanga kufunga kuti saka kunyengetera hakuna zvakunobatsira.

Pane zvimwewo zvikonzero zvinoita kuti vanhu vafunge kuti munyengetero haushandi. Vamwe vanoti sezvo Mwari achiziva zvese, zvatinoda uye matambudziko edu, hapana chikonzero chekuti tinyengetere tichimuudza nezvazvo.

Vamwe vanoti Mwari haateereri minyengetero yavo nemhaka yezvinhu zvakaipa zvavakamboita kare. Jenny anoti: “Dambudziko rangu nderekuzviona sendisingabatsiri. Ndine zvakaipa zvandakamboita kare, saka ndinoona sekuti hazviiti kuti Mwari ateerere mutadzi akaita seni.”

Mukadzi ari muchechi achinyengetera akatarisa mudenga, vamwe vachinyengetera vakatsikitsira.

Ko iwe unoona sei nyaya yekunyengetera? Kana uine mibvunzo nezveminyengetero, Bhaibheri rinogona kukupa mhinduro dzechokwadi. Zvarinotaura nezveminyengeteroa ndezvechokwadi, uye rinogona kukubatsira kuwana mhinduro dzemibvunzo yakaita seiyi:

  • Mwari anonzwa here minyengetero yedu?

  • Nei mimwe minyengetero isingapindurwi?

  • Unofanira kunyengetera sei kuti Mwari akunzwe?

  • Kunyengetera kunokubatsirei?

a MuBhaibheri mune minyengetero yevashumiri vaMwari vakawanda, kusanganisira yaJesu Kristu. Magwaro echiHebheru, ayo anowanzonzi Testamende Yekare, ane minyengetero inopfuura 150.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe