RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wp21 nha. 1 pp. 5-7
  • Mwari Anonzwa Minyengetero Yedu Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwari Anonzwa Minyengetero Yedu Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2021
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • MWARI ANOTINZWA.
  • MWARI ANODA KUTI UNYENGETERE KWAARI.
  • MWARI ANOKUDA.
  • “NDINODA JEHOVHA NEKUTI ANONZWA INZWI RANGU”
  • Swedera Pedyo naMwari Nokunyengetera
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Chipo Chatakapiwa naMwari Chemunyengetero
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Sumo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2021
  • Swedera Pedyo naMwari Nekunyengetera
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2021
wp21 nha. 1 pp. 5-7
Musikana ari kunyemwerera.

“Swederai pedyo naMwari, uye iye achaswedera pedyo nemi.”—Jakobho 4:8

Mwari Anonzwa Minyengetero Yedu Here?

Mwari anoteerera here pandinonyengetera? Kana wakambozvibvunza mubvunzo uyu hausi wega. Vanhu vakawanda vanonyengetera kuna Mwari nezvematambudziko avo, asi matambudziko acho haaperi. Saka zvinoreva here kuti Mwari haateereri minyengetero yedu? Aiwa! Bhaibheri rinoti Mwari anotinzwa kana tikanyengetera nenzira yaanoda. Inzwa zvarinotaura.

MWARI ANOTINZWA.

“Haiwa imi Munzwi wemunyengetero, vanhu vemarudzi ese vachauya kwamuri.”—Pisarema 65:2.

Vamwe vanofunga kuti kunyengetera kunobatsira kuti vanzwe zviri nani kunyange zvazvo pasina anenge achivateerera. Asi kunyengetera haisi nzira yekuti ungonzwa zviri nani pamatambudziko aunenge uinawo. Bhaibheri rinoti, “Jehovhaa ari pedyo nevese vanodana kwaari, vese vanodana kwaari muchokwadi. . . . Anonzwa kuchemera kwavo kubatsirwa.”—Pisarema 145:18, 19.

Saka tine chokwadi chekuti Jehovha anonzwa minyengetero yevanhu vanomunamata. Anoti: “Muchandishevedza mouya kuzonyengetera kwandiri, uye ini ndichakuteererai.”—Jeremiya 29:12.

MWARI ANODA KUTI UNYENGETERE KWAARI.

Baba vakagara pedyo nemwanasikana wavo ari kutamba nematoyi.

“Rambai muchinyengetera.”—VaRoma 12:12.

Bhaibheri rinotikurudzira kuti ‘tirambe tichinyengetera’ nguva dzese. Izvi zvinoratidza kuti Jehovha Mwari anoda kuti tinyengetere kwaari.—Mateu 26:41; VaEfeso 6:18.

Asi nei Mwari achida kuti tinyengetere kwaari? Imboona muenzaniso unotevera: Mubereki wese anofara kana akanzwa mwana wake achiti, “Baba ndibatsireiwo”? Mubereki anenge achitoziva zvinodiwa nemwana, asi paanonzwa mwana achitaura kuti anoda kubatsirwa, zvinoratidza kuti mwana wacho anovimba nemubereki wake uye anoda kuva pedyo naye. Isuwo patinonyengetera kuna Jehovha Mwari, tinoratidza kuti tinovimba naye uye tinoda kuva pedyo naye.—Zvirevo 15:8; Jakobho 4:8.

MWARI ANOKUDA.

Murume apererwa nebasa achiratidza kuti haasi kufara. Ane bhokisi rine zvinhu zvake.

‘Kandai zvese zvinokudyai mwoyo paari, nekuti iye ane hanya nemi.’—1 Petro 5:7.

Mwari anoda kuti tinyengetere kwaari nekuti anotida uye ane hanya nesu. Anonyatsoziva matambudziko edu nezvinotishungurudza, uye anoda kutibatsira.

Mambo Dhavhidhi aigara achinyengetera kuna Jehovha Mwari achida kubatsirwa uye achimuudza zvaiva kutsi kwemwoyo wake. (Pisarema 23:1-6) Mwari aiona sei Dhavhidhi? Aida Dhavhidhi uye ainzwa minyengetero yake yese. (Mabasa 13:22) Mwari anoteererawo minyengetero yedu nekuti anotida.

“NDINODA JEHOVHA NEKUTI ANONZWA INZWI RANGU”

Mashoko aya akataurwa nemumwe munyori weBhaibheri. Aiva nechokwadi chekuti Mwari ainzwa minyengetero yake, uye izvozvo zvakamubatsira. Zvakaita kuti ave pedyo naMwari uye zvakamupa simba rekuti akunde matambudziko aaisangana nawo.—Pisarema 116:1-9.

Kana tiine chokwadi chekuti Mwari anotinzwa patinonyengetera, zvichaita kuti tirambe tichitaura naye. Inzwa zvakaitika kuna Pedro anogara kuSpain. Akafirwa nemwanakomana wake aiva nemakore 19 mutsaona yemota. Pedro akadurura mwoyo wake kuna Mwari achishungurudzika uye akaramba achinyengetera kuti Mwari amutsigire nekumunyaradza. Anoti: “Jehovha akandipindura nekuita kuti vatinonamata navo vatinyaradze uye vatitsigire.”

Murume akabata pikicha achinyaradzwa neshamwari dzake.

Kazhinji kacho Mwari anopindura minyengetero yedu achishandisa shamwari dzedu

Minyengetero haina kuita kuti mwana wake amuke kubva kuvakafa, asi yakabatsira chaizvo Pedro nemhuri yake. Mudzimai wake anonzi María Carmen, akati: “Kunyengetera kwakandibatsira kuti nditsungirire marwadzo angu. Ndaiziva kuti Jehovha Mwari aindinzwisisa nekuti pandainyengetera ndaibva ndangonzwa kugadzikana.”

Nyaya dziri muBhaibheri uye zvakaitikawo kune vamwe, zvinonyatsoratidza kuti Mwari anonzwa minyengetero. Asi pane mimwe minyengetero isingapindurwi naMwari. Nemhaka yei?

a Jehovha ndiro zita raMwari.—Pisarema 83:18.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe