RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wp21 nha. 1 pp. 8-9
  • Nei Mwari Asingapinduri Mimwe Minyengetero?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nei Mwari Asingapinduri Mimwe Minyengetero?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2021
  • Mashoko Akafanana
  • Swedera Pedyo naMwari Nokunyengetera
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Chipo Chatakapiwa naMwari Chemunyengetero
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Minyengetero Yaani Inopindurwa?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Minyengetero Inopindurwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2021
wp21 nha. 1 pp. 8-9

Nei Mwari Asingapinduri Mimwe Minyengetero?

Baba vedu vekudenga, Jehovha Mwari, vanoda chaizvo kuteerera minyengetero yedu. Asi pane zvimwe zvinhu zvinoita kuti vasateerera mimwe minyengetero. Chii chinoita kuti vasaipindura, ndezvipi zvatinofanira kuita kuti minyengetero yedu ipindurwe? Inzwa zvimwe zvinotaurwa neBhaibheri.

Vanhu vari muchechi vachiverenga munyengetero uri mukabhuku.

“Paunenge uchinyengetera, usadzokorora-dzokorora zvinhu zvimwe chetezvo.”—Mateu 6:7.

Jehovha haadi kuti tidzokorore minyengetero yatinenge takaita zvekubata nemusoro kana kuti inenge yakaita zvekunyorwa mubhuku. Anoda kuti titaure zvichibva pasi pemwoyo. Chimbofungidzira kubhowa kwazvinoita kana uine shamwari inouya ichitaura kwauri mashoko mamwe chete zuva rimwe nerimwe. Shamwari dzinotaurirana dzakasununguka zviri pasi pemwoyo. Patinonyengetera tichitaura zviri pamwoyo pedu, zvinoratidza kuti tinenge tichiona Mwari seshamwari yedu.

Murume ari kubheja achishuvira kuti Mwari amubatsira ahwine.

“Pamunokumbira pacho, hapana chamunopiwa nekuti munokumbirira zvisina kunaka.”—Jakobho 4:3.

Mwari haateereri minyengetero yedu kana tichikumbira zvinhu zvatinoziva kuti haazvifariri. Semuenzaniso, ngatitii munhu obheja uye onyengetera kuna Mwari achikumbira kuti aite mhanza yakanaka ahwine. Jehovha anopindura munyengetero wakadaro here? Bhaibheri rinoti Mwari anovenga makaro uye vanhu vanoshuvira kuva nemhanza yakanaka. (Isaya 65:11; Ruka 12:15) Hatitarisiri kuti Jehovha angapindura minyengetero yakadaro! Kana tichida kuti apindure minyengetero yedu, tinofanira kunyengetera tichikumbira zvinhu zvinoenderana nezvaanoda.

Mufundisi achinyengeterera masoja.

“Munhu anoramba kuteerera mutemo, kunyange munyengetero wake unosemesa.”—Zvirevo 28:9.

Kare, Mwari akanga asingapinduri minyengetero yevanhu vakanga vasingateereri mitemo yake. (Isaya 1:15, 16) Nanhasi ndizvo zvaanongoita. (Maraki 3:6) Kana tichida kuti apindure minyengetero yedu, tinofanira kuedza nepese patinogona kuteerera mitemo yake. Ko kana tiine zvinhu zvakaipa zvatakamboita kare? Zvinoreva here kuti Jehovha haachambofi akatiteerera? Aiwa! Mwari anotiregerera kana tikasiya zvakaipa zvataimboita, toedza kuita zvinomufadza.—Mabasa 3:19.

“Munhu wese anosvika kuna Mwari anofanira kutenda kuti ariko uye kuti anopa mubayiro vaya vanomutsvaga nemwoyo wese.”—VaHebheru 11:6.

Mukadzi ari kuverenga Bhaibheri.

Kunyengetera haisi nzira yekungoti tinzwe zviri nani kana tiine zvinotinetsa. Patinonyengetera, tinenge tichiratidza kuti tinovimba naMwari uye tinomuda nekumuremekedza. Mudzidzi waJesu ainzi Jakobho akati: ‘Kana munhu akatadza kukumbira aine kutenda, haafaniri kutarisira kuti ane chaachapiwa naJehovha.’ (Jakobho 1:6, 7) Kuti tive nekutenda muna Mwari, tinofanira kuwana nguva yekudzidza Bhaibheri tosvika pakunyatsomuziva. Tikadaro zvichatibatsira kuti tizive zvaanoda uye tive nechokwadi chekuti patinonyengetera anotinzwa.

USAORA MWOYO!

Kunyange zvazvo Mwari asingapinduri minyengetero yese, anonzwa uye anopindura minyengetero inoitwa nemamiriyoni evanhu vanonyengetera nemwoyo wese. Bhaibheri rinoratidza zvinhu zvaunofanira kuita kuti minyengetero yako inzwiwe naMwari. Nyaya inotevera inotaura kuti ndezvipi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe