RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wp21 nha. 3 pp. 12-14
  • Chii Chingatibatsira Kuva Neramangwana Rakanaka?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chii Chingatibatsira Kuva Neramangwana Rakanaka?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2021
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • KWATINOWANA MAZANO ANOSHANDA
  • Bhaibheri Rinoti Kudii?
    Mukai!—2017
  • Dzidziso Dzechokwadi Dzinofadza Mwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Bhaibheri Rinotibatsira Kusiyanisa Zvakanaka Nezvakaipa
    TNharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2024
  • Ndokupi Kwaunogona Kuwana Nhungamiro Yakavimbika?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2021
wp21 nha. 3 pp. 12-14
Murume ari kuverenga Bhaibheri.

Chii Chingatibatsira Kuva Neramangwana Rakanaka?

Munyaya dzapfuura taona kuti vanhu vanofunga kuti zvinhu zvakadai semhanza yakanaka, dzidzo, mari uyewo kuva munhu akanaka ndizvo zvichaita kuti vave neramangwana rakanaka. Kuedza kuita zvinhu izvi uchifunga kuti ndizvo zvichaita kuti uve neramangwana rakanaka zvakangofanana nekuenda kunzvimbo yausingazivi uchishandisa mepu isiri iyo. Izvi zvinoreva here kuti hapana chinhu chinogona kutibatsira kuti tive neramangwana rakanaka? Aiwa.

KWATINOWANA MAZANO ANOSHANDA

Patinoita zvisarudzo, kazhinji tinobvunza mazano kubva kune munhu akura kana kuti akachenjera kutipfuura. Saizvozvowo tinogona kuwana mazano anoshanda ekuti tingava sei neramangwana rakanaka kubva kumunhu mukuru uye akachenjera kutipfuura. Tinoverenga mazano ake muBhaibheri iro rakatanga kunyorwa makore 3 500 apfuura.

Nei tichikwanisa kuvimba neBhaibheri? Nekuti rakanyorwa nemunhu mukuru uye akachenjera kupfuura vamwe vanhu vese pasi nekudenga. Anonzi “Wemazuva Mazhinji” uye agara aripo “kubvira nariini kusvika nariini.” (Dhanieri 7:9; Pisarema 90:2) Ndiye “Musiki wedenga, Mwari wechokwadi, Muumbi wenyika.” (Isaya 45:18) Anotiudza kuti zita rake ndiJehovha.—Pisarema 83:18.

Sezvo Bhaibheri rakanyorwa neMusiki wevanhu vese, haritauri kuti rumwe rudzi ruri nani pane rumwe. Mazano aro anoshanda nguva dzese uye akabatsira vanhu vakawanda pasi rese. Rinowanika mumitauro yakawanda uye rakaparadzirwa kupfuura mamwe mabhuku ese.a Izvi zvinoreva kuti vanhu pasi rese vanogona kurinzwisisa zviri nyore uye kubatsirwa nemazano aro. Zvinhu izvi zvinotsigirwa nezvinotaurwa neBhaibheri parinoti:

“Mwari haasaruri, asi anogamuchira vanhu vanobva mumarudzi ese vanomutya uye vanoita zvakarurama.”—MABASA 10:34, 35.

Sezvinongoitwa nevabereki vane rudo vanobatsira vana vavo, Jehovha Mwari ndiBaba vane rudo uye anotibatsira achishandisa Shoko rake Bhaibheri. (2 Timoti 3:16) Unogona kuvimba neShoko rake nekuti ndiye akatisika uye anonyatsoziva zvinoita kuti tive nemufaro.

TINOGONA KUVIMBA NEBHAIBHERI

Mapikicha: 1. Murume ari muchitima akatarisa foni yake. 2. Pafoni yemurume wacho pakavhurwa Bhaibheri.

Tinogona kuvimba nezvinotaurwa neBhaibheri nezveramangwana nekuti anenge makore 2 000 apfuura, rakataura zvinhu zvatiri kuona zviri kuitika munyika uyewo unhu hwevanhu hwatiri kuona mazuva ano.

ZVARAKATAURA KUTI ZVAIZOITIKA PANYIKA

“Rudzi ruchamukira rudzi, uye umambo huchamukira umambo. Kuchava nekudengenyeka kwenyika kukuru, uye munzvimbo dzakawanda muchava nenzara nematenda.”—RUKA 21:10, 11.

ZVARAKATAURA NEZVEUNHU HWEVANHU

“Mumazuva ekupedzisira, nguva dzakaoma, dzinonetsa kurarama madziri dzichasvika. Nekuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vanomhura, vasingateereri vabereki, vasingaongi, vasina kuvimbika, vasina rudo runongobva rwega mumwoyo, vasingatombodi kubvumirana, vanotaura zvenhema nezvevamwe, vasingazvidzori, vanotyisa, vasingadi zvakanaka, vatengesi, vakaoma musoro, vanozvitutumadza, vanoda mafaro panzvimbo pekuda Mwari.”—2 TIMOTI 3:1-4.

Unofungei paunoona zvakataurwa neBhaibheri kare kare zvichinyatsozadzika nemo nemo? Hapana mubvunzo kuti unobvumirana nezvakataurwa naLeung, wekuHong Kong uyo akati: “Uprofita huri muBhaibheri hwakanyorwa kare kare. Hazviiti kuti chero munhu aprofite zvinhu zvakadaro zvinozadzika nemo nemo. Zviri pachena kuti Bhaibheri rakabva kune mumwe munhu akachenjera zvikuru kutipfuura.”

MuBhaibheri mune uprofita hwakatozadzika.b Izvi zvinonyatsoratidza kuti zvechokwadi Bhaibheri iShoko raMwari. Jehovha anoti: “Ndini Mwari, uye hakuna akafanana neni. Kubvira pakutanga, ndinogara ndataura zvichaitika pakupedzisira.” (Isaya 46:9, 10) Saka unogona kuvimba nezvinotaurwa neBhaibheri nezveramangwana.

MAZANO ANOKUBATSIRA IYE ZVINO UYE MUNE RAMANGWANA

Murume nemudzimai nevana vavo vaviri vari kufamba vakabatana maoko vachifara.

Kushandisa mazano ari muBhaibheri kuchakubatsira. Mamwe acho ndeaya:

MAONERO AKANAKA EMARI NEBASA

“Zviri nani kumboti zororei pane kushanda zvakaoma zvakapetwa kaviri uchidzingana nemhepo.”—MUPARIDZI 4:6.

KUVA NEMHURI INOFARA

“Mumwe nemumwe wenyu anofanira kuda mudzimai wake sezvaanozviita; mudzimai anofanirawo kuremekedza murume wake zvikuru.”—VAEFESO 5:33.

KUWIRIRANA NEVAMWE

“Rega kutsamwa, usiye hasha; usashatirwa woita zvakaipa.”—PISAREMA 37:8.

Kushandisa zvinotaurwa neBhaibheri kuchakubatsira iye zvino uye kuchaitawo kuti uve neramangwana rakanaka. MuBhaibheri, Mwari anotivimbisa kuti tinogona kuva neupenyu hwakanaka hwatichararama tichifara tiine

RUGARE TISINA CHEKUTYA

“Vachafara zvikuru vaine rugare rwakawanda.”—PISAREMA 37:11.

PEKUGARA UYE ZVEKUDYA

“Vachavaka dzimba vogaramo, uye vachadyara minda yemizambiringa vodya michero yayo.”—ISAYA 65:21.

UTANO HWAKANAKA UYE TISINGAFI

“Hapazovi nerufu, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa.”—ZVAKAZARURWA 21:4.

Unofanira kuitei kuti uve neramangwana rakadaro? Verenga nyaya inotevera.

a Kuti unzwe nezvekushandurwa uye kuparadzirwa kwakaitwa Bhaibheri, enda pawww.pr2711.com wobaya pakanzi ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI > NHOROONDO DZEKARE UYE BHAIBHERI.

b Kuti uzive zvimwe verenga chitsauko 9 chebhuku rinonzi Bhaibheri iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha. Rinowanikawo pawww.pr2711.com. Enda pakanzi RAIBHURARI > MABHUKU UYE MABHUROCHA.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe