NYAYA YEUPENYU
Jehovha ‘Akaruramisa Makwara Angu’
IMWE hama yechidiki yakambondibvunza kuti, “Munonyanya kufarira rugwaro rwupi?” Ndakabva ndangomupindura kuti, “Zvirevo 3, vhesi 5 ne6, iyo inoti: ‘Vimba naJehovha nemwoyo wako wese, urege kuvimba nekunzwisisa kwako. Funga nezvake munzira dzako dzese, uye iye acharuramisa makwara ako.’” Zvechokwadi, Jehovha akaruramisa makwara angu. Akazviita sei?
VABEREKI VANGU VAKANDIBATSIRA KUPINDA MUGWARA RAKARURAMA
Kuma 1920, vabereki vangu vakadzidza chokwadi vasati vachata. Ndakaberekwa muna 1939. Pandaiva mudiki taigara kuEngland uye ndaienda kumisangano nevabereki vangu uye pava paya ndakazonyoresa muChikoro chaMwari cheUshumiri. Nanhasi ndichiri kuyeuka manzwiro andakaita pandakakwira pamusoro pebhokisi kuti ndikwanise kuona vateereri nepamusoro pepodhiyamu pandaipa hurukuro yangu yekutanga. Ndaiva nemakore 6 uye ndaitya chaizvo ndakatarisa vanhu vakuru vese vaiva muvateereri.
Ndichiparidza mumugwagwa nevabereki vangu
Kuti ndikwanise kuita ushumiri, baba vangu vaindinyorera pakadhi mharidzo dziri nyore dzekuti ndishandise. Ndaiva nemakore 8 pandakatanga kuenda ndega pasuo rasaimba. Ndakafara chaizvo saimba paakaverenga kadhi rangu ndokubva agamuchira bhuku rinonzi “Mwari Ngaave Wazvokwadi”! Ndakabva ndamhanya kuti ndinoudza baba. Ushumiri nemisangano zvaiita kuti ndifare uye zvakandibatsira kuti ndive nechido chekushumira Jehovha nguva yakazara.
Kuda kwandaiita chokwadi cheBhaibheri kwakawedzera baba pavakandinyoresa kuti ndigare ndichitumirwa Nharireyomurindi. Ndaibva ndaverenga magazini imwe neimwe payaingosvika. Kuvimba kwandaiita naJehovha kwakawedzera uye zvakaita kuti ndizvitsaurire kwaari.
Muna 1950 mhuri yedu yakapinda gungano raiva nemusoro waiti, Theocracy’s Increase, muNew York. Musi weChina 3 August, dingindira rezuva racho raiti, “Zuva Remamishinari.” Zuva iroro, Hama Carey Barber, avo vakazoshumira muDare Rinotungamirira, vakapa hurukuro yerubhabhatidzo. Pavakabvunza vaida kubhabhatidzwa mibvunzo miviri hurukuro yavo yava kunopera, ndakasimuka ndokuti, “Hongu!” Ndaiva nemakore 11, asi ndaiziva kuti ndakanga ndatora danho rinokosha. Ndaitya kupinda mumvura nekuti ndakanga ndisati ndava kugona kushambira. Babamunini vangu vakandiperekedza kwaibhabhatidzirwa vanhu uye vakandiudza kuti ndisatya. Zvinhu zvakafamba nekukurumidza zvekuti pandakapinda mumvura tsoka dzangu hadzina kumbogumha pasi. Ndakabva mumaoko meimwe hama ndichienda mumaoko meimwe yacho. Imwe yakandibhabhatidza uye imwe yakandisimudza kubva mumvura. Kubva pazuva iroro rinokosha, Jehovha akaramba achiruramisa makwara angu.
KUSARUDZA KUVIMBA NAJEHOVHA
Pandakapedza chikoro, ndaida kupayona, asi vadzidzisi vangu vakandikurudzira kuti ndiende kuyunivhesiti. Ndakabvuma kuita zvandaikurudzirwa ndokuenda kuyunivhesiti. Asi pasina nguva ndakaona kuti ndaisakwanisa kuramba ndakasimba muchokwadi panguva imwe chete ndichiita zvechikoro, saka ndakasarudza kusiya. Ndakanyengetera kuna Jehovha ndichitaura nezvenyaya yacho ndokubva ndanyorera vadzidzisi vangu tsamba ndichivaudza zvakanaka kuti ndakanga ndava kusiya chikoro, uye ndakasiya pakupera kwegore rekutanga. Ndichivimba zvakazara naJehovha, ndakabva ndatanga kupayona.
Muna July 1957 ndakatanga basa renguva yakazara mutaundi reWellingborough. Ndakakumbira hama dzaiva paBheteri rekuLondon kuti dzindiudzewo nezvehama yaipayona yainge yagara nebasa yandaigona kubatana nayo. Hama Bert Vaisey vakandidzidzisa zvinhu zvakawanda. Vaiva muparidzi anoshingaira uye vakandibatsira kuti ndive nepurogiramu yakanaka yekuparidza. Ungano yacho yaiva nehanzvadzi dzechikuru 6 uye ini naHama Vaisey. Kugadzirira misangano uye kuvawo nezvandaiita pamisangano yacho kwakandibatsira kuti ndiwedzere kuvimba naJehovha uye kuratidza kutenda kwangu.
Pashure pekugara mujeri kwenguva pfupi nekuti ndakanga ndaramba kupinda muchiuto, ndakaonana naBarbara, imwe hanzvadzi yaiva piyona chaiye. Takachata muna 1959, uye taida kuenda chero kwataizonzi tiende kunoshumira. Pakutanga takaenda kuLancashire iri kuchamhembe kwakadziva kumadokero kweEngland. Uye muna January 1961, ndakakokwa kuzopinda Chikoro cheUshumiri hweUmambo icho chaiitirwa paBheteri muLondon kwemwedzi wese. Ndakashamiswa kuti pakapera kosi yacho ndakanzi ndiite basa rekufambira. Kwemavhiki maviri, mumwe mutariri wedunhu akanga agara nebasa akandidzidzisa muguta reBirmingham, uye Barbara akabvumirwa kuti ange aripowo. Takabva taenda kudunhu redu munharaunda yeLancashire neCheshire.
KUVIMBA NAJEHOVHA KWAKANAKA NGUVA DZESE
Pataiva pazororo muna August 1962, takatambira tsamba yakabva kuhofisi yebazi. Mutsamba yacho maiva nemafomu ekuChikoro cheGiriyedhi! Pashure pekunge tanyengetera nezvazvo, Ini naBarbara takazadza mafomu acho ndokubva takurumidza kuadzorera kuhofisi yebazi sezvatakanga takumbirwa. Papera mwedzi 5 takaenda kuBrooklyn, New York, kunopinda kirasi yechi38 yeChikoro cheGiriyedhi, icho chaiitwa kwemwedzi 10.
KuGiriyedhi takadzidza zvakawanda nezveShoko raMwari, sangano rake uye nezvehama nehanzvadzi dziri munyika yese. Kunyange zvazvo ndakanga ndiine makore 24 uye Barbara aine 23, takadzidza zvakawanda kune vamwe vataidzidza navo mukirasi medu. Zuva rega rega ndaiva nechikomborero chekumboita basa repaBheteri naHama Fred Rusk, avo vaiva mumwe wevarayiridzi vedu. Chimwe chinhu chinokosha chavainyanya kutaura nezvacho ndechekuti tipe vamwe mazano nenzira yakarurama. Zvavaireva ndezvekuti kana tichitsiura vamwe, zvatinotaura zvinofanira kunge zvichibva muBhaibheri. Vamwe vaiuya vachipa hurukuro mukirasi medu vaisanganisira hama dzaiva neruzivo rwakawanda dzakadai saNathan Knorr, Frederick Franz, uye Karl Klein. Takadzidzawo zvakawanda kubva kuna Hama A. H. Macmillan avo vaizvininipisa. Hurukuro yavakapa yakatibatsira kuona kutungamirira kwaiita Jehovha vanhu vake panguva dzainge dzakaoma kubva muna 1914 kusvikira pakutanga kwegore ra1919!
KUCHINJWA KWEKUSHUMIRA
Kosi yacho payakanga yava kupera, Hama Knorr vakaudza ini naBarbara kuti takanga tava kunoshumira kuBurundi muAfrica. Takabva takurumidza kuenda kuraibhurari yepaBheteri kuti titarise muBhuku Regore kuti kuBurundi kwaiva nevaparidzi vangani panguva iyoyo. Zvakatishamisa patakaona kuti hapana paitaura nezvenhamba yevaparidzi vemunyika iyoyo! Takanga tichienda kundima yakanga isati yamboshandwa iri kuAfrica kwataisaziva zvakawanda nezvako. Takanetseka chaizvo. Asi kunyengetera nemwoyo wese kwakatibatsira kuti tigadzikane.
Mundima yedu itsva, zvinhu zvakadai semamiriro ekunze, tsika uye mutauro, zvakanga zvakasiyana chaizvo nezvatakanga takajaira. Takanga tava kufanira kudzidza chiFrench. Taivawo nedambudziko rekutsvaga pekugara. Tava nemazuva maviri tasvika, Harry Arnott, uyo watakadzidza naye kuGiriyedhi akatishanyira paaidzokera kuZambia kwaaishumira. Akatibatsira kuwana imba iyo yakava musha wedu wekutanga wemamishinari. Asi pasina nguva, takatanga kupikiswa nevanhu vehurumende avo vaisaziva nezveZvapupu zvaJehovha. Patakanga tava kunakidzwa nebasa redu, hurumende yakatiudza kuti takanga tisingakwanisi kuramba tiri munyika iyoyo tisina pemiti yebasa. Saka takabuda tikaenda kuUganda.
Kuvimba naJehovha kwakatibatsira kuti tisanyanya kutya kupinda muUganda tisina mavhiza. Imwe hama yekuCanada yaishumira kunodiwa vaparidzi vakawanda muUganda yakatsanangura nyaya yedu kune mumwe murume aishanda muhofisi yehurumende inoona nezvekupinda kwevanhu munyika, uye akati taigona kugara kwemwedzi mishoma kusvikira tawana pemiti yekugara munyika yacho. Izvozvo zvakaratidza kuti Jehovha akanga achitibatsira.
KuUganda kwainge kwakasiyana chaizvo nekuBurundi. Basa reUmambo rainge ratotangwa kare, kunyange zvazvo munyika yacho yese maingova neZvapupu 28 chete. Takawana vanhu vakawanda vaitaura Chirungu mundima yacho. Asi pasina nguva, takaona kuti taifanira kudzidza mumwe wemitauro yaitaurwa munyika iyi kuti tibatsire vaifarira kuti vafambire mberi. Takatanga kuparidza muKampala, umo mainyanya kutaurwa chiLuganda, saka takasarudza kudzidza mutauro iwoyo. Zvakatitorera makore kuti tizonyatsogona mutauro wacho, asi zvakatibatsira kuti tibudirire muushumiri hwedu! Takawedzera kunzwisisa zvinhu zvataifanira kudzidzisa vadzidzi vedu veBhaibheri. Pavakaona kuti taiva nehanya navo, vakatanga kutiudza zvaiva pamwoyo pavo uye manzwiro avaiita pamusoro pezvavaidzidza.
NZENDO DZAKAWANDA
Pataiita nzendo dzekutsvaga vanhu muUganda
Mufaro wataiwana pataiona vanhu vanoda kuziva chokwadi wakawedzera patakapiwa basa rekufambira munyika yacho yese. Tichitungamirirwa nebazi rekuKenya, takatenderera nenyika yacho yese tichitsvaga nzvimbo dzainyanya kudiwa mapiyona chaiwo. Kakawanda taiwanzogamuchirwa zvakanaka nevanhu vakanga vasati vamboonana neZvapupu. Vaitigamuchira nemufaro uye pamwe pacho vaitotibikira zvekudya.
Takazoita dzimwe nzendo dzainge dzakasiyana nedzekutanga. Ndakaita mazuva maviri ndiri muchitima ndichibva kuKampala ndichienda kuMombasa, guta remuKenya rinosvikira ngarava, uye ndakazokwira ngarava ndichienda kuSeychelles, zvitsuwa zviri muIndian Ocean. Kubva muna 1965 kusvika muna 1972, Barbara akanga ava kuenda neni kuSeychelles. Pakutanga kwaingova nevaparidzi vaviri vaigara ikoko, asi nekufamba kwenguva kwakazova neboka iro rakazova ungano. Ndakaita dzimwe nzendo dzekushanyira hama dzekuEritrea, Ethiopia, uye Sudan.
Zvematongerwo enyika zvakachinja muUganda pashure pekunge nyika yacho yava kutongwa nemasoja. Zvinhu zvaityisa zvakazoitika mumakore akatevera zvakandibatsira kuona uchenjeri hwekuteerera murayiro ‘wekudzorera zvinhu zvaKesari kuna Kesari.’ (Mako 12:17) Pane imwe nguva, vanhu vese vekune dzimwe nyika vaigara muUganda vakanzi vanonyoresa kukamba yemapurisa yaiva pedyo nekwavaigara. Takabva tangoita izvozvo. Pashure pemazuva mashoma, ini nemumwe mumishinari takamiswa nemapurisa pataifamba nemota muKampala. Hana dzedu dzairova zvisingaiti! Vakatipomera kuti tiri vasori uye vakaenda nesu kukamba hombe yemapurisa kwatakanovatsanangurira kuti hatisi vasori asi tiri mamishinari. Takavaudza kuti takanga tatonyoresa mazita edu kumapurisa kare asi vakaisa zvimiti munzeve. Vakatisunga vakaenda nesu kukamba yemapurisa yaiva pedyo neimba yemamishinari. Takafara chaizvo mumwe mupurisa aiziva kuti takanga tanyoresa paakatiziva, uye akabva aita kuti tisunungurwe!
Mazuva iwayo, zvinhu zvaiwanzooma pamarodhibhuroku emasoja, kunyanya pataimiswa nemasoja ainge anwa zvakanyanya. Nguva dzese, tainyengetera uye tainzwa takadzikama pataibvumirwa kupfuura. Takarwadziwa chaizvo muna 1973 mamishinari ese paakanzi abude muUganda.
Ndichiprinda Ushumiri Hwedu hwoUmambo, pabazi rekuCôte d’Ivoire, muAbidjan
Takachinjwazve kwekushandira, uye panguva ino takanzi tiende kuCôte d’Ivoire, iri kuWest Africa. Uku kwaiva kuchinja kwakakura kwatiri. Taifanira kudzidza tsika itsva, kutaurazve chiFrench nguva dzese uye kujaira kugara nemamishinari aibva kwakasiyana-siyana! Takaonazve kuti Jehovha aitungamirira basa rake, nekuti vanhu vaizvininipisa vakakurumidza kugamuchira mashoko akanaka. Takaona kuti kuvimba kwataiita naJehovha kwakaruramisa makwara edu.
Barbara akabva abatwa chirwere chekenza. Takadzokera kumusha kuEurope kakawanda achinorapwa, asi muna 1983 takaona kuti takanga tisingachakwanisi kuramba tichishumira muAfrica. Izvi zvakatiodza mwoyo chaizvo.
KUCHINJA KWEZVINHU
Kenza yaBarbara yakaramba ichiwedzera pataishumira paBheteri rekuLondon, uye akazofa. Mhuri yeBheteri yakanditsigira chaizvo. Mumwe murume nemudzimai wake vakandibatsira chaizvo kuti ndijairane nezvakanga zvavapo uye kuti ndirambe ndichivimba naJehovha. Ndakazoona imwe hanzvadzi yaimbova piyona chaiye uye yaishanda paBheteri ichibva kumba iyo yairatidza kuti yaida Jehovha chaizvo. Ini naAnn takachata muna 1989, uye kubva ipapo tiri kushumira pamwe chete paBheteri rekuLondon.
Ndiina Ann tiri pamberi pebazi idzva reBritain
Kubva muna 1995 kusvika muna 2018, ndakava neropafadzo yekuva mumiririri wemahofisi makuru (uyo aimbonzi mutariri anoshanyira mapazi), uye ndakashanyira nyika dzinoda kusvika 60. Munyika imwe neimwe, ndakaona uchapupu hwekuti Jehovha anokomborera vashumiri vake mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana.
Muna 2017 ndakadzokerazve kuAfrica pataishanyira rimwe bazi. Ndakafara chaizvo kuenda naAnn kuBurundi kekutanga uye takashamiswa chaizvo nekuwedzera kwainge kwaita vaparidzi muBurundi! Mumugwagwa wandaiparidza paimba neimba muna 1964, mava nemusha weBheteri wakanaka chaizvo uye munyika macho mava nevaparidzi vanopfuura 15 500.
Ndakafara chaizvo pandakagamuchira tsamba yaitaura nezvenyika dzandaizoshanyira muna 2018. Panyika idzodzo paiva neCôte d’Ivoire. Pandakasvika muAbidjan, guta guru renyika yacho, ndakanzwa sendadzoka kumba. Pandakatarisa mukabhuku kaiva nenhamba dzefoni dzevanhu vanoshanda paBheteri, ndichida kuona kuti ndiani aigara pedyo nesu, ndakaona zita reimwe hama yandakaziva rekuti Sossou. Ndakayeuka kuti yaimbova mutariri weguta pandaiva muAbidjan. Asi ndakanga ndarasika. Hama iyi yaiva mwanakomana waSossou.
Jehovha akazadzisa zvaakavimbisa. Matambudziko andakasangana nawo akandidzidzisa kuti patinovimba naJehovha, anoruramisa makwara edu. Iye zvino ndinoda kuramba ndichifamba mugwara risingagumi iro richawedzera kujeka munyika itsva.—Zvir. 4:18.