RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wp22 nha. 1 pp. 14-15
  • Ruvengo Paruchapera Zvachose!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ruvengo Paruchapera Zvachose!
  • TNharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2022
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • MWARI ACHABVISA ZVINOKONZERA KUTI VANHU VAVENGANE
  • BHAIBHERI RINOVIMBISA KUTI PACHAVA NENYIKA ISINA RUVENGO
  • Nei Vanhu Vachivengana Zvakanyanya Kudaro?
    TNharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2022
  • Tinogona Kukurira Ruvengo!
    TNharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2022
  • Sumo
    TNharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2022
  • Ruvengo Ruchazomboguma Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
Ona Zvimwe
TNharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2022
wp22 nha. 1 pp. 14-15

Ruvengo Paruchapera Zvachose!

Kunyange tikabvisa ruvengo mumwoyo medu, hatikwanisi kuchinja zvinoitwa nevamwe kana mafungiro avo. Vanhu vasina mhosva vanongoramba vachivengwa. Saka ndiani anogona kupedza dambudziko iri rekuvengana kunoita vanhu?

Jehovha Mwari chete ndiye anogona kupedza zvachose dambudziko iri rekuvengana. Ndizvo chaizvo zvinovimbiswa neBhaibheri.—Zvirevo 20:22.

MWARI ACHABVISA ZVINOKONZERA KUTI VANHU VAVENGANE

  1. 1. SATANI DHIYABHOROSI. Ngirozi yakapanduka inonzi Satani, ndiyo iri kukonzera ruvengo rwatiri kuona mazuva ano. Mwari achaparadza Satani nevanhu vese vanovenga vamwe.—Pisarema 37:38; VaRoma 16:20.

  2. 2. NYIKA YASATANI YAKAZARA NERUVENGO. Mwari achaparadza zvese zvinoita kuti vanhu vave neruvengo, kusanganisira vezvematongerwo enyika vane uori nevatungamiriri vezvitendero vanokurudzira kuti vanhu vavengane. Mwari achaparadzawo vanoita zvemabhizinesi vane makaro, vane uori, uye vanobiridzira vanhu.—2 Petro 3:13.

  3. 3. CHIVI CHIRI MUVANHU. Bhaibheri rinotsanangura kuti vanhu vese vanoberekwa vaine chivi, icho chinoita kuti vaite kana kuti vafunge zvinhu zvakaipa. (VaRoma 5:12) Kuvengana ndicho chimwe chezvinhu izvozvo zvinokonzerwa nechivi. Mwari achabatsira vanhu kukurira mafungiro iwayo akaipa anokonzerwa nechivi uye ruvengo ruchange rusisiko.—Isaya 54:13.

BHAIBHERI RINOVIMBISA KUTI PACHAVA NENYIKA ISINA RUVENGO

  1. 1. HAPANA MUNHU ACHABATWA ZVISINA KUNAKA. Umambo hwaMwari huchatonga nyika yese, uye huchatonga huri kudenga huchiita kuti munhu wese abatwe zvakanaka. (Dhanieri 2:44) Vanhu vanosarura uye vasingadi kubvuma mafungiro evamwe vachange vasisiko. Mwari achagadzirisa kusabatwa zvakanaka kuri kuitwa vanhu mazuva ano.—Ruka 18:7.

  2. 2. PANYIKA PACHAVA NERUGARE. Hapana achatambura zvichikonzerwa nekurwisana kunoita vanhu kana hondo. (Pisarema 46:9) Nyika inenge yava kugarika zvakanaka pasina chekutya nekuti munhu wese anenge achida kuva nerugare nevamwe.—Pisarema 72:7.

  3. 3. VANHU VESE VACHARARAMA NEKUSINGAPERI MUNYIKA ITSVA. Vanhu vese panyika vachange vava kuratidzana rudo rwechokwadi. (Mateu 22:39) Hapana achange achishungurudzika, kunyange nendangariro dzezvinhu zvakaitika kare zvinorwadza. (Isaya 65:17) Ruvengo paruchange rusisiko, vanhu “vachafara zvikuru vane rugare rwakawanda.”—Pisarema 37:11.

Unoda kurarama munyika yakadaro here? Iye zvino vanhu vakawanda vari kudzidza kuti vangakurira sei ruvengo nekushandisa zvinodzidziswa neBhaibheri. (Pisarema 37:8) Ndizvo zviri kuitwa nemamiriyoni eZvapupu zvaJehovha pasi rese. Kunyange zvazvo vari vemarudzi akasiyana-siyana uye vachibva kwakasiyana-siyana, vakabatana uye vanodanana.—Isaya 2:2-4.

Pikicha iri kuratidza unhu hwakanaka hwakadai serudo, rugare, mwoyo murefu nekuzvidzora uye unhu hwakaipa hweruvengo.

Zvapupu zvaJehovha zvinoda chaizvo kuudza vamwe zvavakadzidza nezvekuti vangaita sei kana vakasabatwa zvakanaka kana kuti vakasarurwa. Zvauchadzidza zvichakubatsira kuti ubvise zvishoma nezvishoma ruvengo ruri mumwoyo mako wotanga kuratidza rudo. Uchaona kuti ungaratidza sei rudo, kunyange kune vaya vasingatendi zvaunovaitira kana kuti vanokuvenga. Izvozvo zvichaita kuti ufare uye uwedzere kuwirirana nevamwe. Chinotonyanya kukosha ndechekuti uchadzidza zvaungaita kuti urarame munyika ichatongwa neUmambo hwaMwari ruvengo paruchange rusisiko.—Pisarema 37:29.

Kuti udzidze zvakawanda, ita Zvidzidzo zveBhaibheri Zviri paIndaneti kana kuti verenga bhuku rinonzi Rarama Nekusingaperi Uchifara! pajw.org.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe