RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wp22 nha. 1 pp. 12-13
  • 4 | Batsirwa naMwari Kukunda Ruvengo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • 4 | Batsirwa naMwari Kukunda Ruvengo
  • TNharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2022
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvinodzidziswa neBhaibheri:
  • Zvazvinoreva:
  • Zvaungaita:
  • Bhaibheri Rinochinja Upenyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Kuvengana Kungapedzwa Sei?
    TNharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2022
  • Tinogona Kukurira Ruvengo!
    TNharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2022
  • Nei Vanhu Vachivengana Zvakanyanya Kudaro?
    TNharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2022
Ona Zvimwe
TNharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2022
wp22 nha. 1 pp. 12-13
Vanhu vari kufamba vakananga kune Bhaibheri iro riri kuvavhenekera. Mimvuri yavo iri kuratidza kuti kare vaimbova neruvengo.

KUVENGANA KUNGAPEDZWA SEI?

4 | Batsirwa Namwari Kukunda Ruvengo

Zvinodzidziswa neBhaibheri:

“Zvibereko zvemweya rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, kuva akanaka, kutenda, unyoro, kuzvidzora.”​—VAGARATIYA 5:22, 23.

Zvazvinoreva:

Tinokwanisa kukunda ruvengo tichibatsirwa naMwari. Mweya wake mutsvene unogona kutibatsira kuva neunhu hwataisagona kuva nahwo tiri tega. Saka pane kuti tiedze kukurira ruvengo tiri tega, zviri nani kuti tivimbe nerubatsiro rwatinopiwa naMwari. Kana tikadaro, tichavawo nemanzwiro akafanana neemuapostora Pauro, uyo akanyora kuti: “Ndine simba rekuita zvinhu zvese nekuti pane anondipa simba.” (VaFiripi 4:13) Uye tichakwanisa kutaura kuti: “Rubatsiro rwangu runobva kuna Jehovha.”—Pisarema 121:2.

Zvaungaita:

“Jehovha akandichinja kubva pakuva munhu aida zvekurwisana nevanhu kuti ndive munhu ane rugare.”—WALDO

Nyengetera kuna Jehovha nemwoyo wese uchimukumbira mweya wake mutsvene. (Ruka 11:13) Mukumbire kuti akubatsire kuva neunhu hwakanaka. Dzidza zvinotaurwa neBhaibheri nezveunhu hunotibatsira kukunda ruvengo hwakadai serudo, rugare, mwoyo murefu uye kuzvidzora. Chiedza kushandisa zvauri kudzidza muupenyu hwako. Uye shamwaridzana nevanhu vari kuedzawo kuva neunhu ihwohwo. Vanhu ivavo ‘vachakukurudzira kuva nerudo uye kuita mabasa akanaka.’—VaHebheru 10:24.

Zvakaitika Kune Vamwe​—WALDO

Akasiya Zvekurwa

Waldo.

Waldo akakura achibatwa zvisina kunaka uye izvozvo zvakaita kuti ave neruvengo. Akati: “Ndaigara ndichirwa nevanhu vaiita zvekutengesa madhiragi . . . Pane imwe nguva, chimwe chikwata chandaivengana nacho chakabhadhara mumwe murume aiva nemukurumbira wekuuraya vanhu kuti andiuraye, asi ndakapukunyuka ndisina kumbonyanya kukuvara.”

Waldo haana kufara mudzimai wake paakatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Akati: “Ndaivenga Zvapupu zvacho uye kakawanda ndaivatuka zvinonyadzisira . . . asi nguva dzese vaipindura zvakanaka.”

Nekufamba kwenguva, Waldo akatangawo kudzidza Bhaibheri. Akati: “Zvaisava nyore kuti ndishandise zvandaidzidza. Ndaifunga kuti ndaisazombofa ndakakwanisa kudzora hasha dzangu.” Asi pane zvaakadzidza muBhaibheri zvakachinja mafungiro ake.

Waldo akati: “Rimwe zuva, Alejandro, uyo aindidzidzisa Bhaibheri akandikumbira kuti ndiverenge VaGaratiya 5:22, 23. . . . Alejandro akatsanangura kuti ndiri ndega ndaisakwanisa kuva neunhu uhwu, asi ndaitoda kubatsirwa nemweya mutsvene waMwari. Zvaakataura zvakachinja mafungiro angu!”

Waldo akakwanisa kukunda ruvengo rwaaiva narwo nekuti akabvuma kubatsirwa naMwari. Akati: “Hama dzangu neshamwari dzandaitamba nadzo dzakashamisika zvikuru nekuchinja kwandakaita.” Akatiwo: “Jehovha akandichinja kubva pakuva munhu aida zvekurwisana nevanhu kuti ndive munhu ane rugare.”

Kuti unzwe zvakawanda nezvenyaya yaWaldo verenga Nharireyomurindi yaOctober 1 2013, peji 12-13.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe