NYAYA YEUPENYU
Ndakabvumira Jehovha Kuti Anditungamirire Muupenyu Hwangu
PANDAIVA nemakore 16 ndakasarudza mararamiro andaida, ndikatanga kushanda basa randaifarira chaizvo. Asi Jehovha akandikurudzira kuti ndisarudze mamwe mararamiro akasiyana naiwayo, uye zvaiita sekuti ari kundiudza kuti: “Ndichakupa njere uye ndichakurayiridza nzira yaunofanira kufamba nayo.” (Pis. 32:8) Kubvumira kwandakaita Jehovha kuti anditungamirire muupenyu kwakaita kuti ndikwanise kushandisa upenyu hwangu mubasa rake, uye ndive nemikana yakawanda nemakomborero kusanganisira kushumira muAfrica kwemakore 52.
KUBVA KUBLACK COUNTRY KUENDA KUAFRICA
Ndakaberekwa muna 1935 kuDarlaston, iyo iri muBlack Country. Nharaunda iyi yeBlack Country yemuEngland yakapiwa zita iroro zvichibva pautsi hutema hwaibuda mumaindasitiri akawanda aiva imomo. Pandaiva nemakore anenge 4, vabereki vangu vakatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Ndichangotanga kuyaruka, ndakagutsikana kuti ichi chaiva chokwadi uye ndakabhabhatidzwa muna 1952 ndiine makore 16.
Panenge panguva iyoyo, ndakatanga kudzidzira basa raikosha chaizvo pane imwe fekitari hombe yaigadzira maturusi uye mapatsi emota. Basa randaidzidziswa pakambani iyi ndairifarira chaizvo.
Ndaifanira kuita chisarudzo chinokosha pandakakurudzirwa nemutariri anofambira kuti ndiitise Chidzidzo Chebhuku Cheungano mukati mevhiki muungano yedu yeWillenhall. Asi zvakanga zvisiri nyore. Panguva iyoyo ndaipinda neungano mbiri. Mukati mevhiki ndaipinda neungano yaiva pedyo nekubasa kwangu kuBromsgrove, uko kwaiva kure nekumba nemakiromita angasvika 32. Uye pakupera kwevhiki ndaidzokera kumba ndonopinda nevabereki vangu, muungano yeWillenhall.
Sezvo ndaida kutsigira sangano raJehovha, ndakabvuma zvandakakurudzirwa nemutariri anofambira kunyange zvazvo izvi zvaireva kuti ndaizosiya basa randaida chaizvo. Handimbodembi chisarudzo ichi chandakaita chekubvumira Jehovha kuti anditungamirire muupenyu hwangu.
Pandaipinda neungano yeBromsgrove, ndakaona imwe hanzvadzi yakanaka, yaikoshesa kushumira Jehovha, inonzi Anne. Takachata muna 1957, uye takava neropafadzo yekushumira semapiyona enguva dzese, mapiyona chaiwo, mubasa rekufambira, uye paBheteri. Anne anoita kuti ndifare muupenyu.
Muna 1966, takafara chaizvo kupinda kirasi yechi42 yeGiriyedhi. Takanzi tinoshumira kuMalawi, uye vanhu vakawanda vanotaura nezvenyika iyoyo vachiti vanhu veko vane mutsa uye vanogamuchira vaenzi zvakanaka. Hatina kumbofunga kuti taizogarako kwenguva pfupi.
KUSHUMIRA PANGUVA YAIITIKA ZVINHU ZVINOTYISA KUMALAWI
Kaiser Jeep yaishandiswa mubasa rekufambira muMalawi
Takasvika kuMalawi musi wa1 February, 1967. Pashure pekunge taita mwedzi wese tichidzidza mutauro, takatanga basa reruwa. Taifamba nemota yeKaiser Jeep iyo yainzi nevamwe inopinda pese kunyange nemurwizi. Asi ichocho chaisava chokwadi. Taingokwanisa kuyambuka nayo nepaiva nemvura shoma. Dzimwe nguva taigara mudzimba dzeuswa dzaitoda kuiswa tende kana yava nguva yekunaya. Zvakanga zvisiri nyore patakatanga basa reumishinari, asi tairida chaizvo.
Muna April, ndakaziva kuti pasina nguva taizonetswa nehurumende. Ndakanzwa zvakanga zvataurwa paredhiyo napurezidhendi wekuMalawi, Dr. Hastings Banda. Aipomera Zvapupu zvaJehovha kuti zvaisabhadhara mitero uye kuti zvaipindira mune zvematongerwo enyika. Asi idzodzo dzaiva nhema. Taiziva kuti nyaya yaiva pakuti taisapindira mune zvematongerwo enyika, uye chainyanya kuvarwadza ndechekuti tairamba kutenga makadhi ebato rezvematongerwo enyika.
Pakazosvika September, takaverenga mupepanhau kuti purezidhendi wacho akanga apomera Zvapupu kuti zvaikonzera matambudziko kwese kwese. Pane mumwe musangano wezvematongerwo enyika, akazivisa kuti hurumende yake yaizobhana Zvapupu zvaJehovha nekukurumidza. Takabva tabhanwa musi wa20 October, 1967. Pasina nguva, mapurisa nevamwe vaiona nezvekubuda nekupinda kwevanhu munyika vakasvika pahofisi yebazi kuti vaivhare uye kuti vabudise mamishinari munyika yacho.
Patakasungwa tichibva tanzi tibude muMalawi muna 1967 tiine mamwe mamishinari Jack naLinda Johansson
Pashure pemazuva matatu tiri mujeri, takabudiswa munyika yacho tikaendeswa kuMauritius, iyo yaiva pasi peBritain. Asi hatina kubvumirwa kugara kuMauritius semamishinari. Saka takanzi tiende kuRhodesia (iyo yava kunzi Zimbabwe). Patakasvika ikoko, takaona mumwe murume aishanda muhofisi yekupinda kwevanhu munyika uyo aiva neukasha, uye akatirambidza kupinda munyika macho achiti: “Makadzingwa kuMalawi, mukarambirwa kugara kuMauritius, iye zvino mauya kuno nekuti munofunga kuti ndiko kunoita.” Anne akabva atanga kuchema. Zvaiita sekuti hapana kana aitida. Panguva iyoyo, ndakanzwa kuda kusiya zvese ndobva ndadzokera kumba kuEngland. Takazobvumirwa kurara pahofisi yebazi, asi mangwana acho takanzi taifanira kunoonekwa kumahofisi avo makuru. Takanga taneta, asi takaramba tichimirira kuti tione kuti Jehovha aizotibatsira sei. Mangwana acho masikati, tisiri kumbozvitarisira takabva tabvumirwa kugara muZimbabwe sevashanyi. Handimbofi ndakakanganwa manzwiro andakaita zuva iroro. Ndakanyatsogutsikana kuti Jehovha aititungamirira.
BASA IDZVA—KUSHUMIRA KUMALAWI ASI NDIRI MUZIMBABWE
Ndiina Anne, paBheteri rekuZimbabwe, muna 1968
Pahofisi yebazi yemuZimbabwe, ndakanzi ndishande muDhipatimendi Rebasa ndichiona nezvebasa rekuMalawi neMozambique. Hama dzaiva kuMalawi dzaitambudzwa zvakanyanya. Rimwe basa randaiita raiva rekushandura mishumo yezvaiitika kuMalawi yaitumirwa nevatariri vematunhu vaiva ikoko. Rimwe zuva pandaishanda manheru, ndakachema pandakaverenga nezveutsinye hwaiitirwa hama nehanzvadzi dzangu.a Asiwo ndakabayiwa mwoyo nekuvimbika, kutenda, uye kutsungirira kwavaiita.—2 VaK. 6:4, 5.
Takaita zvese zvataigona kuti tipe zvekudya zvekunamata kuhama dzainge dzasara kuMalawi uyewo dziya dzainge dzatizira kuMozambique. Vashanduri vemutauro weChichewa, uyo unonyanya kutaurwa kuMalawi, vakabva vatamira kune rimwe purazi reimwe hama muZimbabwe. Hama iyi yakavavakira dzimba uye hofisi yekuti vashandire. Vari ikoko vakaenderera mberi nebasa rinokosha rekushandura mabhuku anotsanangura Bhaibheri.
Takaronga kuti vatariri vematunhu vaiva kuMalawi vapinde gungano reRuwa reChichewa raiitirwa muZimbabwe gore negore. Vari ikoko vaibva vapiwa hurukuro dzegungano racho. Pavaidzokera kuMalawi, vaiita zvese zvavaigona kuti hama nehanzvadzi dzinzwe hurukuro idzi. Rimwe gore pavakashanya kuZimbabwe, takaronga kuti paitwe Chikoro Cheushumiri hweUmambo kuti tikurudzire vatariri vematunhu ava vaiva neushingi.
Ndichipa hurukuro muChichewa paGungano rakaitwa muZimbabwe muChichewa nemuchiShona
Muna February 1975, ndakashanyira Zvapupu zvekuMalawi zvainge zvatizira kumisasa yevapoteri kuMozambique. Hama idzi dzaitevedzera mirayiridzo yaibva kusangano raJehovha kusanganisira urongwa hutsva hwekuva nedare revakuru. Vakuru ava vainge vachangogadzwa vakanga varonga zvinhu zvakawanda zvekunamata, izvo zvaisanganisira kupa hurukuro dzavose, kukurukura rugwaro rwezuva uye Nharireyomurindi, uye kunyange kuita magungano edunhu. Vakanga varonga misasa yacho sekunge kuti igungano, pachitova nemadhipatimendi anoti rekuchenesa, rezvekudya, uye rekuchengetedzwa kwezvinhu. Hama idzodzo dzakatendeka dzakanga dzaita zvinhu zvakawanda chaizvo dzichibatsirwa naJehovha, uye ndakabva ikoko ndakurudzirwa chaizvo.
Makore ekuma1970 ava kunopera, hofisi yebazi yekuZambia ndiyo yakanga yava kuona nezvebasa rekuMalawi. Kunyange zvakadaro, ndakaramba ndichifunga nezvehama dzekuMalawi uye ndaidzinyengeterera, uye ndizvo zvaiitwawo nevamwe vakawanda. Sezvo ndaiva muDare reBazi remuZimbabwe, kakawanda taiita misangano nevamiririri vaibva kumahofisi makuru, pamwe chete nehama dzaitungamirira kuMalawi, South Africa, neZambia. Pese pataikurukura, taibvunza mubvunzo wekuti, “Zvii zvimwe zvatingaita kuti tibatsire hama dziri kuMalawi?”
Nekufamba kwenguva, kutambudzwa kwaiitwa vanhu kwakatanga kudzikira. Hama dzainge dzatiza munyika dzakanga dzava kudzokera kuMalawi, uye vaya vakanga varamba varimo vakanga vasisanyanyi kutambudzwa. Munyika dziri pedyo vanhu vaJehovha vakanga vava kuzivikanwa zviri pamutemo uye vakanga vava kukwanisa kuita mabasa avo vakasununguka. Muna 1991 Mozambique yakaitawo saizvozvo. Asi tainetseka kuti Zvapupu zvaJehovha zvichasunungurwawo riini kuMalawi.
KUDZOKERA KUMALAWI
Zvaiitika mune zvematongerwo enyika kuMalawi zvakazochinja, uye muna 1993 hurumende yakatanga kubvumidza Zvapupu zvaJehovha kuti zvinamate zvakasununguka. Ndaitaura nemumwe mumishinari izvi zvichangoitika uye akandibvunza kuti, “Uchadzokera kuMalawi here?” Panguva iyoyo ndainge ndava nemakore 59, saka ndakamupindura kuti, “Aiwa, ndanyanya kukura ini!” Asi musi iwoyo chaiwo takagamuchira tsamba yaibva kuDare Rinotungamirira yaitikumbira kuti tidzokere ikoko.
Taida chaizvo kushandira muZimbabwe, saka zvakanga zvakatiomera kusarudza. Taifara chaizvo muZimbabwe uye takanga tiine shamwari dzakanaka chaizvo. Dare Rinotungamirira rakatiudza kuti taigona kuramba tiri muZimbabwe kana taida hedu. Saka zvaiva nyore kuti tizvisarudzire zvataida kuita toramba tiri muZimbabwe. Asi ndinoyeuka ndichifunga nezvekusiya kwakaita Abrahamu naSara musha wavo wainge wakanaka pavakanga vakwegura, kuti vaite zvainge zvataurwa naJehovha.—Gen. 12:1-5.
Takasarudza kuteerera zvakanga zvataurwa nesangano raJehovha uye takadzokera kuMalawi musi wa1 February 1995, musi watakasvitsa makore 28 kubva patakanga tasvika ikoko kekutanga. Dare reBazi rakaumbwa uye muDare racho maiva neni nedzimwe hama mbiri, uye takabva tatotanga kuronga mabasa eZvapupu zvaJehovha.
JEHOVHA ANOITA KUTI ZVIKURE
Chikomborero chaicho kuona Jehovha achiita kuti basa riwedzere nekukurumidza! Nhamba yevaparidzi yakawedzera zvinoshamisa kubva pavaparidzi vanenge 30 000 muna 1993 kusvika pakupfuura 42 000 muna 1998.b Dare Rinotungamirira rakabvumira urongwa hwekuti pave nehofisi yebazi itsva yaizoona nezvebasa raiwedzera mundima. Takatenga nzvimbo yaiva nemahekita 12 muLilongwe, uye ndakagadzwa kuti ndishande mukomiti yaiona nezvekuvaka.
Hama Guy Pierce veDare Rinotungamirira vakapa hurukuro yekutsaurira nzvimbo itsva iyi muna May 2001. Zvapupu zvinopfuura 2 000 zvemuMalawi zvaivapo, uye vakawanda vavo vainge vava nemakore anopfuura 40 vabhabhatidzwa. Hama nehanzvadzi idzi dzakatendeka dzainge dzatsungirira kutambudzwa kwemakore akawanda painge pakabhanwa basa redu. Vaiva varombo, asi vainge vakapfuma chaizvo pakunamata. Uye iye zvino vaifara chaizvo pavaifamba vachiona Bheteri ravo idzva. Kwese kwavaifamba vachitenderera paBheteri, vainzwika vachiimba nziyo dzeUmambo, vachidziimba semaimbiro avanoita muAfrica, uye izvi zvakaita kuti chiitiko ichi chinakidze kupfuura zvimwe zvese zvandakamboona. Uhwu hwaiva uchapupu hunoratidza kuti Jehovha anokomborera vaya vanoramba vakatendeka kwaari pavanenge vari mumiedzo.
Bazi parakapera kuvakwa, ndakatanga kuwana ropafadzo dzekutsaurira Dzimba dzeUmambo. Ungano dzekuMalawi dzakatanga kubatsirwa nechirongwa chekuvaka Dzimba dzeUmambo nekukurumidza munyika dzisina mari yakawanda. Chirongwa ichi chisati chavapo, dzimwe ungano dzaipindira misangano mumashedhi ainge akavakwa nemapango. Vaipfirira matenga acho neuswa uye vaigara pamabhenji anenge akadzururwa nevhu. Iye zvino hama dzakanga dzisisabatiki nemufaro padzaikanya zvidhinha nekuzvipisa dzichivaka nzvimbo dzakanaka dzekunamatira. Asi vakanga vachiri kufarira mabhenji pane macheya, nekuti vanoti, ‘Bhenji harizari!’
Ndaifarawo kuona Jehovha achibatsira vanhu kuti vave vaKristu vakasimba pakunamata. Hama dzechidiki dzemuAfrica dzaindibaya mwoyo nekuti dzaizvipira kuita mabasa uye dzaikurumidza kudzidza zvinhu zvakawanda kubva pakudzidziswa kwadzaiitwa nesangano raJehovha uye kubva pamabasa adzaiita. Izvi zvakaita kuti dzikwanise kuita mamwe mabasa akawanda paBheteri uye muungano. Ungano dzakawedzera kusimbiswa nevatariri vematunhu vemunyika macho vainge vachangobva kugadzwa, uye vakawanda vavo vainge vakaroora. Varume nemadzimai ava vakasarudza kushumira Jehovha zvizere, nekurega kuita vana, pasinei nezvavanotarisirwa mutsika dzavo, uye dzimwe nguva mumhuri dzavo.
NDINOGUTSIKANA NEZVISARUDZO ZVANDAKAITA
Ndiina Anne, paBheteri rekuBritain
Pashure pemakore 52 ndiri muAfrica, ndakatanga kutambura neutano. Dare Rinotungamirira rakabvumira zvakanga zvasarudzwa neDare reBazi kuti tinoshumira kuBritain. Takarwadziwa chaizvo kusiya basa rataida, asi mhuri yeBheteri yekuBritain iri kutichengeta zvakanaka pakukwegura kwedu.
Ndinogutsikana kuti kubvumira kwandakaita kuti Jehovha anditungamirire muupenyu ndicho chisarudzo chakanaka kupfuura zvese zvandakaita. Ndiani anoziva kuti basa randaiita ndiri mudiki raizondisvitsa kupi kudai ndakavimba nekunzwisisa kwangu. Jehovha aiziva zvandaifanira kuita kuti ‘ndiruramise makwara angu.’ (Zvir. 3:5, 6) Pandainge ndichiri mudiki, ndaida chaizvo kudzidza mafambiro ebasa pakambani hombe. Asi sangano raJehovha rakandipa basa rinogutsa kupfuura zvandaizoita ndiri pakambani. Kana ndiri ini, kushumira Jehovha kuri kuita kuti ndigutsikane chaizvo muupenyu!
a Nhoroondo yeZvapupu zvaJehovha kuMalawi iri muYearbook of Jehovah’s Witnesses ya1999, mapeji 148-223.
b Iye zvino muMalawi mava nevaparidzi vanopfuura 100 000.