RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w23 February p. 31
  • Vakaona Rudo Rwakaratidzwa Neungano

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vakaona Rudo Rwakaratidzwa Neungano
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
  • Mashoko Akafanana
  • Mabhuku eBraille Ari Kuchinja Upenyu Hwevanhu
    Mashandisirwo Ari Kuitwa Mari Yenyu Yezvipo
  • Vanhu Vakatendeseka Vanoita Kuti Jehovha Arumbidzwe
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kuparidzira Vanhu Vasingaoni
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2020
  • Mudzimai Asingaoni Anopindurwa Minyengetero Yake
    Zvakaitika
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
w23 February p. 31

[kubva kuruboshwe kuenda kurudyi] Marcelo, Yomara, naHiver. Mumwe nemumwe wavo akabata chikamu cheShanduro yeNyika Itsva yebraille muchiSpanish

Vakaona Rudo Rwakaratidzwa Neungano

YOMARA nehanzvadzi dzake Marcelo naHiver vanogara mune imwe nharaunda kuGuatemala. Yomara akatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu uye hanzvadzi dzake dzakazobatanawo naye pakudzidza. Asi paiva nedambudziko. Vese vari vatatu havaoni, uye vaisagona kuverenga braille. Saka mudzidzisi wavo weBhaibheri aivaverengera ndima nemavhesi eBhaibheri echidzidzo chavanenge vachiita.

Vaiomerwawo nekupinda misangano. Vaisakwanisa kufamba vari vega kweinenge awa vachienda kuImba yeUmambo yaiva pedyo. Asi hama dzemuungano dzakaronga kuti dzivabatsire kuenda kumisangano yese. Vatatu ava pavakatanga kupa hurukuro dzevadzidzi dzepamusangano wepakati pevhiki, hama dzaivabatsira kubata nemusoro mashoko avaizotaura.

Muna May 2019, misangano yeungano yakatanga kuitirwa munharaunda yavaigara. Panguva iyoyo, mumwe murume nemudzimai avo vaiva mapiyona enguva dzese vakanga vava kugara munharaunda iyoyo. Vakaronga kudzidzisa Yomara nehanzvadzi dzake kuverenga nekunyora braille, kunyange zvazvo vakanga vasingazivi kuti vangazviita sei. Vakaenda kuraibhurari kuti vanodzidza nezvebraille uye kuti vangaidzidzisa sei vamwe.

Marcelo achipindura pamusangano weungano

Mumwedzi mishomanana, vatatu ava vakanga vava kukwanisa kuverenga braille zviri nyore, uye izvozvo zvakavabatsira kuti vawedzere kufambira mberi pakunamata.a Iye zvino Yomara, Marcelo, naHiver vari kushumira semapiyona enguva dzese. Marcelo ava mushumiri weungano. Vhiki rese vanenge vakabatikana pakushumira Jehovha. Kushingaira kwavo kuri kuita kuti vamwe vashingairewo.

Vatatu ava vanotenda chaizvo kutsigirwa kwavari kuitwa neungano. Yomara anoti: “Kubva patakatanga kuonana neZvapupu, takaratidzwa rudo rwechiKristu.” Marcelo anowedzera kuti: “Tine shamwari dzakanaka chaizvo dziri muungano medu uye tiri mumhuri iri pasi rese yakabatanidzwa nerudo.” Yomara nehanzvadzi dzake vanoda chaizvo kuzoona nyika yese ichiitwa paradhiso.—Pis. 37:10, 11; Isa. 35:5.

a Bhurocha rinonzi Learn to Read Braille rakagadzirirwa kubatsira munhu asingaoni kana kuti asinganyatsooni kuti adzidze kuverenga nekunyora braille.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe