NYAYA YEKUDZIDZA 23
Itai Kuti “Rimi Remoto raJah” Rirambe Richibvira
“Marimi [erudo] moto unobvira, iro rimi remoto raJah.”—RWIYO 8:6.
RWIYO 131 “Zvasungwa Pamwe Chete Pajoko naMwari”
ZVICHADZIDZWAa
1. Bhaibheri rinotsanangura sei rudo rwechokwadi?
“MARIMI [erudo] moto unobvira, iro rimi remoto raJah. Mvura ine masaisai haigoni kudzima rudo, uye nzizi hadzigoni kurukukura.”b (Rwiyo 8:6, 7) Iyi itsanangudzo yakazonaka yerudo rwechokwadi! Mashoko aya ane chokwadi chinokurudzira vari muwanano chekuti: Munogona kuramba muchidanana.
2. Murume nemudzimai vanofanira kuitei kuti vave nechokwadi chekuti rudo rwavo harutonhori?
2 Zvinoda kushanda nesimba kuti vanhu vaviri vari muwanano varambe vachidanana. Semuenzaniso, moto unokwanisa kuramba uchibvira nariini nariini kana ukaramba uchikuchidzirwa. Kana ukasiyiwa wakadaro, unopedzisira wadzima. Saizvozvowo, rudo ruri pakati pemurume nemudzimai runogona kuramba rwakasimba nariini nariini, ndokunge varamba vachirusimbisa. Dzimwe nguva murume nemudzimai vanganzwa sekuti rudo rwavo rwuri kutonhora, kunyanya pavanoremerwa nenyaya dzakadai sekushaya mari, kurwara, kana kuti kurera vana. Saka kana uri muwanano, ungaitei kuti “rimi remoto raJah” rirambe richibvira muwanano yenyu? Munyaya ino tichakurukura zvinhu zvitatu zvinoita kuti wanano yenyu isimbe uye mufare.c
RAMBAI MUCHISIMBISA USHAMWARI HWENYU NAJEHOVHA
Sezvakaitwa naJosefa naMariya, murume nemudzimai vanofanira kuva neushamwari hwakasimba naJehovha (Ona ndima 3)
3. Kuva neushamwari hwakasimba naJehovha kunobatsira sei murume nemudzimai kuti varambe vachidanana? (Muparidzi 4:12) (Onawo mufananidzo.)
3 Kuti “rimi remoto raJah” rirambe richibvira, murume nemudzimai vanofanira kushanda nesimba kuti vave neushamwari hwakasimba naJehovha. Ushamwari uhwu hunosimbisa sei wanano yavo? Kana murume nemudzimai vachikoshesa ushamwari hwavo naBaba vavo vekudenga, vanoshandisa mazano aJehovha, uye izvozvo zvinovabatsira kuti vasaite matambudziko anogona kuita kuti rudo rwavo rutonhore uye vaakunde kana akavapo. (Verenga Muparidzi 4:12.) Vanhu vakasimba pakunamata vanoedzawo kutevedzera Jehovha uye kuva neunhu hwaanoratidza, hwakadai semutsa, mwoyo murefu, uye kuregerera. (VaEf. 4:32–5:1) Kana murume nemudzimai vakava neunhu uhwu zvinova nyore kuti rudo rwavo rurambe ruchikura. Imwe hanzvadzi inonzi Lena, iyo yava nemakore anopfuura 25 iri muwanano yakati, “Zviri nyore kuda uye kuremekedza munhu ane ushamwari hwakasimba naJehovha.”
4. Nei Jehovha akasarudza Josefa naMariya kuti vazova vabereki vaMesiya?
4 Funga nezvemuenzaniso wemuBhaibheri. Jehovha paaifanira kusarudza murume nemudzimai vaizova vabereki vaMesiya, akasarudza Josefa naMariya pakati pevanhu vakawanda vedzinza raDhavhidhi. Nei akavasarudza? Vese vari vaviri vaiva neushamwari naJehovha, uye Jehovha aiziva kuti vaizoita kuti ave pekutanga muwanano yavo. Vari muwanano, munodzidzei pana Josefa naMariya?
5. Varume vanodzidzei pana Josefa?
5 Josefa aikurumidza kuita zvaaiudzwa naJehovha, uye izvozvo zvakaita kuti ave murume akanaka. Katatu, akapiwa mirayiridzo yaibva kuna Mwari yaiva nechekuita nemhuri yake. Nguva imwe neimwe, akakurumidza kuteerera, kunyange pazvaireva kuti aifanira kuchinja zvinhu zvakakura muupenyu hwake. (Mat. 1:20, 24; 2:13-15, 19-21) Achiteerera mirayiro yaMwari, Josefa akadzivirira Mariya, akamutsigira, uye akamuriritira. Zvakaitwa naJosefa zvinofanira kunge zvakaita kuti Mariya awedzere kumuda uye kumuremekedza! Varume, munogona kutevedzera Josefa nekutsvaga mazano anobva muBhaibheri pakuchengeta mhuri dzenyu.d Pamunoshandisa mazano aya, kunyange zvichireva kuchinja zvimwe zvinhu muupenyu hwenyu, munenge muchiratidza kuti munoda mudzimai wenyu uye munenge muchisimbisa wanano yenyu. Hanzvadzi yekuVanuatu iyo ine makore anopfuura 20 iri muwanano inoti: “Murume wangu paanotsvaga mazano aJehovha oashandisa, ndinowedzera kumuremekedza. Ndinonzwa ndakachengeteka, uye ndinovimba nezvisarudzo zvake.”
6. Madzimai anodzidzei pana Mariya?
6 Mariya aiva neushamwari hwake pachake naJehovha. Airamba achisimbisa kutenda kwake pachake. Ainyatsoziva Magwaro. (Ona study note iri pana Ruka 1:46 muBhaibheri reChirungu rekudzidza.) Aiwanawo nguva yekufungisisa zvaaidzidza. (Ruka 2:19, 51) Tinogona kuva nechokwadi chekuti kuva neushamwari hwakanaka naJehovha kwakaita kuti Mariya ave mudzimai akanaka chaizvo. Mazuva ano, madzimai akawanda anoedza kuita zvaiitwa naMariya. Semuenzaniso, imwe hanzvadzi inonzi Emiko inoti: “Pandainge ndisati ndaroorwa, ndaiva nepurogiramu yangu yekuita zvekunamata yandaitevedzera. Asi pandakanga ndaroorwa, ndakaona kuti sezvo murume wangu ari iye aitinyengeterera uye aitungamirira pakunamata kwemhuri, ndakanga ndava kungomirira iye kuti andiitire zvinhu izvi. Ndakazoona kuti ndaifanira kuita pangu panyaya yekuva neushamwari naJehovha. Saka iye zvino ndakasarudza kuva nenguva yandinova ndega naMwari ndichinyengetera, ndichiverenga Bhaibheri, uye ndichifungisisa zvandinenge ndaverenga.” (VaG. 6:5) Madzimai, pamunoramba muchisimbisa ushamwari hwenyu naJehovha, varume venyu vachawedzera kukurumbidzai uye kukudai.—Zvir. 31:30.
7. Murume nemudzimai vanodzidzei pana Josefa naMariya panyaya yekunamata pamwe chete?
7 Josefa naMariya vaishandawo pamwe chete kuti vaite kuti ushamwari hwavo naJehovha hurambe hwakasimba. Vainzwisisa kukosha kwazvaiita kunamata Jehovha pamwe chete semhuri. (Ruka 2:22-24, 41; 4:16) Zvinofanira kunge zvainge zvakaoma kuti vaite izvozvo, kunyanya mhuri yacho payaikura, asi vakakwanisa kuzviita. Uyu muenzaniso wakazonaka kune vari muwanano mazuva ano! Kana muine vana, sezvainge zvakaita Josefa naMariya, zvingave zvakaoma kuti mupinde misangano kana kuronga nguva yekunamata kwemhuri. Zvinogona kunge zvakatonyanya kuoma kuwana nguva yekudzidza kana kunyengetera pamwe chete semurume nemudzimai. Asi yeukai kuti pamunonamata Jehovha pamwe chete, munowedzera kuswedera pedyo naye uye nemumwe nemumwe. Saka itai kuti kunamata kuve pekutanga muupenyu hwenyu.
8. Vaya vane wanano isiri kufamba zvakanaka vangaitei kuti vawedzere kubatsirwa nekunamata kwemhuri?
8 Mungaitei kana zvinhu zvisiri kufamba zvakanaka muwanano yenyu? Zvekugara pasi muchiita kunamata kwemhuri mungasada kunzwa nezvazvo. Kana zvakadaro, tangai nekukurukura kwenguva pfupi nezvechimwe chinhu chamunonakidzwa nacho chamunenge mawirirana kuti mukurukure. Danho iri rinogona kusimbisa wanano yenyu uye chido chekuita zvinhu zvekunamata semurume nemudzimai.
WANAI NGUVA YEKUVA PAMWE CHETE
9. Nei murume nemudzimai vachifanira kuwanirana nguva?
9 Vari muwanano, munogonawo kuita kuti rudo rwenyu rwurambe rwuchipfuta nekuwana nguva yekuva pamwe chete. Mukadaro, zvichakubatsirai kuti muzive zviri kufungwa nemumwe wenyu, uye manzwiro aari kuita. (Gen. 2:24) Ona zvakacherechedzwa naLilia naRuslan makore anopfuura 15 adarika vachangobva kuchata. Lillia anoti: “Takaona kuti takanga tisingaiti nguva yakawanda tiri pamwe chete sezvataifunga. Tainge takabatikana nekutsvaga zvekurarama nazvo, mabasa epamba, uye pave paya vana vedu. Takaona kuti kana tikasatsvaga nguva yekuva pamwe chete semurume nemudzimai, rudo rwedu rwaizopedzisira rwatonhora.”
10. Vari muwanano vangashandisa sei zano riri pana VaEfeso 5:15, 16?
10 Vari muwanano vangaitei kuti vave nechokwadi chekuti vawana nguva yekuva pamwe chete? Munogona kuronga nguva yekuti muve pamwe chete. (Verenga VaEfeso 5:15, 16.) Imwe hama yekuNigeria inonzi Uzondu inoti: “Pandinenge ndichironga zvandinoda kuita, ndinorongawo nguva yekuti ndive nemudzimai wangu tiri vaviri, uye ndinokoshesa nguva iyoyo.” (VaF. 1:10) Funga zvinoitwa naAnastasia, mudzimai wemutariri wedunhu wekuMoldova, kuti ashandise nguva yake zvakanaka. Anoti: “Ndinoedza kuita zvinhu zvandinenge ndichida kuita murume wangu paanenge achiita mabasa ake. Izvi zvinoita kuti tizova nenguva yekuva pamwe chete.” Asi mungaita sei kana zvakaoma kuti muwane nguva yekuva pamwe chete?
Zvii zvamungaita pamwe chete semurume nemudzimai? (Ona ndima 11-12)
11. Akwira naPrisira vaiita mabasa api pamwe chete?
11 Vari muwanano vanogona kuwana zvidzidzo pana Akwira naPrisira, murume nemudzimai vaifarirwa nevaKristu vekutanga vakawanda. (VaR. 16:3, 4) Kunyange zvazvo Bhaibheri risingatauri zvakawanda nezvewanano yavo, rinoratidza kuti vaishanda pamwe chete, vaiparidza pamwe chete, uye vaibatsira vamwe pamwe chete. (Mab. 18:2, 3, 24-26) Pese panotaurwa nezvaAkwira naPrisira muBhaibheri, vanowanzotaurwa pamwe chete.
12. Murume nemudzimai vangaitei kuti vawedzere nguva yekuva pamwe chete? (Onawo mufananidzo.)
12 Varume nemadzimai vangatevedzera sei Akwira naPrisira? Funga nezvezvinhu zvakawanda zvaunogona kuita pamwe chete nemumwe wako. Munogona kuita zvimwe zvezvinhu izvi here muri pamwe chete pane kuti mumwe nemumwe aite ari ega? Semuenzaniso, Akwira naPrisira vaiparidza pamwe chete. Munogara muchirongawo kuita izvozvo here? Akwira naPrisira vaishandawo pamwe chete. Iwe nemumwe wako munogona kunge musingaiti basa rakafanana, asi munogona here kuita mabasa emumba pamwe chete? (Mup. 4:9) Pamunobatsirana kuita rimwe basa, munova nemikana yakawanda yekukurukura uye munowedzera kubatana. Robert naLinda vava nemakore anopfuura 50 vari muwanano. Robert anoti: “Kutaura chokwadi, hatina nguva yakawanda yatinowana yekuti tive pamwe chete tichimbofurwa nemhepo. Asi pandinosuka ndiro mudzimai wangu achidzipukuta kana kuti pandinenge ndichishanda mugadheni obva auya kuti tishande tese, ndinofara chaizvo. Kuita zvinhu pamwe chete kunoita kuti tibatane. Rudo rwedu runoramba ruchikura.”
13. Murume nemudzimai vanofanira kuitei kuti vave vanhu vakanyatsobatana?
13 Asi yeuka kuti kungova pamwe chete kungasareva kuti muchapedzisira mava neushamwari hwepedyo. Mumwe mudzimai wekuBrazil anoti: “Sezvo mazuva ano kwava nezvinhu zvakawanda zvinotsausa, ndakaona kuti zviri nyore kufunga kuti sezvo tichigara paimba imwe chete tiri kutowana nguva yekuva pamwe chete. Ndakadzidza kuti hatifaniri kungogumira pakungova pamwe chete. Chimwewo chandinofanira kuita kuva nenguva yekukurukura nemumwe wangu.” Ona zvinoitwa naBruno nemudzimai wake Tays kuti vave nechokwadi chekuti vawana nguva yekukurukura. Bruno anoti: “Patinowana nguva yatinenge takasununguka tisina zvimwe zvekuita, tinoisa mafoni edu kure tombokurukura zvedu.”
14. Murume nemudzimai vangaitei kana vasinganakidzwi nekuva pamwe chete?
14 Asi zvakadii kana iwe nemumwe wako musinganakidzwi nekuva pamwe chete? Zvimwe munofarira zvinhu zvakasiyana, kana kuti munosvotana. Mungaitei? Funga nezvemoto wambotaurwa. Haungotangi nekuva zirimi rakakura. Zvinoda kutanga netutsotso wozoiswa huni dzakakura. Saizvozvowo, munogona kutanga nekuva pamwe chete kwenguva pfupi zuva rega rega. Ivai nechokwadi chekuti maita chinhu chinokunakidzai mese kwete chinhu chingaita kuti mumwe apedzisire atsamwa. (Jak. 3:18) Mukatanga nekuita mese zvinhu zvidiki, munogona kutangazve kudanana.
REMEKEDZANAI
15. Nei kuremekedzana kuchikosha kuti rudo rwemurume nemudzimai rurambe ruchibvira?
15 Kuremekedzana kunokosha muwanano. Kwakafanana nemhepo inoita kuti moto ubvire. Pasina mhepo, moto unokurumidza kudzima. Saizvozvowo, pasina kuremekedzana, rudo rwevari muwanano runokurumidza kutonhora. Asi murume nemudzimai avo vanoita zvese zvavanogona kuti varemekedzane vanenge vachiita kuti rudo rwavo rurambe ruchibvira. Kunyange zvakadaro, yeuka kuti haisi nyaya yekuti unofunga kuti uri kuremekedza mumwe wako, asi inyaya yekuti mumwe wako ari kunzwa kuti ari kuremekedzwa here. Penny naAret vava nemakore anopfuura 25 vari muwanano. Penny anoti: “Kuremekedzana kwatinoita kunoita kuti tidanane chaizvo. Tinonzwa takasununguka kutaura manzwiro edu nekuti tinoziva kuti mumwe nemumwe wedu anokoshesa maonero emumwe.” Saka ungaitei kuti mumwe wako anzwe kuti unomuremekedza? Ngationei zvatinodzidza pana Abrahamu naSara.
Murume wechiKristu anofanira kuremekedza manzwiro anoita mudzimai wake nekunyatsomuteerera (Ona ndima 16)
16. Varume vanodzidzei pana Abrahamu? (1 Petro 3:7) (Onawo mufananidzo.)
16 Abrahamu airemekedza Sara. Aifunga nezvemaonero aiita Sara uye airemekedza manzwiro ake. Pane imwe nguva, Sara ainetseka, uye akaudza Abrahamu manzwiro aaiita, achitomupomera kuti ndiye akanga akonzera dambudziko racho. Abrahamu akamupindura nehasha here? Aiwa. Aiziva kuti Sara aiva mudzimai aizviisa pasi uye aimutsigira. Abrahamu akateerera Sara uye akaedza kugadzirisa nyaya yacho. (Gen. 16:5, 6) Tinodzidzei? Varume, mune simba rekuitira mhuri yenyu zvisarudzo. (1 VaK. 11:3) Asi munoratidza rudo kana mukafungawo nezvemaonero anoita mudzimai wenyu musati masarudza, kunyanya kana chisarudzo chacho chichizomubata-bata. (1 VaK. 13:4, 5) Dzimwe nguva, mudzimai wenyu anogona kumbonetseka uye anogona kunge achida kutaura manzwiro aanenge achiita. Munoratidza kuti munoremekedza manzwiro ake nekunyatsomuteerera here? (Verenga 1 Petro 3:7.) Angela naDmitry vava nemakore anenge 30 vari muwanano. Achitaura zvinoitwa nemurume wake kuti anzwe achiremekedzwa, Angela anoti: “Dmitry anogara akagadzirira kunditeerera pandinenge ndisiri kufara kana kuti pandinenge ndichida kungotaura. Anondiitira mwoyo murefu, kunyange pandinotaura ndakagumbuka.”
17. Madzimai anodzidzei pana Sara? (1 Petro 3:5, 6)
17 Sara airemekedza Abrahamu nekutsigira zvisarudzo zvake. (Gen. 12:5) Pane imwe nguva, Abrahamu akasarudza kugamuchira vaenzi vakanga vasingatarisirwi. Akakumbira Sara kuti ambosiya zvaaiita obika chingwa chakawanda. (Gen. 18:6) Sara akakurumidza kuita izvozvo uye akatsigira chisarudzo chaAbrahamu. Madzimai, munogona kutevedzera Sara nekutsigira zvisarudzo zvevarume venyu. Pamunoita izvozvo, munosimbisa wanano yenyu. (Verenga 1 Petro 3:5, 6.) Dmitry, ataurwa mundima yapfuura, anotsanangura zvinoitwa nemudzimai wake izvo zvinoita kuti anzwe achiremekedzwa. Anoti: “Ndinokoshesa chaizvo zvinoitwa naAngela pakutsigira zvisarudzo zvandinoita, kunyange maonero edu paanenge akasiyana. Kana zvinhu zvikasafamba zvakanaka, haanditsoropodzi.” Zviri nyore chaizvo kuda munhu anokuremekedza!
18. Vari muwanano vanobatsirwa sei nekushanda nesimba kuti rudo rwavo rurambe ruchibvira?
18 Mazuva ano, Satani anoda kudzima rudo ruri muwanano dzechiKristu. Anoziva kuti kana vari muwanano vakarega kudanana, vanogona kutanga kuenda kure naJehovha. Asi rudo rwechokwadi harugoni kudzimwa! Saka dai rudo ruri muwanano yenyu rukaita serudo runotsanangurwa muRwiyo rwaSoromoni. Ivai nechido chekuti Jehovha ave pekutanga muwanano yenyu, waniranai nguva yekuva pamwe chete, uye mumwe nemumwe ngaaremekedze manzwiro emumwe. Pamunodaro, wanano yenyu ichakudza Jehovha, Tsime rerudo rwechokwadi, uye kufanana nemoto unoramba uchikuchidzirwa, rudo rwenyu rucharamba ruchibvira.
RWIYO 132 Tava Nyama Imwe
a Jehovha akapa vanhu chipo chewanano. Chipo ichi chinoita kuti murume nemudzimai vadanane zvikuru. Asi dzimwe nguva rudo irworwo runogona kutonhora. Kana uri muwanano, nyaya ino ichakubatsira pakuita kuti rudo rwenyu rurambe ruchipfuta uye mufare muwanano yenyu.
b Rudo rwechokwadi, urwo rusingachinji uye runoramba ruripo, runonzi “rimi remoto raJah” nekuti Jehovha ndiye akaita kuti rudo rwakadaro rwuvepo.
c Kunyange kana mumwe wako asiri Chapupu chaJehovha, mazano aya anogona kukubatsira kusimbisa wanano yako.—1 VaK. 7:12-14; 1 Pet. 3:1, 2.
d Semuenzaniso, funga mazano anoshanda ari munyaya dzinotevedzana dzinoti “Mazano Ekubatsira Mhuri,” dzinowanika pajw.org uye paJW Library.