RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w24 January pp. 26-31
  • Jehovha Anokuda Zvikuru

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jehovha Anokuda Zvikuru
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • JEHOVHA ANOTIDA ZVIKURU
  • JEHOVHA ANORATIDZA SEI RUDO RWAKE?
  • RUDO RWAJEHOVHA RUNOITA KUTI UNZWE SEI?
  • SWEDERA PEDYO NAMWARI WAKO ANE RUDO
  • Nyatsobvuma Kuti Jehovha Anokuda
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Kuswedera Pedyo Nehama Nehanzvadzi Dzedu Kwakatinakira!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Yeuka Kuti Jehovha Ndiye “Mwari Mupenyu”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
  • Rudzikinuro Rwunotidzidzisei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
w24 January pp. 26-31

NYAYA YEKUDZIDZA 4

RWIYO 30 Baba Vangu, Mwari Wangu, Shamwari Yangu

Jehovha Anokuda Zvikuru

“Jehovha ane tsitsi huru.”—JAK. 5:11.

ZVATICHADZIDZA

Tichaona kuti rudo rwaJehovha rwunoita sei kuti tiwedzere kuswedera pedyo naye, tinzwe takachengeteka, tichidiwa uye tazorodzwa.

1. Chii chinouya mupfungwa dzako paunofunga nezvaJehovha?

WAKAMBOEDZA kufungidzira zvakaita Jehovha here? Paunotaura naye uchinyengetera, chii chinouya mupfungwa dzako? Kunyange zvazvo Jehovha asingaoneki, Bhaibheri rinomutsanangura nenzira dzakasiyana-siyana. Jehovha anodanwa kuti “zuva nenhoo” uye “moto unoparadza.” (Pis. 84:11; VaH. 12:29) Kubva pane zvaakaratidzwa, mumwe munyori weBhaibheri akaona Jehovha seakafanana nedombo resafaya, simbi inopenya, uye muraraungu unopenya. (Ezek. 1:​26-28) Kumwe kutsanangurwa kunoitwa Jehovha kunotishamisa uye kungatoita kuti titye.

2. Chii chingatadzisa vamwe kuswedera pedyo naJehovha?

2 Sezvo tisingakwanisi kuona Jehovha, zvingatiomera kutenda kuti anotida. Nemhaka yezvavakasangana nazvo muupenyu vamwe vanofunga kuti Jehovha haambofi akavada. Zvichida havana kumbobvira vava nababa vaivada. Jehovha anonzwisisa manzwiro akadaro uye kuti anotikanganisa sei. Kuti atibatsire, anotiratidza muShoko rake kuti ndiMwari akaita sei.

3. Nei tichifanira kunyatsotarisa zvakaita rudo rwaJehovha?

3 Shoko rinonyatsotsanangura zvakaita Jehovha nderekuti rudo. (1 Joh. 4:8) Bhaibheri rinoti Mwari rudo. Rudo ndirwo runoita kuti aite zvese zvaanoita. Rudo rwaMwari rwakakura uye rwune simba zvekuti anotorwuratidza vaya vasingamudi. (Mat. 5:​44, 45) Munyaya ino, tichanyatsotarisa zvakaita Jehovha uye rudo rwake. Patinowedzera kudzidza nezvaMwari wedu, tinowedzerawo kumuda.

JEHOVHA ANOTIDA ZVIKURU

4. Rudo rwaJehovha rwunoita kuti unzwe sei? (Onawo mufananidzo.)

4 “Jehovha ane tsitsi huru.” (Jak. 5:11) MuBhaibheri, anozvifananidza naamai vane rudo. (Isa. 66:​12, 13) Fungidzira amai vanochengeta mwana wavo mudiki zvine rudo. Vanomutambisa zvinyoro nyoro pamakumbo avo uye vanotaura naye nenzwi rakanyorovera, rinozorodza. Paanochema kana kuti paanenge achirwadziwa, vanova nechokwadi chekuti awana zvaanoda. Patinenge tichirwadziwa, tinogona kuvimba nerudo rwaJehovha. Munyori weMapisarema akanyora kuti: “Pandakawandirwa nezvaindidya mwoyo, makandinyaradza uye makandizorodza.”—Pis. 94:19.

Amai vakatakura mwanakomana wavo pachipfuva.

“Saamai vanonyaradza mwanakomana wavo, ndicharambawo ndichikunyaradzai” (Ona ndima 4)


5. Rudo rwaJehovha rusingachinji rwunokubatsira sei?

5 Jehovha anoramba achitida. (Pis. 103:8) Haatisiyi patinokanganisa. VaIsraeri vairamba vachigumbura Jehovha; asi akaratidza rudo rwake rusingachinji kuvanhu vake vaipfidza nemashoko aya ekuti: “Wakava anokosha kwandiri, waikudzwa, uye ndakakuda.” (Isa. 43:​4, 5) Rudo rwaMwari haruna kuchinja. Tinogona kuvimba narwo nguva dzese. Kunyange kana takamboita zvikanganiso zvakakura, Jehovha haatisiyi. Patinopfidza todzoka kuna Jehovha, anoramba achitida sezvaaingoita. Tichaona kuti achiri kutida. Anovimbisa kuti ‘achakanganwira zvikuru.’ (Isa. 55:7) Bhaibheri rinotsanangura kuti patinokanganwirwa tinobva tava ‘munguva yekuzorodzwa inobva kuna Jehovha pachake.’—Mab. 3:19.

6. Zekariya 2:8 inotidzidzisei nezvaJehovha?

6 Verenga Zekariya 2:8. Sezvo Jehovha achitida, anonzwisisa manzwiro edu uye anoda kutidzivirira. Anorwadziwa patinorwadziwa. Saka tinogona kuva nechokwadi chekuti achatipindura patinonyengetera tichiti: “Ndichengetei semboni yeziso renyu.” (Pis. 17:8) Ziso inhengo inokosha yemuviri isingatombodi kubatwa. Saka Jehovha paanotifananidza nemboni yeziso rake, zvinoita seari kuti, ‘Chero ani zvake anokurwadzisai, imi vanhu vangu, anenge achirwadzisa zvinhu zvinokosha kwandiri.’

7. Nei tichifanira kuwedzera kuvimba kwatinoita nerudo rwaJehovha?

7 Jehovha anoda kuti tive nechokwadi chekuti anoda mumwe nemumwe wedu. Asi anoziva kuti nemhaka yezvakamboitika kwatiri, tinogona kusava nechokwadi chekuti anotida. Kana kuti tinogona kunge tiri mumamiriro ezvinhu anoedza kuvimba kwatinoita nerudo rwaJehovha. Chii chingaita kuti tiwedzere kuvimba nerudo rwake? Tichabatsirwa nekudzidza kuti Jehovha anoratidza sei rudo rwake kuna Jesu, vakazodzwa, uye isu tese.

JEHOVHA ANORATIDZA SEI RUDO RWAKE?

8. Nei Jesu aiva nechokwadi chekuti Baba vake vaimuda?

8 Kwemakore asingaverengeki, Jehovha neMwanakomana wake waanoda vakaumba rudo rwakadzama pakati pavo. Hapana vamwe vanhu vakava vese kwenguva yakareba sezvakaita Jehovha naJesu. Jehovha akataura zvakajeka kuti anoda Jesu, sezvatinoverenga pana Mateu 17:5. Jehovha aigona kungoti, ‘Uyu ndiye wandafarira.’ Asi aida kuti tizive kuti anoda Jesu zvakadii, saka akamudana kuti “Mwanakomana wangu anodiwa.” Jehovha aidada naJesu uye nezvaakanga ava kuzoita. (VaEf. 1:7) Uye Jesu aisava nemubvunzo kuti Baba vake vaimuda. Jesu aiva nechokwadi nerudo rwaJehovha zvekuti ainyatsonzwa kuti anodiwa. Aigara achitaura nechivimbo kuti Baba vaimuda.—Joh. 3:35; 10:17; 17:24.

9. Ishoko ripi rinotsanangura madiro anoita Jehovha vakazodzwa? Tsanangura. (VaRoma 5:5)

9 Jehovha anoratidzawo rudo rwake kune vakazodzwa. (Verenga VaRoma 5:5.) Ona shoko rakashandiswa pano rekuti “rwakadururirwa.” Rimwe duramanzwi reBhaibheri rinotsanangura shoko iri richiti, “rwakauya kwatiri serwizi.” Fananidzo iyi ine simba inoratidza kuti Jehovha anoda chaizvo vakazodzwa. Vakazodzwa vanoziva kuti “vanodiwa naMwari.” (Jud. 1) Muapostora Johani akaratidza manzwiro avo paakanyora kuti: “Onai kuti Baba vakatiratidza rudo rwakakura zvakadii nekuita kuti tinzi vana vaMwari!” (1 Joh. 3:1) Jehovha anongoda vakazodzwa chete here? Aiwa, akaratidza kuti anotida tese.

10. Ndechipi chiratidzo chinopfuura zvimwe zvese chekuti Jehovha anokuda?

10 Ndekupi kuratidzwa kukuru kunopfuura kwese kwerudo rwaJehovha? Rudzikinuro. Achishandisa rudzikinuro, Jehovha akaratidza rudo kupfuura zvakamboitwa chero naani zvake. (Joh. 3:16; VaR. 5:8) Jehovha akatipa Mwanakomana wake anokosha, uye akabvumira kuti afire vanhu vese kuitira kuti zvivi zvedu zvikwanise kuregererwa uye kuti tigone kuva shamwari dzake. (1 Joh. 4:10) Patinowedzera kufungisisa nezvemutengo wakabhadharwa naJehovha naJesu, tinowedzera kunzwisisa kuti vanoda mumwe nemumwe wedu zvakadii. (VaG. 2:20) Rudzikinuro haruna kungobhadharwa nekungoti chete ndizvo zvaidiwa nematongero aJehovha akarurama. Rudzikinuro chipo chinobva parudo. Jehovha akaratidza kuti anotida nekubvuma kurasikirwa nemunhu anokosha chaizvo kwaari, Jesu. Jehovha akabvumira Mwanakomana wake kuti atambure uye afe achiitira isu.

11. Tinodzidzei pana Jeremiya 31:3?

11 Sezvataona, Jehovha haangogumiri pakunzwa kutida, asiwo anototiudza kuti anotida. (Verenga Jeremiya 31:3.) Jehovha akaita kuti tiuye kwaari nekuti anotida. (Enzanisa naDheuteronomi 7:​7, 8.) Hapana chinhu kana munhu anogona kutiparadzanisa nerudo irworwo. (VaR. 8:​38, 39) Rudo irworwo rwunoita kuti unzwe sei? Verenga Pisarema 23, uye ona kuti Dhavhidhi akanzwa sei nezverudo rwaJehovha uye kuti rudo irworwo rwunoita kuti unzwe sei.

RUDO RWAJEHOVHA RUNOITA KUTI UNZWE SEI?

12. Taura muchidimbu zviri muPisarema 23.

12 Verenga Pisarema 23:​1-6. MuPisarema 23, Dhavhidhi akaratidza kuti aiva nechokwadi chekuti Jehovha aimuda uye kuti aiva nehanya naye. Akatsanangura ushamwari hwepedyo hwaiva pakati pake neMufudzi wake Jehovha. Dhavhidhi ainzwa akachengeteka paaitungamirirwa naJehovha uye paaivimba naye zvizere. Aiziva kuti Jehovha aizomuratidza rudo rwake zuva rimwe nerimwe kweupenyu hwake hwese. Chii chakaita kuti ave nechivimbo chakadaro?

13. Nei Dhavhidhi aiva nechokwadi chekuti Jehovha ane hanya naye?

13 “Hapana chandichashayiwa.” Dhavhidhi ainyatsonzwa kuti Jehovha ane hanya naye, nekuti Jehovha aigara achimupa zvese zvaaida. Dhavhidhi aizivawo kuti Jehovha aiva shamwari yake uye kuti Jehovha aimufarira. Ndosaka aiva nechokwadi chekuti chero chaizoitika mune ramangwana, Jehovha aizoramba achimupa zvese zvaaida. Sezvo Dhavhidhi aiva nechokwadi chekuti Jehovha aimuda uye aiva nehanya naye, zvakamubatsira kuti asanetseka asi kuti afare uye agutsikane.—Pis. 16:11.

14. Jehovha anogona kuratidza sei kuti ane hanya nesu?

14 Jehovha ane hanya nesu, kunyanya panoitika zvinhu zvakaipa muupenyu hwedu. Claire,a uyo ashumira paBheteri kwemakore anodarika 20, akashaya kuti obatsira sei mhuri yake payaisangana nematambudziko aitevedzana. Baba vake vakastroka, mumwe wevanin’ina vake akadzingwa, mhuri yake yakava nedambudziko remari uye yakasara isisina pekugara. Jehovha akaratidza sei kuti aiva nehanya navo? Claire anoti: “Jehovha akava nechokwadi chekuti mhuri yangu yaigara iine zvainoda zuva rimwe nerimwe. Kazhinji kacho Jehovha aitipa zvakatowanda kupfuura zvataida! Ndinowanzofunga nezvenguva dzatakabatsirwa naJehovha, uye handimbofi ndakakanganwa rudo rwake. Izvi zvinondibatsira kuti ndirambe ndichitsungirira matambudziko.”

15. Chii chaiita kuti Dhavhidhi azorodzwe? (Onawo mufananidzo.)

15 “Anondizorodza.” Dzimwe nguva, Dhavhidhi ainetseka zvichikonzerwa nematambudziko ese aaisangana nawo uye miedzo. (Pis. 18:​4-6) Asi rudo rwaJehovha rwakamuzorodza. Jehovha aitungamirira shamwari yake yainge yaneta ‘kumafuro akasvibirira’ uye “kunzvimbo dzekuzororera dzine mvura zhinji.” Izvi zvaiita kuti Dhavhidhi awanezve simba uye akwanise kuramba achishumira Jehovha achifara.—Pis. 18:​28-32.

Dhavhidhi achirumbidza Jehovha iye nevamwe vake vachinwa mvura murukova.

Kunyange Dhavhidhi paaitiza, akazorodzwa nerudo rwaJehovha uye kuchengetwa kwaaiitwa naye (Ona ndima 15)


16. Rudo rwaJehovha rwuri kukuzorodza sei?

16 Saizvozvowo, mazuva ano “rudo rusingachinji rwaJehovha ndirwo rwuchaita kuti tisapera” patinosangana nematambudziko uye miedzo. (Mari. 3:22; VaK. 1:11) Funga zvakaitika kuna Rachel. Akarwadziwa chaizvo murume wake paakamusiya uye paakasiya Jehovha panguva yeCOVID-19. Jehovha akamubatsira sei? Rachel anoti: “Jehovha akaita kuti ndinzwe ndichidiwa. Akandipa shamwari dzaindiwanira nguva, dzaindiunzira zvekudya, dzainditumira mameseji nemavhesi anokurudzira, dzainyemwerera padzaindiona, uye dzairamba dzichindiyeuchidza kuti Jehovha ane nehanya neni. Ndinogara ndichitenda Jehovha nekundipa mhuri yakakura ine rudo.”

17. Nei Dhavhidhi ‘aisava nechaaitya’?

17 “Hapana chandinotya, nekuti imi muneni.” Upenyu hwaDhavhidhi hwaigara huri pangozi, uye aiva nevavengi vakawanda vaiva nesimba. Asi rudo rwaJehovha rwaiita kuti Dhavhidhi asava nechaanotya uye anzwe akachengeteka. Dhavhidhi ainyatsonzwa kuti Jehovha aiva naye mumamiriro ese ezvinhu, uye izvozvo zvakamunyaradza. Ndosaka akaimba kuti: “[Jehovha] akandinunura pazvinhu zvese zvandaitya.” (Pis. 34:4) Kunyange zvazvo dzimwe nguva Dhavhidhi aitya chaizvo, akakwanisa kukunda kutya kwaaiita nekuti aiziva kuti Jehovha aimuda.

18. Kuziva kuti Jehovha anokuda kunogona sei kukusimbisa paunenge uchitya?

18 Kuziva kuti Jehovha anotida kunotisimbisa sei patinosangana nemamiriro ezvinhu anotyisa? Mumwe piyona anonzi Susi anotsanangura kuti iye nemurume wake vakanzwa sei mwanakomana wavo paakazviuraya. Anoti: “Dambudziko rinoerekana raitika rinovhundutsa uye rinogona kuita kuti munhu anzwe asingabatsiri. Asi rudo rwaJehovha rwunoita kuti tinzwe takachengeteka.” Rachel ambotaurwa anoti: “Rimwe zuva ari manheru ndichishungurudzika chaizvo uye ndichinetseka pamwe nekutya, ndakanyengetera ndichichema kuna Jehovha. Ipapo ipapo ndakabva ndanzwa kuti andinyaradza mumwoyo mangu sezvinoita amai kumwana wavo, ndikabva ndabatwa nehope. Handimbofi ndakakanganwa zvakaitika ipapo.” Mumwe mukuru anonzi Tasos akaita makore 4 ari mujeri nemhaka yekuramba kupinda muchiuto. Akaona sei rudo rwaJehovha uye kuti ane hanya naye? Tasos anoti: “Jehovha akaita kuti ndive nezvinhu zvinotopfuura zvandaida. Izvi zvakaita kuti ndive nechokwadi chekuti ndinogona kunyatsovimba naye. Uyewo achishandisa mweya wake, Jehovha, akaita kuti ndifare pasinei nekuva mumamiriro ezvinhu anoshungurudza. Izvi zvakandibatsira kuona kuti pandinowedzera kuvimba naJehovha ndinobva ndawedzerawo kunzwa kuti anondida. Saka ndakatanga kumushumira sapiyona wenguva dzese ndiri mujeri.”

SWEDERA PEDYO NAMWARI WAKO ANE RUDO

19. (a) Kuziva kuti Mwari anotida kunoita kuti tinyengetere sei? (b) Chii chaunonyanya kufarira parudo rwaJehovha? (Ona bhokisi rakanzi, “Mashoko Anotibatsira Kuti Tinzwe Rudo rwaJehovha.”)

19 Zviitiko zvatakurukura zvese zvinoratidza kuti Jehovha, “Mwari werudo,” anesu. (2 VaK. 13:11) Anoda mumwe nemumwe wedu. Tine chokwadi chekuti ‘takapoteredzwa nerudo rwake rusingachinji.’ (Pis. 32:10) Patinowedzera kufungisisa nezvekuratidza kwaakatiita rudo rwake, tinowedzera kuona kuti ane hanya nesu zvakadii uye tinowedzera kunzwa tiri pedyo naye. Tinogona kutaura naye takasununguka, tomuudza kuti rudo rwake rwunokosha zvakadii kwatiri. Tinogona kumuudza zvese zviri kutinetsa, tiine chokwadi chekuti anonzwisisa uye kuti anoda kutibatsira.—Pis. 145:​18, 19.

Mashoko Anotibatsira Kuti Tinzwe Rudo rwaJehovha

Pisarema 32:10: “Uya anovimba naJehovha akapoteredzwa nerudo rwake rusingachinji.”

Jeremiya 31:3: “Ndakakuda nerudo rusingaperi. Ndokusaka ndakakukweva nerudo rusingachinji kuti uuye kwandiri.”

Johani 16:27: “Baba pachavo vanokudai.”

Jakobho 5:11: “Jehovha ane tsitsi huru.”

20. Rudo rwaJehovha runotiswededza sei pedyo naye?

20 Tinoswedera pedyo nerudo rwaJehovha sekuswedera kwatinoita pedyo nemoto pakunenge kuchitonhora. Kunyange zvazvo rudo rwaJehovha rwuine simba zvikuru, rwunoratidzwa neunyoro. Saka fara nekuti Jehovha anokuda. Uye tinogona kuratidza kuti tinoonga rudo rwake nekutaura kuti: “Ndinoda Jehovha.”—Pis. 116:1.

UNGAPINDURA SEI?

  • Ungarondedzera sei rudo rwaJehovha?

  • Nei uchigona kuva nechivimbo chekuti Jehovha anokuda zvikuru?

  • Rudo rwaJehovha rwunoita kuti unzwe sei?

RWIYO 108 Rudo rwaMwari Rwusingachinji

a Mamwe mazita akachinjwa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe