RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w24 April pp. 20-25
  • Usambofa Wakabuda Muparadhiso Yemweya

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Usambofa Wakabuda Muparadhiso Yemweya
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • MAKOMBORERO EVAYA VARI MUPARADHISO YEMWEYA
  • TINGAITEI KUTI TIBATSIRE VAMWE KUTI VAUYE KUPARADHISO YEMWEYA?
  • RAMBA URI MUPARADHISO YEMWEYA
  • Paradhiso—Uchavamo Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Paradhiso Yomudzimu Chii?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Shanda Nesimba Kuti Paradhiso Yokunamata Iwedzere Kunaka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • “Toonana muParadhiso!”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
w24 April pp. 20-25

NYAYA YEKUDZIDZA 17

RWIYO 111 Zvinoita Kuti Tifare

Usambofa Wakabuda Muparadhiso Yemweya

“Pemberai nemufaro, uye farai nekusingaperi pamusoro pezvandiri kusika.”—ISA. 65:18.

ZVATICHADZIDZA

Tichadzidza kuti paradhiso yemweya inotibatsira sei uye kuti tingaita sei kuti vamwe vade kupinda mairi.

1. Chii chinonzi paradhiso yemweya, uye chii chatisingatombodi kuita?

MAZUVA ano panyika pane paradhiso izere nevanhu vari kuita zvinhu zvakanaka zvakawanda. Paradhiso yacho ine mamiriyoni evanhu vane rugare rwechokwadi. Vaya vatori muparadhiso iyi havatombodi kubvamo. Vanodawo kuti vanhu vakawanda chaizvo vabatane navo muparadhiso iyi. Paradhiso iyoyo chii? Iparadhiso yemweya!a

2. Chii chinoshamisa nezveparadhiso yemweya?

2 Zvinoshamisa kuti Jehovha akaita kuti pave nenzvimbo yekufananidzira inogara vanhu vake murugare uye vakabatana kunyange zvazvo vari munyika yaSatani yakaipa uye ine ruvengo. (1 Joh. 5:19; Zvak. 12:12) Mwari wedu ane rudo anoona kuti nyika ino inogona kukuvadza vanhu asi anova nechokwadi chekuti vashumiri vake vanonzwa vakachengeteka kuitira kuti vakwanise kuramba vachimushumira vachifara. Shoko rake rinotaura nezveparadhiso yemweya senzvimbo yakachengeteka ‘yekupotera’ uye “semunda unowana mvura yakakwana.” (Isa. 4:6; 58:11) Vachikomborerwa naJehovha, vaya vanogara muparadhiso iyi vanofara uye vanonzwa vakachengeteka mumazuva ano ekupedzisira akaoma.—Isa. 54:14; 2 Tim. 3:1.

3. Isaya chitsauko 65 yakazadzika sei kekutanga?

3 Achishandisa muprofita Isaya, Jehovha akatsanangura kuti upenyu hwaizenge hwakaita sei kune vaya vaizogara muparadhiso yemweya. Unogona kuwana tsanangudzo iyi muna Isaya chitsauko 65, iyo yakazadzika kekutanga muna 537 B.C.E. Panguva iyoyo, vaJudha vainge vapfidza vakasunungurwa muutapwa hweBhabhironi ndokudzokera kunyika yavo. Jehovha akakomborera vanhu vake uye akavabatsira kuti vaite kuti guta reJerusarema iro raiva dongo rivezve rakanaka, uye vaite kuti temberi yaro ive nzvimbo yavainyanya kushandisa pakunamata Jehovha muIsraeri.—Isa. 51:11; Zek. 8:3.

4. Isaya chitsauko 65 iri kuzadzika sei mazuva ano?

4 Kuzadzika kwechipiri kweuprofita hwaIsaya kwakatanga muna 1919 C.E. vanamati vaJehovha vemazuva ano pavakasunungurwa muutapwa hweBhabhironi Guru. Paradhiso yemweya yakabva yatanga kupararira panyika yese zvishoma nezvishoma. Vazivisi veUmambo vaishingaira vakaumba ungano dzakawanda uye vairatidza unhu hwechiKristu. Varume nevakadzi vaimboita zvekurwisana nevamwe uye vaimboita semhuka, ‘vakapfeka unhu hutsva hwakasikwa maererano nekuda kwaMwari.’ (VaEf. 4:24) Makomborero akawanda akataurwa naIsaya achanyatsozadzika nenzira isiri yekufananidzira munyika itsva. Asi kunyange iye zvino pane makomborero akawanda atiri kuwana. Ngationei kuti paradhiso yemweya inotibatsira sei uye kuti nei tisingafaniri kumbobudamo.

MAKOMBORERO EVAYA VARI MUPARADHISO YEMWEYA

5. Sezvakavimbiswa pana Isaya 65:​13, tiri kuwanei muparadhiso yemweya?

5 Vane zvekudya zvakakwana uye vanozorodzwa. Uprofita hwaIsaya hunonyatsosiyanisa upenyu hwevaya vari muparadhiso yemweya nehwevaya vari kunze. (Verenga Isaya 65:13.) Jehovha anopa vanamati vake zvese zvavanoda kuti varambe vari pedyo naye. Tine mweya wake mutsvene, Shoko rake rakanyorwa, uye zvekudya zvekunamata zvakawanda kuitira kuti tikwanise ‘kudya, kunwa, uye kupembera nemufaro.’ (Enzanisa naZvakazarurwa 22:17.) Kusiyana naizvozvo, vaya vari kunze kweparadhiso yemweya ‘vane nzara, vane nyota, uye vari kunyara.’ Havasi kuwana zvavanoda pakunamata.—Amo. 8:11.

6. Joeri 2:​21-24 inotsanangura sei zvekudya zvekunamata zvatinopiwa, uye zvekudya izvozvo zvinotibatsira sei?

6 Muuprofita hwake, Joeri akashandisa zvinhu zvinokosha muupenyu zvakadai sezviyo, waini, uye mafuta emuorivhi kuti aratidze kuti Jehovha anopa vanhu vake zvinhu zvavanoda pakurarama, kusanganisira zvekudya zvekunamata. (Joe. 2:​21-24) Anoita izvozvo achishandisa Bhaibheri nemabhuku edu anotsanangura Bhaibheri, website yedu, uyewo misangano nemagungano edu. Tinogona kudya zvekudya zvekunamata izvi zuva rimwe nerimwe, uye izvi zvinoita kuti tinzwe tiri pedyo naMwari uye tizorodzwe.

7. Chii chinoita kuti tive “vakagadzikana mumwoyo”? (Isaya 65:14)

7 Vanofara uye vanogutsikana. Vanhu vaMwari vanogona ‘kushevedzera vachifara’ nekuti mwoyo wavo unofashukira nekuonga. (Verenga Isaya 65:14.) Chokwadi chinosimbisa kutenda, vimbiso dzinonyaradza dziri muShoko raMwari, uye tariro yedu yakasimba inobva pachibayiro cherudzikinuro chaKristu, zvinoita kuti tive “vakagadzikana mumwoyo.” Kukurukura zvinhu izvi nehama nehanzvadzi dzedu kunoita kuti tinyatsofara!—Pis. 34:8; 133:​1-3.

8. Ndezvipi zvinhu zviviri zvinokosha zviri muparadhiso yemweya?

8 Rudo uye kubatana zviri pakati pevanhu vaJehovha ndizvo zvinhu zviviri zvinokosha zviri muparadhiso yemweya. ‘Chisungo ichi chekubatana’ chinoita kuti tione zvinenge zvakaita upenyu munyika itsva, muchagarwa nevashumiri vaJehovha vachidanana uye vakabatana zvikuru kupfuura zvavanoita iye zvino. (VaK. 3:14) Imwe hanzvadzi yechiKristu inotaura zvayakacherechedza pavanhu vaJehovha payakatanga kuonana navo ichiti: “Ndaisaziva kuti ndingaitei kuti ndifare, kunyange mumhuri mangu. Pandakaona Zvapupu zvaJehovha ndipo pandakatanga kuona rudo rwechokwadi rwuchiratidzwa.” Chero ani zvake anoda kunyatsofara uye kugutsikana anofanira kuva muparadhiso yedu yemweya. Pasinei nezvinofungwa nenyika nezvevashumiri vaJehovha, vane zita rinokudzwa mumhuri yevanamati vake.—Isa. 65:15.

9. Isaya 65:​16, 17 inotii nezvezvinhu zvinoita kuti tirwadziwe uye titambure?

9 Vakadekara uye vakagadzikana. Isaya 65:14 inoti vaya vanosarudza kuramba vari kunze kweparadhiso yemweya ‘vanoshevedzera nemhaka yekurwadziwa mumwoyo uye vanoridza mhere nemhaka yekushungurudzika.’ Asi zvakadii nezvinhu zvese zvinoita kuti vanhu vaJehovha varwadziwe uye vatambure? Pakupedzisira, zvinhu izvozvo ‘zvichakanganwika uye zvichabviswa pamberi paMwari.’ (Verenga Isaya 65:​16, 17.) Jehovha achabvisa matambudziko edu, uye nekufamba kwenguva marwadzo anokonzerwa nekuyeuka zvinhu izvozvo achapera zvachose.

10. Nei chiri chikomborero kuva pamwe chete nehama nehanzvadzi dzechiKristu? (Onawo mufananidzo.)

10 Kunyange iye zvino, tinogona kunzwa takagadzikana patinenge tiri pamisangano yedu yechiKristu, patinogona kunzwa takadekara tisingafungi zvinhu zvemunyika ino yakaipa izvo zvinogona kuita kuti tinetseke. Tinoitawo kuti hama nehanzvadzi dzedu dzinzwe dzakagadzikana patinoratidza zvibereko zvemweya waMwari zvakadai serudo, mufaro, rugare, mutsa, uye unyoro. (VaG. 5:​22, 23) Kuva musangano raMwari chikomborero chakakura! Vaya vanoramba vari muparadhiso yemweya vachaona vimbiso yaMwari ‘yematenga matsva nenyika itsva’ ichizadziswa zvizere.

Hama nehanzvadzi dzichikurukura musangano usati watanga. Imwe hama yakagara yega yakatarisa pafoni payo.

Kuva mumhuri yaMwari muparadhiso yemweya chikomborero chaicho (Ona ndima 10)c


11. Maererano naIsaya 65:​18, 19, paradhiso yedu yemweya inoita kuti tinzwe sei?

11 Vanoonga uye vanofara. Isaya anoenderera mberi achitaura zvikonzero zvatiinazvo zvekuti ‘tipembere uye tifare’ muparadhiso yemweya. Jehovha ndiye akaita kuti paradhiso iyi ivepo. (Verenga Isaya 65:​18, 19.) Saka hazvishamisi kuti Jehovha ari kutishandisa kubatsira vanhu kuti vasiye masangano enyika ino asingavadzidzisi chokwadi nezvaMwari, vopinda muparadhiso yedu yekunamata yakazonaka! Tinofara nemakomborero atinowana nekuti tiri muchokwadi, uye tine chido chekuudza vamwe nezvawo.—Jer. 31:12.

12. Vimbiso dzinotsanangurwa pana Isaya 65:​20-24 dzinoita kuti unzwe sei, uye nei zvakadaro?

12 Tinoongawo uye tinofara nezvetariro yatiinayo nekuti tine rugare naMwari. Funga nezvezvinhu zvese zvatichaona uye zvatichaita munyika itsva yaMwari! Bhaibheri rinovimbisa kuti: “Hamuzovizve nemucheche anongorarama mazuva mashoma, kana munhu akwegura anotadza kurarama mazuva ake ese.” ‘Tichavaka dzimba togaramo uye tichadyara minda yemizambiringa todya michero yayo.’ ‘Hatizoshandi zvakaoma pasina’ nekuti ‘tichakomborerwa naJehovha.’ Anotivimbisa upenyu husina chekutya, uye hunogutsa hune chinangwa chaicho. ‘Kunyange tisati tashevedzera,’ Jehovha achaziva kuti mumwe nemumwe wedu anodei, uye ‘achagutsa zvido zvezvinhu zvese zvipenyu.’—Isa. 65:​20-24; Pis. 145:16.

13. Isaya 65:25 inotsanangura sei kuchinja kunoita vanhu upenyu hwavo pavanotanga kushumira Jehovha?

13 Tine rugare uye takachengeteka. Vachibatsirwa nemweya waMwari, vanhu vakawanda vaimbova neunhu hweumhuka vakachinja zvinoshamisa. (Verenga Isaya 65:25.) Vakashanda nesimba kuti vabvise unhu husina kunaka hwavaiva nahwo. (VaR. 12:2; VaEf. 4:​22-24) Asi vanhu vaMwari vachine chivi, saka ticharamba tichikanganisa. Kunyange zvakadaro, Jehovha anobatanidza “vanhu vakasiyana-siyana” vanomuda uye vanodanana, uye izvi zvinoita kuti vave nerugare rwechokwadi uye vabatane. (Tito 2:11) Mwari wemasimbaose ndiye chete anoita chishamiso chakadai!

14. Isaya 65:25 yakazadzika sei pane imwe hama?

14 Vanhu vanonyatsochinja unhu hwavo here? Funga nezvemuenzaniso uyu. Mumwe mukomana uyo airarama upenyu hweunzenza uye aida zvekurwa akanga apinda mujeri kakawanda paakazosvitsa makore 20. Mhosva dzaakapindira mujeri dzaiva dzekuba mota, kuba zvinhu mudzimba dzevanhu, nedzimwewo dzakakura. Aigara akagadzirira kurwisana nemumwe munhu. Paakatanga kunzwa chokwadi chiri muBhaibheri ndokutanga kupinda misangano yeZvapupu zvaJehovha, akasvika pakugutsikana kuti akanga ava nechinangwa muupenyu, chekunamata Jehovha muparadhiso yemweya. Paakanga ava Chapupu chakabhabhatidzwa, aigara achifunga nezvekuzadzika kwaIsaya 65:25 paari. Akanga achinja kubva pakuva munhu akaita seshumba uye anoda zvekurwisana nevamwe, akasvika pakuva munyoro segwai.

15. Nei tichida kuti vamwe vabatane nesu muparadhiso yemweya, uye tinozviita sei?

15 Isaya 65:13 inotanga nekuti: “Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha.” Vhesi 25 inopera nemashoko ekuti “anodaro Jehovha.” Mashoko ake agara achizadzika. (Isa. 55:​10, 11) Paradhiso yemweya itoripo iye zvino. Jehovha akaita kuti pave nemhuri yevanamati vake yakasiyana nedzimwe dzese. Sezvo tiri vamwe vemumhuri yake, tine rugare iye zvino uye tinonzwa takachengeteka munyika ino yakaipa. (Pis. 72:7) Ndosaka tichida kubatsira vanhu vakawanda kuti vabatane nesu muungano yechiKristu. Tinoita izvi patinoramba takaisa pfungwa pabasa rekuita kuti vanhu vave vadzidzi.—Mat. 28:​19, 20.

TINGAITEI KUTI TIBATSIRE VAMWE KUTI VAUYE KUPARADHISO YEMWEYA?

16. Chii chingaita kuti vanhu vade kuuya kuparadhiso yemweya?

16 Mumwe nemumwe wedu ane basa rinokosha pakuita kuti vamwe vade kuuya kuparadhiso yemweya. Tinogona kuita izvi kana tikatevedzera Jehovha. Haamanikidzi vanhu kuti vauye kusangano rake. Asi ‘anovaunza’ kwaari zvinyoro nyoro. (Joh. 6:44; Jer. 31:3) Vanhu vane mwoyo yakanaka avo vanodzidza nezverudo rwaJehovha uye unhu hwake hunoshamisa, vanongonzwa vachida kuuya kwaari. Unhu hwedu hwakanaka uye zvinhu zvakanaka zvatinoita, zvingabatsira sei vamwe kuti vauye kuparadhiso yemweya?

17. Tingabatsira sei vamwe kuti vade kuuya kuparadhiso yemweya?

17 Imwe nzira yatingabatsira nayo vamwe kuti vade kuuya kuparadhiso yemweya ndeyekuratidza rudo uye mutsa kuhama nehanzvadzi dzedu. Vatsva pavanopinda misangano yedu, tinoda kuti vasvike pakutaura zvakataurwa nevanhu vaisava vatendi avo vangangodaro vaipinda misangano muKorinde. Vakati: “Chokwadi Mwari ari pakati penyu.” (1 VaK. 14:​24, 25; Zek. 8:23) Saka tinofanira kuramba tichiteerera zano rekuti ‘tigarisane nerugare.’—1 VaT. 5:13.

18. Chii chingaita kuti vanhu vade kuuya kusangano redu?

18 Tinofanira kugara tichiedza kuona hama nehanzvadzi dzedu dzechiKristu semaonerwo adzinoitwa naJehovha. Tinoita izvozvo nekuisa pfungwa pazvinhu zvakanaka zvadzinoita kwete pakukanganisa kwadzinoita, uko kuchazongopera. Tinogona kugadzirisa nenzira yerudo chero kusanzwisisana kwatingaita kana tichigara ‘tichiitirana mutsa tichinzwirana tsitsi kwazvo, tichiregererana nemwoyo wese.’ (VaEf. 4:32) Izvi zvichaita kuti vaya vanoda kubatwa nenzira yerudo seizvi vade kuvawo muparadhiso yedu yemweya.b

RAMBA URI MUPARADHISO YEMWEYA

19. (a) Sezvinoratidzwa mubhokisi rakanzi “Vakabuda Ndokuzodzoka,” chii chakataurwa nevamwe pashure pekunge vadzoka kuparadhiso yemweya? (b) Tinofanira kuva nechido chei? (Onawo mufananidzo.)

19 Tinoonga chaizvo kuti tiri muparadhiso yemweya! Yawedzera kunaka kupfuura zvayainge yakaita, uye yava nevanhu vakawanda chaizvo vanorumbidza Jehovha. Ngatirambei tichionga kuti tiri muparadhiso yatakagadzirirwa naJehovha. Chero ani zvake anoda kuzorodzwa, kugutsikana, kugadzikana, uye kunzwa akachengeteka, anofanira kuuya muparadhiso yacho orega kumbobudamo! Asi ngwarira, nekuti Satani ari kuedza zvese zvaanogona kuti atibvise mairi. (1 Pet. 5:8; Zvak. 12:9) Hatifaniri kumurega achibudirira. Ngatishandei nesimba kuti paradhiso yemweya irambe yakanaka, yakachena uye iine rugare.

Hama nehanzvadzi dziya, kunze kwehama iya yaizviparadzanisa nevamwe vari kudya pamwe chete vachifara muParadhiso. Kakomana kari kupa kamwana kebheya chikafu.

Vaya vanoramba vari muparadhiso yemweya vachavawo muparadhiso pano panyika (Ona ndima 19)


Vakabuda Ndokuzodzoka

  • June, uyo akarega kupinda misangano yeungano uye akanga asisaiti basa, akazodzoka kuparadhiso yemweya. Anoti: “Zvaifadza chaizvo kuvazve pakati pevanhu vaJehovha! . . . Ndava kunyatsoziva kuti kuzviparadzanisa nevamwe kana kuita zano ndega hakuna zvakunobatsira. Ndinotenda Jehovha kuti akaita kuti ndidzoke nguva ichiripo.”

  • Kimberly akanga ava nemakore anenge 40 akadzingwa. Anoti, “Ndakanga ndisina shamwari dzinoshumira Jehovha uye zvekudya zvekunamata. Ndainzwa ndakaora mwoyo uye ndisina shamwari.” Asi Kimberly akazopfidza uye akadzorerwa muna 2021. Anoti, “Iye zvino ndava kuziva kuti Jehovha anonzwa uye anopindura minyengetero yangu. Ndavazve pakati pevanhu vandinogona kuvimba navo.” Kuvimba nemweya waMwari uye kugara achidzidza Shoko raMwari kuri kumubatsira kuti afare uye ave pedyo naJehovha.

  • John akadzoka kuparadhiso yemweya pashure pemakore anopfuura 20 akadzingwa. Anoti, “Ndakanga ndasarudza kusateerera chokwadi uye kuramba kubatsirwa kwandaizoitwa nekuva pakati pevanhu vaMwari.” Iye zvino ava kunamata Jehovha zvakare pamwe chete nehama nehanzvadzi dzake uye ava kuwana mashoko anomubatsira kuti arambe aine kutenda kwakasimba. Anoti, “Hapana upenyu hwakanaka hunopfuura kuva pakati pemhuri yaJehovha iri muparadhiso yemweya!”

UNGAPINDURA SEI?

  • Chii chinonzi paradhiso yemweya?

  • Makomborero api atinowana muparadhiso iyi yemweya?

  • Tingaitei kuti vamwe vade kupinda mairi?

RWIYO 144 Ramba Wakatarisa Mubayiro!

a KUTSANANGURWA KWEMASHOKO: Mashoko ekuti “paradhiso yemweya” anoreva mamiriro ezvinhu anowanikwa nevaya vanonamata Jehovha. Muparadhiso iyi yemweya, tinova nerugare naJehovha uye nehama nehanzvadzi dzedu.

b Ona vhidhiyo iri pajw.org inonzi Iye Zvino Vave Kuitei? Alena Žitníková: Kuzadzika Kwakaita Zvandaishuva, woona makomborero ekuva muparadhiso yemweya akawanika neimwe hanzvadzi.

c KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Vamwe pavari kuwadzana pamusangano, imwe hama iri kuita zvayo yega

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe