RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w24 June p. 32
  • Une Kutenda Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Une Kutenda Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
  • Mashoko Akafanana
  • Ratidza Kutenda Kwako Mune Zvakavimbiswa naJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • “Tiwedzereiwo Kutenda”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Kutenda—Kunoita Kuti Tive Nesimba
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
  • Shandisa Kutenda Kwakavakirwa Pazvokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
w24 June p. 32

PFUNGWA YEMUBHAIBHERI

Une Kutenda Here?

Kuti tifadze Jehovha, tinofanira kuva nekutenda. Asi Bhaibheri rinotiudza kuti “havasi vanhu vese vane kutenda.” (2 VaT. 3:2) Muapostora Pauro paakataura mashoko aya, aitaura nezvevanhu ‘vaimukanganisa uye vakaipa’ avo vaaida kununurwa pavari. Asi mashoko ake ayo ane chekuita nekutenda anoshandawo kune vamwe vanhu. Vamwe vanhu havadi kubvuma kuti kuna Mwari akasika zvinhu zvese. (VaR. 1:20) Vamwe vangataura kuti vanotenda muna Mwari. Asi izvozvo zvega handizvo zvinodiwa kuti munhu afadze Jehovha.

Tinofanira kuva nechokwadi chekuti Jehovha ariko uye kuti “anopa mubayiro” vaya vane kutenda kwakasimba. (VaH. 11:6) Kutenda chimwe chezvibereko zvemweya mutsvene wake. Uye kuti tiwane mweya mutsvene tinofanira kunyengetera kuna Jehovha tichimukumbira. (Ruka 11:​9, 10, 13) Nzira inokosha yekuti tiwane mweya mutsvene iwoyo kuverenga Bhaibheri iro rakafemerwa naMwari. Tinobva tafunga nezvezvatinenge taverenga toedza kuzvishandisa. Kana tikaita izvi, tinenge tichibvumira mweya waJehovha kuti utibatsire kurarama nenzira inoratidza kuti tine kutenda kunomufadza.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe