RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w24 August pp. 14-19
  • Ungano Inotevedzera Sei Maonero Anoita Jehovha Vatadzi?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ungano Inotevedzera Sei Maonero Anoita Jehovha Vatadzi?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ZVAKAITIKA IMWE HAMA YEMUUNGANO YEVAKORINDE PAYAKAITA CHIVI CHAKAKURA
  • UNGANO YAIFANIRA KUITA SEI MUTADZI PAAKANGA APFIDZA?
  • KUTEVEDZERA JEHOVHA PAKUTONGA ZVAKARURAMA UYE KUNZWIRA TSITSI
  • Kubatsira Vaya Vanenge Vabviswa Muungano
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
  • Kuratidza Rudo Uye Kunzwira Tsitsi Vatadzi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
  • Tingaita Sei Zvisarudzo Zvinoratidza Kuti Tinovimba naJehovha?
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2023
  • Nguva Dzose Bvuma Kurangwa naJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
w24 August pp. 14-19

NYAYA YEKUDZIDZA 33

RWIYO 130 Kanganwira Vamwe

Ungano Inotevedzera Sei Maonero Anoita Jehovha Vatadzi?

“Kana munhu akatadza, tine mubatsiri.” —1 JOH. 2:1.

ZVATICHADZIDZA

Tichadzidza zvidzidzo zvinokosha kubva pane zvakaitika muungano yevaKorinde imwe hama payakaita chivi chakakura.

1. Jehovha anoda kuti vanhu vese vaite sei?

JEHOVHA akasika vanhu vaine rusununguko rwekusarudza kuita chero zvavanoda. Tinoshandisa rusununguko urwu patinoita zvisarudzo. Chinhu chinokosha chinogona kusarudzwa nemunhu kuzvitsaurira kuna Jehovha uye kubatana nemhuri yake yevanhu vanomunamata. Jehovha anoda kuti munhu wese adaro. Nei zvakadaro? Nekuti anoda vanhu uye anoda kuti zvivanakire. Anoda kuti vave shamwari dzake uye kuti vararame nekusingaperi.—Dheut. 30:​19, 20; VaG. 6:​7, 8.

2. Jehovha anonzwa sei nezvevatadzi vanenge vasiri kupfidza zvivi zvavo? (1 Johani 2:1)

2 Asi Jehovha haana waanomanikidza kuti amunamate. Anoda kuti mumwe nemumwe asarudze zvaachaita. Ko kana muKristu akabhabhatidzwa akaita chivi chakakura? Kana akasapfidza chivi chake, anofanira kubviswa muungano. (1 VaK. 5:13) Kunyange zvakadaro, Jehovha anoda chaizvo kuti mutadzi wacho adzoke kwaari. Tingatoti chimwe chikonzero chinokosha chakaita kuti atipe rudzikinuro ndechekuti akwanise kuregerera vatadzi vanenge vapfidza zvivi zvavo. (Verenga 1 Johani 2:1.) Mwari wedu ane rudo anokurudzira vatadzi kuti vapfidze.—Zek. 1:3; VaR. 2:4; Jak. 4:8.

3. Tichakurukurei munyaya ino?

3 Jehovha anoda kuti titevedzere maonero aanoita zvivi uye vanhu vanoita zvivi zvakakura. Munyaya ino tichakurukura kuti tingazviite sei izvozvo. Paunenge uchiverenga nyaya ino, uchaona (1) mabatirwo akaitwa nyaya yeimwe hama yemuKorinde yakaita chivi chakakura, (2) kuti muapostora Pauro akavaudza kuti vaifanira kuita sei mutadzi wacho paakapfidza, uye (3) kuti nyaya iyi yemuBhaibheri inotidzidzisei nezvemaonero anoita Jehovha muKristu anenge aita chivi chakakura.

ZVAKAITIKA IMWE HAMA YEMUUNGANO YEVAKORINDE PAYAKAITA CHIVI CHAKAKURA

4. Zvii zvakaitika muungano yaiva muKorinde? (1 VaKorinde 5:​1, 2)

4 Verenga 1 VaKorinde 5:​1, 2. Paaiva parwendo rwake rwechitatu rweumishinari, Pauro akanzwa nyaya yakamuvhiringidza yakanga iri kuitika muungano yakanga ichangobva kuumbwa muKorinde. Imwe hama yemuungano imomo yakanga iri kurara nemudzimai wababa vayo. Zvaaiita izvi zvaityisa uye zvakanga ‘zvisingatombowanikwi kunyange pakati pemamwe marudzi’! Ungano yacho yaitomusiya akadaro uye inogona kunge yaitodada nazvo. Pamwe vamwe vaifunga kuti vari kutevedzera Mwari pakunzwira tsitsi uye kunzwisisa vanhu vane chivi. Asi Jehovha haafari nazvo vanhu vake pavanoita zvakaipa. Maitiro aya ekushaya nyadzi aiitwa nemurume uyu aitosvibisa zita reungano uye vamwe vaKristu vaiva muungano vaigona kutotanga kumutevedzerawo. Saka Pauro akaudza ungano iyi kuti iitei?

5. Pauro akaudza ungano yacho kuti iitei uye airevei? (1 VaKorinde 5:13) (Onawo mufananidzo.)

5 Verenga 1 VaKorinde 5:13. Pauro akafemerwa kunyora tsamba achivaudza kuti mutadzi iyeye akanga asiri kupfidza abviswe muungano. Vamwe vaiva muungano vaifanira kumubata sei? Pauro akavaudza kuti ‘varege kufambidzana’ naye. Airevei? Pauro akatsanangura kuti vaisafanira “kunyange kudya nemunhu akadaro.” (1 VaK. 5:11) Paunodya nemumwe munhu, munokurukura mese uye izvozvo zvinogona kuzoita kuti mupedzisire mava kushamwaridzana. Saka zviri pachena kuti Pauro aireva kuti ungano yaisafanira kutandara nemurume iyeye. Izvi zvaizoita kuti vasazokanganiswa nemaitiro ake akaipa. (1 VaK. 5:​5-7) Uyewo, kusashamwaridzana nemurume iyeye kwaigona kuzobatsira murume wacho kuti azive kuti akanga arwadzisa sei Jehovha uye zvaigona kuita kuti azvidembe obva ada kupfidza.

Muapostora Pauro achinyora gwaro.

Pauro akafemerwa kunyora tsamba achivaudza kuti mutadzi iyeye akanga asiri kupfidza abviswe muungano (Ona ndima 5)


6. Tsamba yaPauro yakabatsira sei ungano uye murume akanga aita chivi chakakura?

6 Pashure pekunge atumira tsamba kuvaKristu vaiva muKorinde, Pauro akatanga kunetseka kuti ungano yacho yaizoita sei nemashoko aakanga avanyorera. Pava paya, Tito akazouya nemashoko akamufadza. Ungano yacho yakanga yateerera zvayakanga yaudzwa naPauro zvekuti mutadzi wacho abviswe muungano. (2 VaK. 7:​6, 7) Uyewo, mumwedzi yakanga yapfuura kubva Pauro paakanga atumira tsamba yake, mutadzi uya akanga apfidza zvivi zvake! Akachinja mararamiro nemafungiro ake akatanga kutevedzera mitemo yaJehovha yakarurama. (2 VaK. 7:​8-11) Pauro aizoudza ungano yacho kuti iite sei?

UNGANO YAIFANIRA KUITA SEI MUTADZI PAAKANGA APFIDZA?

7. Kubviswa kwakaitwa mutadzi muungano kwakabatsirei? (2 VaKorinde 2:​5-8)

7 Verenga 2 VaKorinde 2:​5-8. Pauro akaona kuti ‘kutsiurwa kwakanga kwaitwa murume wacho nevakawanda kwakanga kwakamukwanira.’ Tingatoti chirango chaakanga apiwa chakashanda. Chakashandei? Chakamubatsira kuti asvike pakupfidza.—VaH. 12:11.

8. Zvii zvimwe zvakaudzwa ungano kuti iite?

8 Pauro akabva audza ungano kuti: ‘Nzwirai tsitsi moregerera uye monyaradza’ hama iyi yakatadza uye ‘muratidzei kuti munomuda.’ Ona kuti Pauro akanga asingangodi kuti ungano yacho igumire pakungobvumira kuti murume wacho adzorerwe pakati pevanhu vaJehovha. Asi Pauro aida kuti zvavanotaura uye zvavanoita zviratidze kuti vaida uye vakanga vanyatsoregerera murume wacho akanga apfidza. Izvi zvaizoita kuti zvive pachena kuti vakanga vafara nekudzoka kwaakanga aita muungano.

9. Chii chinogona kunge chakaita kuti vamwe vasafara nekudzoswa kwemurume akanga apfidza zvivi zvake?

9 Pane here vamwe vasina kufara pavakanzwa kuti murume wacho akanga apfidza ainge abvumirwa kudzokazve muungano? Bhaibheri harina haro zvarakataura panyaya yacho asi zvinogona kunge zvakaitika. Zvaakaita zvakaunza matambudziko muungano yacho yese uye zvinogona kunge zvakaita kuti vamwe vanyare chaizvo. Ungano yaiita zvese zvayaigona kuti iteerere mitemo yaJehovha saka vamwe vanogona kunge vakarwadziwa pavakanzwa kuti munhu akanga aita zvivi zvakakura kudaro akanga abvumirwa kuti adzokezve muungano. (Enzanisa naRuka 15:​28-30.) Asi nei zvaikosha kuti ungano inyatsoratidza kuti yaida hama iyoyo yakanga yadzoka?

10-11. Chii chaigona kuitika kudai vakuru vakaramba kuregerera mutadzi ainge apfidza?

10 Chimbofunga kuti zvii zvaigona kuzoitika kudai vakuru vakaramba kubvumira murume uya akanga apfidza zvechokwadi kuti adzoke muungano kana kuti pashure pekunge adzoka, ungano yobva yaramba kumuratidza rudo. Aizogona kukurirwa “nekunyanya kusuruvara.” Zvaizova nyore kuti afunge kuti aisazokwanisa kushumira Jehovha zvakare. Aigona kufunga kuti hazvina zvazvinobatsira kuti achinje mararamiro ake nekuti Mwari aisazombofa akamuregerera.

11 Chinotonyanya kutyisa ndechekuti kudai hama nehanzvadzi dzemuungano dzakaramba kuregerera mutadzi akanga apfidza, dzaizokanganisa ushamwari hwadzo naJehovha. Nei tichidaro? Nekuti dzinenge dzisiri kutevedzera kuregerera kunoita Jehovha vatadzi vanenge vapfidza asi dzinenge dzichitevedzera Satani, uyo ane utsinye uye asinganzwire vamwe tsitsi. Pavaizoita izvozvo, vainge vachitobvumira Dhiyabhorosi kuti avashandise kutadzisa murume wacho kushumira Jehovha.—2 VaK. 2:​10, 11; VaEf. 4:27.

12. Ungano iyi yaizofanira kuita sei kuti itevedzere Jehovha?

12 Saka ungano iyi yemuKorinde yaizofanira kuita sei kuti itevedzere Jehovha, kwete Satani? Yaizofanira kutevedzera mabatiro anoita Jehovha vatadzi vanenge vapfidza. Ona kuti vamwe vanyori veBhaibheri vakatii nezvaJehovha. Dhavhidhi akanyora kuti: Jehovha ‘akanaka uye akagadzirira kukanganwira.’ (Pis. 86:5) Mika akanyora kuti: “Ndoupi Mwari akaita semi, anoregerera kukanganisa uye anoregerera kudarika?” (Mika 7:18) Uye Isaya akatiwo: “Munhu akaipa ngaasiye nzira yake uye munhu anoita zvakaipa ngaasiye kufunga kwake; ngaadzokere kuna Jehovha, uyo achamunzwira tsitsi, kuna Mwari wedu, nekuti achamukanganwira zvikuru.”—Isa. 55:7.

13. Nei paisava nechikonzero chekunonoka kudzosa murume akanga abviswa muungano? (Ona bhokisi rakanzi “Murume wemuKorinde Akadzorerwa Riini Muungano?”)

13 Kuti vatevedzere Jehovha, vanhu vemuungano yeKorinde vaifanira kugamuchira murume uya akanga apfidza vomuratidza kuti vaimuda. Kuita zvavakanga vaudzwa naPauro zvekuti vagamuchire mutadzi akanga apfidza, kwaizoratidza kuti ungano yacho ‘yaiteerera pazvinhu zvese.’ (2 VaK. 2:9) Kunyange zvazvo murume uyu akanga angori nemwedzi mishoma chete abviswa muungano, akanga atopfidza, saka paisava nechikonzero chekunonoka kumudzosa muungano.

Murume wemuKorinde Akadzorerwa Riini Muungano?

Zvinoita sekuti murume anotaurwa nezvake pana 1 VaKorinde chitsauko 5 akadzorerwa pashure penguva pfupi abviswa muungano. Nei tava kudaro?

Chimbofunga kuti tsamba mbiri dzakanyorwa naPauro kuvaKorinde dzakanyorwa riini. Pauro anofanira kunge akanyora tsamba yake yekutanga parwendo rwake rweumishinari rwechitatu gore ra55 C.E. richangotanga. Zvinoita sekuti akazonyora tsamba yake yechipiri pava paya mugore iroro ra55 C.E.

Uyewo mutsamba yake yekutanga, Pauro akanga avapa mirayiridzo nezvenyaya yekuunganidza mari yaizobatsira vaKristu vechiJudha vakanga vari munzara. Nemhaka yekuti hama idzi dzaida kubatsirwa nekukurumidza, Pauro anofanira kunge akakurumidzawo kunyora tsamba yake yechipiri achikumbira ungano yeKorinde kuti igadzirire mari yaizodiwa pakuyamura hama idzi.—1 VaK. 16:1; 2 VaK. 9:5.

Pauro aivawo nechimwe chikonzero chakaita kuti anyore tsamba yake yechipiri nekukurumidza. Akanga audzwa nezvekupfidza kwemurume wacho. Mumazuva iwayo, zvinofanira kunge zvakatora kanguva kuti ungano igamuchire tsamba yake yekutanga. Saka Pauro anofanira kunge akakurumidza kunyora imwe tsamba achiudza ungano zvayakanga yava kufanira kuita.

VaKristu vemuungano yeKorinde vachigamuchira nemufaro murume akanga achangobva kudzorerwa.

Tichifunga zvese izvi, zvine musoro kuti titaure kuti Pauro akakurudzira ungano pashure pemwedzi mishoma kuti idzorere muungano mutadzi akanga apfidza zvivi zvake.

KUTEVEDZERA JEHOVHA PAKUTONGA ZVAKARURAMA UYE KUNZWIRA TSITSI

14-15. Tinodzidzei kubva pamabatirwo akaitwa nyaya yemurume akaita chivi chakakura muKorinde? (2 Petro 3:9) (Onawo mufananidzo.)

14 Mabatirwo akaitwa nyaya yemurume akaita chivi chakakura muKorinde akanyorwa muBhaibheri “kuti tirayiridzwe.” (VaR. 15:4) Nyaya iyi inotidzidzisa kuti Jehovha haabvumiri vaya vanoita zvivi zvakakura vasingapfidzi kuti varambe vari muungano. Haana maonero aya ekuti vanhu vanotadza vasingapfidzi vanofanira kungosiyiwa vari muungano tichiti tiri kuvanzwira tsitsi. Jehovha ane tsitsi, asi haangobvumirani nezvese zvese uye mitemo yake yezvaanoti zvakanaka uye zvakaipa haichinji. (Jud. 4) Kudai Jehovha aizodaro, ainge ari kutotadza kuratidza tsitsi nekuti izvi zvaizokanganisa vese vari muungano.—Zvir. 13:20; 1 VaK. 15:33.

15 Asiwo, tinodzidza kuti Jehovha haana waanoda kuti aparadzwe. Anoda kuti vanhu vapone pese pazvinenge zvichiita. Anoratidza tsitsi kune vaya vanenge vasiya maitiro avo akaipa vobva vada kugadzirisa ushamwari hwavo naye. (Ezek. 33:11; verenga 2 Petro 3:9.) Saka murume uya wekuKorinde paakapfidza ndokubva atendeuka, Jehovha akashandisa Pauro kutsanangurira ungano yacho kuti murume wacho aifanira kuregererwa uye kudzorerwa muungano.

Hanzvadzi iri muImba yeUmambo, ichimbundira imwe hanzvadzi yabva kudzorerwa muungano. Vamwe vakamira ipapo vari kufara.

Tinotevedzera Jehovha pakuratidza rudo uye kunzwira tsitsi kuburikidza nekugamuchira zvakanaka vaya vanenge vadzorerwa muungano (Ona ndima 14-15)


16. Mabatirwo akaitwa nyaya yemurume wekuKorinde anoita kuti unzwe sei?

16 Kuongorora kwataita nyaya yakaitika kuKorinde kwatibatsira kuona kuti Jehovha ane rudo, akarurama uye anotonga zvakarurama. (Pis. 33:5) Kudzidza izvi kunoita kuti tide kuwedzera kumurumbidza nekuti tese zvedu tiri vatadzi uye tinotoda kuregererwa naye. Tese zvedu tinotenda Jehovha nekutipa rudzikinuro, urwo runoita kuti tikwanise kuregererwa. Zvinonyaradza chaizvo kuziva kuti Jehovha anoda vanhu vake zvechokwadi uye anoda kuti zvivafambire zvakanaka!

17. Tichadzidzei munyaya dzinotevera?

17 Ko mazuva ano nyaya dzezvivi zvakakura dzinobatwa sei? Vakuru vangatevedzera sei rudo rwuna Jehovha pavanenge vachiedza kubatsira mutadzi kuti asvike pakupfidza? Ungano inofanira kuita sei kana vakuru vakasarudza kubvisa kana kuti kudzorera munhu muungano? Mibvunzo iyi ichapindurwa munyaya dzinotevera.

UNGAPINDURA SEI?

  • Jehovha anoda kuti vanhu vese vaite sei?

  • Pauro akaudza ungano yevaKorinde kuti iite sei nemumwe murume akanga asina kupfidza chivi chake?

  • Murume wacho paakapfidza, Pauro akaudza ungano yevaKorinde kuti iite sei?

RWIYO 109 Ida Zvakadzama, Zvinobva Pamwoyo

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe