RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w25 January p. 32
  • Kudhirowa Kunokubatsira Kuyeuka Zvawadzidza

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kudhirowa Kunokubatsira Kuyeuka Zvawadzidza
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Mashoko Akafanana
  • ‘Kuswedera Pedyo naMwari Kwakatinakira!’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Unogona Kuvandudza Simba Rako Rokuyeuka!
    Mukai!—2009
  • Edza Kufungidzira Zviri Kuitika Munyaya Yauri Kuverenga muBhaibheri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
  • Kushandisa Zvakanaka Zvinhu Zvinooneka
    Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
w25 January p. 32

ZVAUNGAITA PAKUDZIDZA

Kudhirowa Kunokubatsira Kuyeuka Zvawadzidza

Pamwe kungofanana nevakawanda vedu, zvinombokuomera kuyeuka zvaunenge wadzidza. Asi wakambocherechedza here kuti zviri nyore kuyeuka mifananidzo yaJesu? Nei zvakadaro? Nekuti tinogona kufungidzira zvakaitika mumifananidzo yacho zvotibatsira kuyeuka zvaaidzidzisa. Saizvozvowo, unokwanisa kuyeuka zvakawanda zvaunenge wadzidza kana ukaedza kufungidzira zvinhu zvacho zvaunenge uchiverenga. Ungazviita sei izvozvo? Kuburikidza nekudhirowa zvaunenge uchidzidza.

Vanhu vanodhirowa zvinhu zvitsva zvavanenge vadzidza vanowanzozviyeuka. Vanoona kuti kudhirowa kunovabatsira kubata mashoko uye pfungwa huru dzavanenge vadzidza. Havadhirowe havo zvinhu zvinoshamisira asi zvekungoti zvivabatsire kuyeuka zvavanenge vadzidza. Uye zvakaonekwa kuti vaya vakura vanogona kubatsirwa chaizvo kana vakashandisa nzira iyi pakudzidza.

Saka paunenge uchiverenga, unogona kumboedza kudhirowa zvinhu zvaunenge wadzidza. Unogona kutoshamisika nekuwanda kwezvinhu zvaunenge uchiri kukwanisa kuyeuka!

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe