RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w25 February pp. 14-19
  • Ungatevedzera Sei Jehovha Pakuregerera Vamwe?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ungatevedzera Sei Jehovha Pakuregerera Vamwe?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • USAITE SEKUTI HAUNA KURWADZIWA
  • ITA ZVINOITA KUTI USARAMBE WAKAGUMBUKA
  • ITA ZVINOITA KUTI UNZWE ZVIRI NANI
  • FUNGA KUTI ZVAKANAKIREI KUVA MUNHU ANOREGERERA
  • ‘Rambai Muchikanganwirana Makasununguka’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Kanganwiranai Nomwoyo Wose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Jehovha “Anoporesa Vakaora Mwoyo”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
  • Kuvirei Anokanganwira?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
w25 February pp. 14-19

NYAYA YEKUDZIDZA 8

RWIYO 130 Kanganwira Vamwe

Ungatevedzera Sei Jehovha Pakuregerera Vamwe?

“Sezvo Jehovha akakuregererai nemwoyo wese, imiwo itai saizvozvo.”—VAK. 3:13.

ZVATICHADZIDZA

Nyaya ino ichataura zvatingaita kuti tiregerere munhu anenge atitadzira.

1-2. (a) Ndepapi pazvinganyanya kutiomera kuti tiregerere mumwe munhu? (b) Denise akaratidza sei kuti akanga aregerera munhu akanga amutadzira?

UNOMBOOMERWA nekuregerera vamwe here? Vakawanda vedu zvinotiomera kana kuri kuti munhu wacho akatirwadzisa chaizvo nezvaakataura kana kuti zvaakaita. Asi pane zvimwe zvinhu zvatinogona kuita kuti tiregerere vamwe uye tisarambe takatsamwa kana kuti kugumbuka. Chimbofunga nezveimwe hanzvadzi inonzi Denise,a iyo yakaratidza muenzaniso wakanaka panyaya yekuregerera. Muna 2017, Denise nemhuri yake vakanga vachangobva kushanyira Mahofisi Makuru eZvapupu zvaJehovha ayo akanga achangobva kuvhurwa. Vari munzira kudzokera kumba, mota yavo yakabonderwa neimwe mota uye Denise akabva afenda. Paakazopepuka, akaziva kuti vana vake vakanga vakuvara zvakaipisisa, uye murume wake Brian, akanga afira mutsaona iyoyo. Achifunga zvakaitika panguva iyi, Denise anoti, “Ndakapera simba uye ndakavhiringidzika.” Paakazoziva kuti mutyairi wacho akanga asina kudhakwa uye kuti hapana chaimutadzisa kuona, Denise akanyengetera kuna Jehovha kuti ave nerugare mupfungwa.

2 Mutyairi wacho akasungwa ndokuendeswa kudare kuti anotongerwa mhosva yekuuraya munhu. Kudai aizowanikwa aine mhosva, aizoiswa mujeri. Asi dare racho rakaudza Denise kuti mutongo waro waizobva pane zvaaizotsanangura kuti chii chainge chaitika. Denise anoti: “Ndakanzwa sekuti mumwe munhu ainge avhura maronda angu achiadira sauti, nekuti ndaifanira kudzokorodza kutaura zvinhu zvinorwadza zvakaitika muupenyu hwangu.” Mumavhiki mashoma akazotevera, Denise akaenda kudare kuti anotaura pamberi pemurume akanga arwadzisa mhuri yavo zvisingaiti. Akataura kutii? Denise akakumbira mutongi wacho kuti anzwire murume uyu tsitsi.b Paakapedza kutaura, mutongi wacho akatanga kuchema. Akati: “Mumakore 25 andashanda semutongi, handisati ndambonzwa zvinhu zvakadai. Handisati ndambonzwa munhu akatadzirwa achikumbira kuti munhu akamutadzira anzwirwe tsitsi. Handimbonzwi mashoko anoratidza tsitsi uye ekuregerera.”

3. Chii chakaita kuti Denise ade kuregerera munhu akamutadzira?

3 Chii chakaita kuti Denise ade kuregerera munhu akamutadzira? Akafunga nezvekuregerera kwaJehovha. (Mika 7:18) Kana tichionga chaizvo kuregererwa kwatinoitwa naJehovha, zvinovawo nyore kuti tiregerere vamwe.

4. Jehovha anoda kuti tiite sei? (VaEfeso 4:32)

4 Jehovha anoda kuti tiregerere vamwe nemwoyo wese sekutiregerera kwaanotiita. (Verenga VaEfeso 4:32.) Anoda kuti tigare takagadzirira kuregerera vaya vanotirwadzisa. (Pis. 86:5; Ruka 17:4) Munyaya ino tichakurukura zvinhu zvitatu zvichatibatsira kuti tiwedzere kuregerera vamwe.

USAITE SEKUTI HAUNA KURWADZIWA

5. Maererano naZvirevo 12:​18, tinogona kunzwa sei kana mumwe munhu akatigumbura?

5 Tinogona kurwadziwa nezvinenge zvataurwa kana kuti zvinenge zvaitwa nemumwe munhu, kunyanya kana ari shamwari yedu kana kuti munhu wemumhuri. (Pis. 55:​12-14) Dzimwe nguva marwadzo acho tinogona kuafananidza nemunhu anenge abayiwa nebanga. (Verenga Zvirevo 12:18.) Tinogona kuedza kuita sekuti hatina kurwadziwa nezvinenge zvaitika. Asi kuita izvozvo kwakafanana nekurega banga racho rakubaya riri ipapo parakabaya. Hatingatarisiri kuti kurwadziwa kwatinenge tichiita kuchangodzikira kana tikangokusiya kwakadaro.

6. Tinogona kunzwa sei kana mumwe munhu akatigumbura?

6 Kana mumwe munhu akatitadzira, tinogona kumbogumbuka. Bhaibheri rinobvuma kuti tinogona kutsamwa. Asi rinotiyambira kuti tisarambe takatsamwa. (Pis. 4:4; VaEf. 4:26) Nei tisingafaniri kudaro? Nekuti kana tikaramba takatsamwa tinogona kuita zvinhu zvatinozozvidemba. (Jak. 1:20) Yeuka kuti kuitirwa zvakaipa kunogona kukugumbura, asi unogona kusarudza kuti woramba wakatsamwa here kana kuti kwete.

Kuitirwa zvakaipa kunogona kukugumbura, asi unogona kusarudza kuti woramba wakatsamwa here kana kuti kwete

7. Ndeapi mamwe manzwiro atinogona kuva nawo kana mumwe munhu akatirwadzisa?

7 Kana tikabatwa zvisina kunaka tinogonawo kurwadziwa. Semuenzaniso, hanzvadzi inonzi Ann inoti: “Pandaiva mudiki, baba vakasiya amai vangu ndokubva varoora mukadzi aindirera. Ndakanzwa ndasiyiwa. Pavakazova nevana, ndakanzwa sekuti handisisina basa. Ndakakura ndichinzwa sekuti handidiwi.” Imwe hanzvadzi inonzi Georgette yakatsanangura kuti yakanzwa sei murume wayo paakaita upombwe. Yakati: “Taiva shamwari kubvira tichiri vadiki. Takanga tapayona pamwe chete! Ndakarwadziwa zvisingaite.” Vakazopedzisira vadambura muchato. Imwe hanzvadzi inonzi Naomi yakati: “Handina kumbofungidzira kuti murume wangu aizondirwadzisa. Saka paakareurura kuti aiona zvinonyadzisira zvakandirwadza zvisingaite uye ndakaona kuti akanga andinyengera.”

8. (a) Ndezvipi zvimwe zvikonzero nei tichifanira kuregerera vamwe? (b) Kuregerera vamwe kunotibatsira sei? (Ona bhokisi rakanzi “Zvatingaita Kana Takamboshungurudzwa Nemumwe Munhu”)

8 Hatigoni kusarudzira munhu kuti achataurei kana kuti achaitei kwatiri, asi tinogona kusarudza kuti tichaitei nezvaanenge aita. Uye kakawanda kacho kuregerera ndiwo mushonga. Nei tichidaro? Nekuti tinoda Jehovha, uye anoda kuti tiregerere vamwe. Kana tikaramba takatsamwa uye tisingaregereri, kazhinji tinozoita zvinhu zvatinozozvidemba, uye zvinogona kukanganisa utano hwedu. (Zvir. 14:​17, 29, 30) Funga zvakataurwa neimwe hanzvadzi inonzi Christine. Anoti: “Kana ndakashatirwa kana kuti ndakagumbuka, kashoma kuti ndisekerere. Ndinowanzodya zvekudya zvisina utano. Handirari zvakanaka uye zvakandiomera kudzora manzwiro angu. Izvi zvinobva zvakanganisa mabatiro andinoita murume wangu uye vamwe.”

Zvatingaita Kana Takamboshungurudzwa Nemumwe Munhu

Zvakanaka kuyeuka kuti patinoregerera mumwe munhu tinenge tisiri kurerutsa zvaakatiitira kana kuti kumubvumira kuti aite zvaanoda nesu. Asi tinenge tasarudza kusachengeta chigumbu uye kusatsamwa. Izvozvo zvinoita kuti tisaramba tichishungurudzika nezvinhu zvakaitwa nemunhu wacho. Kusachengeta chigumbu kunototibatsira. Kunoita kuti tipore toenderera mberi neupenyu. Asi kunyange patinosarudza kusaramba takagumbuka uye takatsamwa hatifaniri kumbokanganwa kuti munhu wacho achiri kuzvidavirira kuna Jehovha pane zvaakaita. Saka patinosarudza kusaramba takagumbuka uye takatsamwa tinenge tichiteerera zano remunyori wemapisarema rekuti: “Kanda mutoro wako pana Jehovha.” (Pis. 55:22) Tinosiyira nyaya yacho kuna Jehovha, tichivimba kuti achatonga munhu iyeye akatirwadzisa chaizvo. Uye matongero aJehovha akanaka chaizvo kupfuura atingaita. Saka achapa mutongo wakarurama kupfuura watingapa isu.

9. Nei tisingafaniri kuramba takachengeta chigumbu?

9 Kunyange zvazvo uya akatirwadzisa akasakumbira ruregerero, tine zvatinogona kuita kuti tisanyanye kurwadziwa. Zvii zvatingaita? Georgette, ambotaurwa nezvake anoti: “Zvakanditorera nguva, asi handina kuramba ndakagumbukira murume wandainge ndakamboroorwa naye. Izvi zvakaita kuti ndinzwe ndakanyatsodzikama.” Patinobvisa chigumbu mumwoyo medu, kurwadziwa kwatinenge taita hakuzokanganisi mabatiro atinoita vamwe. Kusachengeta chigumbu kunotibatsirawo pakuti hatirambe takaisa pfungwa dzedu panyaya iyoyo uye kuchaita kuti tienderere mberi neupenyu. (Zvir. 11:17) Asi ungaitei kana uchinzwa sekuti hausati wava kuda kuregerera?

ITA ZVINOITA KUTI USARAMBE WAKAGUMBUKA

10. Nei tichifanira kuzvipa nguva yekuti tirege kuramba takatsamwira mumwe munhu? (Onawo mifananidzo.)

10 Chii chingakubatsira kuti usarambe wakagumbuka? Imwe nzira ndeyekuzvipa nguva yekuti tipore. Pashure pekunge arapwa, munhu anenge akuvara zvakanyanya anoda nguva yekuti apore. Saizvozvowo, zvinogona kutora nguva kuti tizokwanisa kuregerera mumwe munhu zvichibva pamwoyo.—Mup. 3:3; 1 Pet. 1:22.

Mifananidzo: Hama yakuvara inopora nekufamba kwenguva. 1. Iri kutakurwa ichiiswa muamburenzi. 2. Inobatsirwa kutangazve kufamba. 3. Yava kufamba yega zvakanaka.

Patinokuvara tinoda kubatsirwa zvakanaka uye nguva yekuti tipore. Ndozvazvinoitawo patinorwadziswa nemumwe munhu (Ona ndima 10)


11. Munyengetero ungakubatsira sei kuregerera?

11 Nyengetera uchikumbira Jehovha kuti akubatsire kuregerera.c Ann ambotaurwa nezvake anotsanangura kubatsirwa kwaakaitwa nemunyengetero. Anoti: “Ndakakumbira Jehovha kuti aregerere mumwe nemumwe wedu mumhuri pazvinhu zvisina kunaka zvatakanga tataura uye taita. Ndakabva ndanyorera baba vangu nemudzimai wavo tsamba ndikavaudza kuti ndakanga ndavaregerera.” Ann anoti kuita izvi kwakanga kusiri nyore. Asi anowedzera kuti: “Ndinovimba kuti kuedza kwandiri kuita kutevedzera Jehovha pakuregerera, kuchabatsira baba vangu nemudzimai wavo kuti vade kudzidza nezvake.”

12. Nei tichifanira kuvimba naJehovha kwete nemanzwiro edu? (Zvirevo 3:​5, 6)

12 Vimba naJehovha, kwete nemanzwiro ako. (Verenga Zvirevo 3:​5, 6.) Jehovha anogara achiziva zvakatinakira. (Isa. 55:​8, 9) Uye haambotikumbire kuti tiite chimwe chinhu chinotikuvadza. Saka paanotikurudzira kuti tiregerere, tinogona kuva nechokwadi chekuti kuita izvozvo kuchatibatsira. (Pis. 40:4; Isa. 48:​17, 18) Asiwo kana tikavimba nemanzwiro edu hatizombofi takakwanisa kuregerera. (Zvir. 14:12; Jer. 17:9) Naomi ambotaurwa anoti: “Pakutanga ndainzwa sekuti ndaisafanira kuregerera murume wangu pakuona kwaaiita zvinonyadzisira. Ndaitya kuti aizondirwadzisa zvakare kana kuti aizokanganwa kundirwadzisa kwaakaita. Saka ndaizviudza kuti Jehovha anonzwisisa manzwiro angu. Asi ndakazotanga kuona kuti kunyange zvazvo Jehovha achinzwisisa manzwiro andinoita hazvirevi kuti anobvumirana nawo. Anoziva manzwiro andinoita uye kuti zvinotora nguva kuti ndipore, asi anodawo kuti ndiregerere vamwe.”d

ITA ZVINOITA KUTI UNZWE ZVIRI NANI

13. Maererano naVaRoma 12:​18-21, chii chatinofanira kuita?

13 Kana tikaregerera munhu anenge akatirwadzisa zvakanyanya, hatidi kugumira pakusangotaura nezvenyaya yacho chete. Kana munhu wacho iri hama kana hanzvadzi yedu yechiKristu, tinoda kuita kuti pave nerugare. (Mat. 5:​23, 24) Pane kuti tirambe takatsamwa tinosarudza kunzwira tsitsi uye pane kuti tichengete chigumbu tinosarudza kuregerera. (Verenga VaRoma 12:​18-21; 1 Pet. 3:9) Chii chingatibatsira kuita izvozvo?

14. Tinofanira kushanda nesimba kuitei, uye nei tichifanira kudaro?

14 Tinofanira kushanda nesimba kuti tione munhu atikanganisira semaonerwo aanoitwa naJehovha. Jehovha anosarudza kutarisa zvakanaka muvanhu. (2 Mak. 16:9; Pis. 130:3) Zvatinoisa pfungwa pazviri ndizvo zvinhu zvatinowanzoona muvanhu, zvingava zvakanaka kana kuti zvisina kunaka. Patinoona zvakanaka zvinoitwa nevamwe, zvinotiitira nyore kuti tivaregerere. Semuenzaniso, imwe hama inonzi Jarrod inoti, “Zvinowanzondiitira nyore kuregerera hama yangu kana ndikatarisa chikanganiso chaanenge andiitira ndochienzanisa nezvinhu zvakanaka zvakawanda zvandinofarira paari.”

15. Nei dzimwe nguva zvichibatsira kuudza munhu anenge akutadzira kuti wamuregerera?

15 Chimwe chinhu chinokosha chatinogona kuita kuudza munhu anenge atitadzira kuti tamuregerera. Nei izvozvo zvichikosha? Naomi ambotaurwa nezvake anoti: “Murume wangu akandibvunza kuti, ‘Wandiregerera here?’ Pandakada kuti ndipindure kuti, ‘Ehe ndakuregerera,’ mashoko acho akaramba kubuda. Ndakabva ndaziva kuti ndakanga ndisati ndanyatsomuregerera mumwoyo mangu. Nekufamba kwenguva ndakazokwanisa kumuudza kuti, ‘Ndakuregerera.’ Misodzi yakayangarara mumaziso ake. Ndakashamiswa nekurerukirwa kwaakabva aita uye kugadzikana kwandakaita mumwoyo. Kubvira ipapo, ndava kukwanisa kuvimba nemurume wangu uye tava shamwari dzepedyo zvakare.”

16. Chii chawadzidza nezvekuregerera?

16 Jehovha anoda kuti tiregererane. (VaK. 3:13) Kunyange zvakadaro, tinogona kuomerwa nekuregerera vamwe. Asi tinogona kuvaregerera kana tikabvuma kuti tarwadziwa toita zvese zvatinogona kuti tisarambe takagumbuka. Kana tadaro, tinenge tava kukwanisa kunzwa zviri nani.—Ona bhokisi rakanzi “Zvinhu Zvitatu Zvaungaita Kuti Uregerere Vamwe.”

Zvinhu Zvitatu Zvaungaita Kuti Uregerere Vamwe

Hanzvadzi iri kushungurudzika yakatarisa panze pehwindo.

USAITE SEKUTI HAUNA KURWADZIWA

  • Hatingatarisire kuti kurwadziwa kwatinenge tichiita kuchangodzikira kana tikangokusiya kwakadaro.

Hanzvadzi iya yanga iri pamufananidzo wekutanga, iri kunyengetera ichiteterera.

ITA ZVINOITA KUTI USARAMBE WAKAGUMBUKA

  • Zvipe nguva yekuti upore.

  • Kumbira Jehovha kuti akubatsire kuti usarambe wakatsamwa.

  • Vimba naJehovha, kwete nemanzwiro ako.

Hanzvadzi yacho nemurume wayo, vava kufara pamwe chete.

ITA ZVINOITA KUTI UNZWE ZVIRI NANI

  • Edza kuona munhu wacho semaonerwo aanoitwa naJehovha.

  • Kumbira Jehovha kuti akubatsire kuti umuregerere.

  • Udza munhu wacho kuti wamuregerera.

FUNGA KUTI ZVAKANAKIREI KUVA MUNHU ANOREGERERA

17. Zvakanakirei kuregerera vamwe?

17 Tine zvikonzero zvakawanda zvinoita kuti tiregerere vamwe. Ngationei zvimwe zvacho. Chekutanga, tinenge tichitevedzera uye tichifadza Baba vedu vane tsitsi, Jehovha. (Ruka 6:36) Chechipiri, tinoratidza kuti tinoonga chaizvo kuregererwa kwatinoitwa naJehovha. (Mat. 6:12) Uye chechitatu, tinova neutano uye ushamwari hwakanaka nevamwe.

18-19. Chii chinogona kuitika kana tiri vanhu vanoregerera vamwe?

18 Patinoregerera vamwe, tinogona kuwana makomborero atanga tisingatarisire. Ona zvakaitika kuna Denise ambotaurwa nezvake. Kunyange zvazvo aisazviziva panguva iyoyo, murume ainge akonzeresa tsaona akanga aronga kuzozviuraya pashure pekunge atongwa. Asi paakaregererwa naDenise akabva atanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha.

19 Tinogona kunzwa sekuti kuregerera mumwe munhu ndechimwe chezvinhu zvakaoma chaizvo zvatingaita, asi kune makomborero akazowanda. (Mat. 5:7) Saka ngatiitei zvese zvatinogona kuti titevedzere kuregerera kunoita Jehovha.

KANA MUMWE MUNHU AKAKUGUMBURA, . . .

  • nei usingafaniri kuita sekuti hauna kurwadziwa?

  • chii chingakubatsira pamanzwiro aunenge uchiita?

  • ungaitei kuti unzwe zviri nani?

RWIYO 125 “Vanofara Vane Ngoni!”

a Mamwe mazita akachinjwa.

b Pamamiriro ezvinhu akadaro, muKristu mumwe nemumwe anofanira kusarudza ega zvekuita.

c Ona mavhidhiyo ari pajw.org enziyo dzinoti “Kanganwiranai,” “Regerera Nemwoyo Wese,” uye “Tava Shamwari Zvakare.”

d Kuona zvinhu zvinonyadzisira chivi chakakura uye zvinorwadzisa wawakaroorana naye. Asi hachisi chikonzero chepaMagwaro chekuti anenge atadzirwa adimbure muchato nemumwe wake.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe