NYAYA YEKUDZIDZA 19
RWIYO 6 Matenga Anozivisa Kubwinya kwaMwari
Tevedzera Ngirozi Dzakatendeka
“Rumbidzai Jehovha, imi ngirozi dzake dzese.”—PIS. 103:20.
ZVATICHADZIDZA
Tichakurukura zvatinodzidza pangirozi dzakatendeka.
1-2. (a) Takasiyana papi nengirozi? (b) Takafanana papi nengirozi?
JEHOVHA paakakuunza muchokwadi akaita kuti uve mumhuri ine rudo yevanamati vake vakasiyana-siyana vanosanganisira mamiriyoni engirozi dzakatendeka. (Dhan. 7:9, 10) Patinofunga nezvengirozi, tinowanzofunga nezvekusiyana kwadzakaita nesu. Semuenzaniso, ngirozi dzararama kwenguva yakareba chaizvo kupfuura yatararama. (Job. 38:4, 7) Dzine simba rinopfuura redu. Uye ngirozi itsvene uye dzakarurama kupfuura zvatakaita isu vanhu vane chivi.—Ruka 9:26.
2 Asi pasinei nemisiyano iyi, tine zvakawanda zvatakafanana nengirozi. Semuenzaniso, kufanana nengirozi, tinogona kuratidza unhu hwakanaka hwaJehovha. Takafananawo nengirozi pakuva nerusununguko rwekusarudza. Sezvakangoitawo ngirozi, mumwe nemumwe wedu ane zita rake neunhu hwake, uyewo zvinhu zvakasiyana-siyana zvaanoita mubasa raJehovha. Uye kufanana nengirozi, tine chido chekunamata Musiki wedu.—1 Pet. 1:12.
3. Tinogona kudzidzei pangirozi dzakatendeka?
3 Sezvo tiine zvakawanda zvatakafanana nengirozi, muenzaniso wadzo wakanaka unogona kutikurudzira uye kutidzidzisa zvinhu zvakawanda zvinokosha. Munyaya ino tichakurukura kuti tingatevedzera sei kuzvininipisa kwengirozi dzakatendeka, kuda kwadzinoita vanhu, kutsungirira kwadzinoita uye zvadzinoita kuti ungano irambe yakachena.
NGIROZI DZINOZVININIPISA
4. (a) Ngirozi dzinoratidza sei kuzvininipisa? (b) Nei ngirozi dzichizvininipisa? (Pisarema 89:7)
4 Ngirozi dzakatendeka dzinozvininipisa. Kunyange zvazvo dzichiziva zvakawanda, dziine simba uye dzakachenjera, dzinoteerera zvadzinoudzwa naJehovha. (Pis. 103:20) Padzinoita mabasa adzo hadzimbozvitutumadzi nezvadzinenge dzaita uye hadzishamisire nesimba radzo rinopfuura revanhu. Dzinoita kuda kwaMwari dzichifara kunyange padzisingataurwe nemazita kuti dzaitei.a (Gen. 32:24, 29; 2 Madz. 19:35) Dzinoramba kugamuchira kukudzwa chero kupi zvako kunofanira kunge kuri kwaJehovha. Nei ngirozi dzichizvininipisa zvakadaro? Nekuti dzinoda Jehovha uye dzinomuremekedza zvikuru.—Verenga Pisarema 89:7.
5. Imwe ngirozi yakaratidza sei kuzvininipisa payairuramisa muapostora Johani? (Onawo mufananidzo.)
5 Funga nezveimwe nyaya inoratidza kuzvininipisa kwengirozi. Munenge muna 96 C.E., imwe ngirozi isingataurwi nezita yakaratidza muapostora Johani zvinhu zvinoshamisa. (Zvak. 1:1) Johani akaitei paakaona zvinhu izvozvo? Akaedza kunamata ngirozi yacho. Asi chisikwa ichocho chemweya chakavimbika chakakurumidza kumurambidza chichiti: “Aiwa! Usadaro! Ndinongovawo muranda sezvauri iwe nehama dzako . . . Namata Mwari!” (Zvak. 19:10) Ikoko kwaiva kuzvininipisa chaizvo! Ngirozi iyi yaisada kukudzwa kana kuti kuyemurwa. Yakakurumidza kuudza Johani kuti anamate Jehovha Mwari. Panguva imwe chete iyoyo, ngirozi yacho haina kutarisira Johani pasi. Kunyange zvazvo ngirozi yacho yakanga yashumira Jehovha kwenguva yakareba kupfuura zvakanga zvaitwa naJohani uye iine simba rakakura kupfuura rake, yakazvininipisa ichitaura nezvemuapostora wacho semuranda pamwe chete naiyo. Uye kunyange zvazvo ngirozi yacho yaifanira kururamisa Johani, haina kutuka kana kubata zvisina kunaka muapostora iyeye akanga akwegura. Asi yakataura naye zvakanaka. Inofanira kunge yakaona kuti Johani akanga achinetseka nezvinhu zvinoshamisa zvaakanga aona.
Ngirozi yakaratidza kuzvininipisa payaitaura nemuapostora Johani ichimururamisa (Ona ndima 5)
6. Tingatevedzera sei kuzvininipisa kwengirozi?
6 Tingatevedzera sei kuzvininipisa kwengirozi? Isuwo tinogona kuita mabasa edu tisingazvikudzi kana kuedza kuita kuti vamwe vaone kuti tine zvipo zvatiinazvo. (1 VaK. 4:7) Uyewo hatifaniri kuona sekuti tinokosha kupfuura vamwe kana kuri kuti tashumira Jehovha kwenguva yakareba kuvapfuura kana kuti tiine dzimwe ropafadzo dzavasina. Kutaura zvazviri, patinova nezvakawanda zvekuita mubasa raJehovha, tinofanira kuwedzerawo kuzviona sevadiki. (Ruka 9:48) Kufanana nengirozi, tinoda kushumira vamwe. Hatidi kuedza kuita kuti vamwe vatione setinokosha kuvapfuura.
7. Tingaratidza sei kuzvininipisa patinenge tichifanira kururamisa mumwe munhu kana kuti kumupa zano?
7 Tinogona kuratidzawo kuti tinozvininipisa paya patinenge tichifanira kururamisa mumwe munhu kana kuti kumupa zano, angava hama yedu yatinonamata nayo kana kuti mwana wedu. Patinopa munhu zano, tinofanira kunyatsotaura zvakajeka paanenge achifanira kugadzirisa. Asi kungofanana nengirozi iya yakaruramisa Johani zvine mutsa, tinofanira kutaura zvakajeka asi tisingazosiyi munhu wacho achinzwa sekuti haabatsiri. Kana tikasazviona setinokosha kupfuura vamwe, zvichaita kuti tipe zano rinobva muBhaibheri nenzira inoratidza kuti tiri kuremekedza vanhu uye tinovada.—VaK. 4:6.
NGIROZI DZINODA VANHU
8. (a) Maererano naRuka 15:10, ngirozi dzinoratidza sei kuti dzinoda vanhu? (b) Ngirozi dzinotibatsira sei pabasa rekuparidza? (Onawo mufananidzo uri pakavha.)
8 Ngirozi dzine hanya nezvinoitika kuvanhu uye dzinovaona sevanokosha. Dzinoda vanhu. Dzinofara munhu anenge akaita chivi chakakura paanopfidza zvivi zvake kana kuti munhu anga ambomira kushumira Jehovha paanodzoka kwaari. Dzinofarawo mumwe munhu paanodzidza chokwadi nezvaJehovha, osarudza kuchinja mararamiro ake kuti akwanise kumushumira. (Verenga Ruka 15:10.) Ngirozi dzinoshandawo nesimba pabasa rekuparidza mashoko akanaka. (Zvak. 14:6) Kunyange zvazvo ngirozi dzisiri idzo dzinoparidzira vanhu zvakananga, dzinogona kutungamirira muparidzi kuti aende kunobatsira mumwe munhu kuti adzidze nezvaJehovha. Asi hapana hapo chaipo patinogona kuti apa ingirozi inenge yabatsira. Jehovha anogona kushandisawo dzimwe nzira dzakadai sekushandisa mweya wake mutsvene kuti abatsire vanhu kana kuti atungamirire vashumiri vake. (Mab. 16:6, 7) Asi kunyange zvakadaro, ngirozi dzinotibatsira pakuparidza. Saka patinoita basa rekuparidza mashoko akanaka, tinogona kuva nechivimbo chekuti ngirozi dzichatitsigira.—Ona bhokisi rakanzi “Minyengetero Yavo Yakapindurwa.”b
Murume nemudzimai vachangopedza kuparidza nechingoro. Pavari kudzokera kumba, hanzvadzi inoona mukadzi anoita seakaora mwoyo chaizvo. Hanzvadzi yacho inoyeuka kuti ngirozi dzinogona kutitungamirira kune vaya vanoda kuziva chokwadi nezvaMwari kana kuti nezvechinangwa cheupenyu. Inobva yanzwa ichida kunyaradza mukadzi wacho (Ona ndima 8)
9. Tingatevedzera sei ngirozi pakuda kwadzinoita vanhu?
9 Tingatevedzera sei ngirozi pakuda kwadzinoita vanhu? Patinonzwa chiziviso chekuti mumwe munhu adzorerwa, tinogona kufara sezvinoita ngirozi. Tinogona kuita zvese zvatinogona kuti hama yedu izive kuti tinoida uye kuti tinofara kuti yava kushumira Jehovha. (Ruka 15:4-7; 2 VaK. 2:6-8) Tinogonawo kutevedzera ngirozi nekuita zvese zvatinogona mubasa rekuparidza. (Mup. 11:6) Uye sezvo ngirozi dzichititsigira patinoparidza mashoko akanaka, tinogonawo kutsvaga nzira dzekutsigira hama nehanzvadzi dzedu muushumiri. Semuenzaniso, tinokwanisa here kuronga kuti tishande nevaparidzi vatsva? Tinogona here kutsigira hama nehanzvadzi dzedu dzakura kana kuti dziri kunetsekana neutano kuitira kuti dziite ushumiri?
10. Tinogona kudzidzei pane zvakaitika kuna Sara?
10 Tingaitei kana mamiriro edu ezvinhu achititadzisa kuita zvese zvatinoda mubasa raJehovha? Tinogona kutsvaga nzira dzekushanda pamwe chete nengirozi mubasa rekuparidza. Funga zvakaitika kuna Sara,c anogara kuIndia. Pashure pekupayona kwemakore anenge 20, Sara akarwara zvekuti akanga asingachakwanisi kufamba kunyange kubva pamubhedha wake. Izvi zvakaita kuti aore mwoyo zvikuru. Asi Sara akawanazve mufaro nekuti akabatsirwa nehama nehanzvadzi dzemuungano make uyewo nekugara achiverenga Bhaibheri. Aitofanira kutsvaga nzira itsva dzekuita ushumiri hwake. Sezvo aisatombokwanisa kuita zvekugara kuti anyore tsamba, aingoita ushumiri hwekuparidza nefoni. Saka akafonera vanhu vaakanga ambokurukura navo uye vakamuudza nezvevamwe vanhu vaigona kufarira kudzidza Bhaibheri. Zvakaguma nei? Mumwedzi mishomanana, Sara akanga ava nezvidzidzo zveBhaibheri 70! Aisakwanisa kudzidza nevanhu ava vese saka akaronga kuti vamwe vemuungano vadzidze nevamwe vavo. Vakawanda vevadzidzi vacho vava kupinda misangano yedu. Ngirozi dzinofara chaizvo kushanda pamwe chete nehama nehanzvadzi dzakaita saSara, idzo dzinoda kuita zvese zvadzinogona mubasa rekuparidza!
NGIROZI DZINOTSUNGIRIRA
11. Ngirozi dzakatendeka dziri kutsungirira chii?
11 Ngirozi dzakatendeka dzinotsungirira chaizvo. Dzatsungirira kuona zvinhu zvisina kururama uye uipi kwezviuru zvemakore. Dzakaona Jehovha achipandukirwa naSatani nezvimwe zvisikwa zvemweya. (Gen. 3:1; 6:1, 2; Jud. 6) Bhaibheri rinotaura nezveimwe ngirozi yakatendeka yakapikiswa zvakananga nedhimoni rine simba. (Dhan. 10:13) Uyewo kubva panguva yaAdhamu naEvha, ngirozi dzaona vanhu vashomanana chete vachisarudza kushumira Jehovha. Pasinei nezvese izvozvo, ngirozi idzi dzakavimbika dzinoramba dzichishumira Jehovha nemufaro uye dzichishingaira. Dzinoziva kuti panguva yakakodzera Mwari achabvisa zvinhu zvese zvisina kunaka.
12. Chii chinogona kutibatsira kuti titsungirire?
12 Tingatevedzera sei kutsungirira kwengirozi? Kufanana nengirozi, tinogona kuona vanhu vachibatwa zvisina kunaka kana kuti tinogona kupikiswa. Asi tine chivimbo chine ngirozi chekuti panguva yakakodzera, Mwari achabvisa uipi hwese. Saka kufanana nengirozi dzakatendeka ‘hatiregi kuita zvakanaka.’ (VaG. 6:9) Uye Mwari anovimbisa kutibatsira kuti titsungirire. (1 VaK. 10:13) Tinogona kunyengetera kuna Jehovha kuti atipe mweya wake uyo unotibatsira kuti tive nemwoyo murefu uye tifare. (VaG. 5:22; VaK. 1:11) Ko kana uchipikiswa? Vimba zvakazara naJehovha uye usatya. Jehovha acharamba achikutsigira uye achikusimbisa.—VaH. 13:6.
NGIROZI DZINOBATSIRA PAKUITA KUTI UNGANO IRAMBE YAKACHENA
13. Ibasa ripi rinokosha riri kuitwa nengirozi mumazuva ekupedzisira? (Mateu 13:47-49)
13 Mumazuva ano ekupedzisira, Jehovha akapa ngirozi basa rinokosha. (Verenga Mateu 13:47-49.) Basa rekuparidza riri kuita kuti mamiriyoni evanhu pasi rese afarire mashoko akanaka. Vamwe vevanhu ava vanotora matanho vova vaKristu vechokwadi, asi vamwe havadaro. Ngirozi dzakapiwa basa ‘rekubvisa vakaipa pakati pevakarurama.’ Izvi zvinoreva kuti dzakapiwa basa rekuita kuti ungano irambe yakachena. Asi hazvirevi kuti munhu wese anorega kuwadzana nesu nekuda kwechikonzero chero chipi zvacho haazombofi akadzoka; uyewo hazvirevi kuti muungano hamuzombofi makava nematambudziko. Asi tinogona kuva nechokwadi chekuti ngirozi dziri kushanda nesimba kuti ungano irambe yakachena.
14-15. Tingatevedzera sei ngirozi toratidza kuti tinoda kuti ungano irambe yakachena? (Onawo mifananidzo.)
14 Tingatevedzera sei kuda kunoita ngirozi kuti ungano irambe yakachena? Tinoita izvi nekuita zvese zvatinogona kuti ungano irambe yakachena. Saka mumwe nemumwe wedu anofanira kuita zvese zvaanogona kuti achengetedze mwoyo wake nekusarudza shamwari dzakanaka uye nekutambira kure nechero chii zvacho chinogona kumusvibisa. (Pis. 101:3) Tinogonawo kubatsira vatinonamata navo kuti varambe vakatendeka kuna Jehovha. Semuenzaniso, tinofanira kuitei kana tikaziva kuti mumwe watinonamata naye akaita chivi chakakura? Sezvo tichimuda tichamukurudzira kuti ataure nevakuru. Kana akatadza kuita izvozvo, tinoudza vakuru nezvenyaya yacho. Tinoda kuti chero ani zvake anenge akanganisa ushamwari hwake naJehovha akurumidze kuwana rubatsiro!—Jak. 5:14, 15.
15 Asi vamwe vanoita zvivi zvakakura vanofanira kubviswa muungano. Pakadaro ‘tinorega kufambidzana’ navo.d (1 VaK. 5:9-13) Urongwa uhwu hunobatsira kuti ungano irambe yakachena. Uye patinosarudza kusawadzana nevaya vakabviswa muungano tinenge tichitovabatsira. Kuteerera mutemo waJehovha wekuti tisawadzane navo kunogona kuvabatsira kuti vaone kuti vanofanira kudzoka kuna Jehovha. Kana vakaita izvozvo tinofara pamwe chete naJehovha nengirozi dzake.—Ruka 15:7.
Tinofanira kuitei kana tikaziva kuti mumwe watinonamata naye akaita chivi chakakura? (Ona ndima 14)e
16. Uchatevedzera ngirozi munzira dzipi?
16 Iropafadzo yakakura kuti Jehovha akaita kuti tikwanise kudzidza nezvengirozi uye kuti tishande pamwe chete nadzo! Ngatitevedzerei unhu hwadzo hwakanaka hunoti: kuzvininipisa, kuda kwadzinoita vanhu, kutsungirira kwadzinoita uye kuda kwadzinoita kuti ungano irambe yakachena. Kana tikatevedzera ngirozi dzakatendeka isuwo tinogona kuva mumhuri yevanamati vaJehovha nekusingaperi.
RWIYO 123 Kutevedzera Urongwa hwaMwari Takavimbika
a Pamamiriyoni nemamiriyoni engirozi dziripo, panongova nembiri dzinotaurwa nemazita muBhaibheri dzinoti Mikaeri naGabrieri.—Dhan. 12:1; Ruka 1:19.
b Unogona kuwana dzimwe nyaya muWatch Tower Publications Index pasi pemusoro unoti “Angels” uye musoro mudiki unoti “angelic direction (examples).”
c Zita rakachinjwa.
d Sezvakatsanangurwa muMashoko Abva kuDare Rinotungamirira Nhamba 2 2024, kana munhu akabviswa muungano akauya kumusangano weungano, muparidzi anogona kushandisa hana yake yakadzidziswa neBhaibheri kusarudza kana achizomukwazisa uye kumugamuchira.
e KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Hanzvadzi inokurudzira shamwari yayo kuti itaure nevakuru. Pashure penguva yakati, hanzvadzi yacho painoona kuti shamwari yayo haina kuudza vakuru, inobva yavaudza iri iyo.