RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w25 June pp. 14-19
  • Zvininipise Uchibvuma Kuti Pane Zvimwe Zvinhu Zvausingazivi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvininipise Uchibvuma Kuti Pane Zvimwe Zvinhu Zvausingazivi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • HATIZIVI KUTI MUGUMO UCHAUYA RIINI
  • HATIZIVI KUTI JEHOVHA ACHATIBATSIRA SEI
  • HATIZIVI ZVICHAITIKA MANGWANA
  • HATIKWANISI KUNYATSONZWISISA KUTI JEHOVHA ANOTIZIVA ZVAKADII
  • Tingaita Sei Zvisarudzo Zvinoratidza Kuti Tinovimba naJehovha?
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2023
  • Yeuka Kuti Jehovha Ndiye “Mwari Mupenyu”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
  • Zvii Zvatinoziva Nezvematongerwo Achaitwa Vanhu naJehovha Mune Ramangwana?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
  • Dzidza Pamashoko Ekupedzisira Akataurwa Nevarume Vakatendeka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
w25 June pp. 14-19

NYAYA YEKUDZIDZA 26

RWIYO 123 Kutevedzera Urongwa hwaMwari Takavimbika

Zvininipise Uchibvuma Kuti Pane Zvimwe Zvinhu Zvausingazivi

“Hatikwanisi kunzwisisa Wemasimbaose.”—JOB. 37:23.

ZVATICHADZIDZA

Kunyange zvazvo tisingazivi zvese zvichaitika mune ramangwana, tinogona kutsungirira matambudziko atinosangana nawo, kana tikaisa pfungwa pane zvinhu zvatinoziva uye kana tikavimba naJehovha.

1. Jehovha akatisika tichikwanisa kuita sei, uye nei akadaro?

JEHOVHA akatisika tichikwanisa kufunga, kuramba tichidzidza, uye kushandisa zvatinenge tadzidza. Nei akatisika tichikwanisa kuita izvozvo? Anoda kuti tiwane “ruzivo pamusoro paMwari” uye kuti tishandise ruzivo irworwo kuita zvisarudzo zvakanaka patinenge tichimushumira.—Zvir. 2:​1-5; VaR. 12:1.

2. Zvii zvatinofanira kubvuma, uye zvakanakirei kuti tidaro? (Jobho 37:​23, 24) (Onawo mufananidzo.)

2 Kunyange zvazvo tichikwanisa kudzidza zvakawanda, tine zvizhinji zvatisingazivi. (Verenga Jobho 37:​23, 24.) Funga zvakaitika kuna Jobho. Jehovha akamubvunza mibvunzo yakawanda yakamubatsira kunzwisisa kuti akanga aine zvinhu zvakawanda zvaaisaziva. Zvakaitika izvi zvakaita kuti azvininipise uye agadzirise mafungiro ake. (Job. 42:​3-6) Nesuwo zvakanaka kuti tizvininipise tichibvuma kuti hatizivi zvese. Kuzvininipisa uku kunoita kuti tivimbe kuti Jehovha achaita kuti tizive zvatinofanira kuziva kuitira kuti tiite zvisarudzo zvakanaka.—Zvir. 2:6.

Jobho akatarisa kudenga Jehovha paari kutaura naye. Jobho ari kuvhenekerwa nechiedza chiri kubva kuna Jehovha. Erihu neshamwari nhatu dzaJobho dzenhema vakamira pedyo vachiona zviri kuitika.

Sezvakaita Jobho, tinobatsirwa nekubvuma kuti pane zvimwe zvinhu zvatisingazivi (Ona ndima 2)


3. Tichakurukurei munyaya ino?

3 Munyaya ino, tichakurukura kuti ndezvipi zvimwe zvinhu zvatisingazivi uye kuti kusaziva zvinhu izvozvo kungaita sei kuti dzimwe nguva upenyu hwedu huome. Tichaongororawo kuti kusaziva zvimwe zvinhu kwakanakirei. Kukurukura zvinhu izvi kuchatibatsira kuti tiwedzere kuvimba kuti Jehovha, uyo “ane ruzivo rwakakwana,” anotiudza zvatinofanira kuziva.—Job. 37:16.

HATIZIVI KUTI MUGUMO UCHAUYA RIINI

4. Maererano naMateu 24:​36, chii chatisingazivi?

4 Verenga Mateu 24:36. Hatizivi kuti mugumo wenyika ino uchauya riini. Kunyange Jesu paaiva panyika, aisaziva “zuva racho kana nguva yacho.”a Pava paya akazoudza vaapostora vake kuti Jehovha, uyo anoita zvinhu nenguva, ndiye ane kodzero yekusarudza kuti zvimwe zvinhu zvichaitika riini. (Mab. 1:​6, 7) Jehovha akaronga zuva richauya mugumo wenyika ino, asi isusu hatikwanisi kuziva kuti izvozvo zvichaitika riini.

5. Kusaziva kuti mugumo uchauya riini kunogona kuita kuti tinzwe sei?

5 Tichifunga zvakataurwa naJesu, hatizivi kuti tichafanira kumirira kwenguva yakareba sei kusvika mugumo wauya. Izvi zvinogona kuita kuti tione sekunge tanonokerwa kana kuti zvinogona kutotiodza mwoyo, kunyanya kana tava nemakore akawanda tichimirira zuva raJehovha. Kana kuti zvinogona kutotiomera kutsungirira patinosekwa nevemumhuri kana kuti vamwewo. (2 Pet. 3:​3, 4) Nemhaka yeizvi tinogona kutanga kufunga kuti kudai taiziva kuti mugumo uchauya riini, zvaizotiitira nyore kuti tive nemwoyo murefu uye titsungirire patinosekwa.

6. Nei zvakanaka kuti hatizivi kuti mugumo uchauya riini?

6 Nemhaka yekuti Jehovha haana kutiudza musi chaiwo uchauya mugumo, tine mukana wekuratidza kuti tinomushumira nekuti tinomuda uye tinovimba naye. Chido chedu hachisi chekungoti tishumire Jehovha kusvika pamugumo tobva tarega, asi tinoda kumushumira nekusingaperi. Saka pane kuti tiise pfungwa pakuti “zuva raJehovha” richauya riini, zvakanaka kuti tiise pfungwa pazvinhu zvakanaka zvichaitika kana zuva iroro rasvika. Izvi zvichatibatsira kuti tiwedzere kuzvipira kuna Mwari uye tiite zvese zvatinogona kuti timufadze.—2 Pet. 3:​11, 12.

7. Zvii zvatinoziva?

7 Zvinokosha kuti tiise pfungwa pane zvatinoziva. Tinoziva kuti mazuva ekupedzisira akatanga muna 1914. MuBhaibheri, Jehovha akatipa uprofita hunoratidza kuti mazuva ekupedzisira akatanga mugore iroro. Uye akatiudzawo zvinhu zvakawanda zvaizoitika panyika kutanga mugore iroro. Saka izvi zvinoita kuti tive nechokwadi chekuti “zuva guru raJehovha rava pedyo!” (Zef. 1:14) Tinozivawo kuti Jehovha akatipa basa rekuparidza “mashoko akanaka eUmambo” kuvanhu vakawanda vatinokwanisa. (Mat. 24:14) Mashoko iwayo ari kuparidzirwa munyika dzinosvika 240 uye mumitauro inopfuura 1 000. Hatifaniri hedu kuziva “zuva racho kana nguva yacho” kuitira kuti tikwanise kushingaira pakuita pabasa iri rinokosha.

HATIZIVI KUTI JEHOVHA ACHATIBATSIRA SEI

8. Mashoko ekuti “basa raMwari wechokwadi” anorevei? (Muparidzi 11:5)

8 Hapasi pese patinoziva “basa raMwari wechokwadi.” (Verenga Muparidzi 11:5.) Mashoko iwayo ekuti “basa raMwari wechokwadi” anoreva zvinhu zvinoitwa naJehovha kana kuti zvaanobvumira kuti zviitike kuti azadzise chinangwa chake. Hatikwanisi kunyatsoziva kuti nei dzimwe nguva Jehovha achibvumira zvimwe zvinhu kuti zviitike kana kuti zvii zvaachaita kuti atibatsire. (Pis. 37:5) Bhaibheri rinofananidza kusaziva kwedu basa raMwari wechokwadi nekusaziva kwedu makuriro anoita mwana mudumbu raamai vake. Kunyange masaindisti haasati ava kunyatsonzwisisa makuriro anoita mwana mudumbu raamai. Ndizvo zvazvakangoitawo nesu; hatinyatsozivi kuti Jehovha achatibatsira sei.

9. Kusaziva kuti Jehovha achatibatsira sei kunogona kuita kuti titange kufungei?

9 Kusaziva kuti Jehovha achatibatsira sei kunogona kuita kuti tizeze kuita zvimwe zvisarudzo zvingaita kuti tirasikirwe nezvimwe zvinhu muupenyu. Semuenzaniso, tinogona kuzeza kuita zvakawanda muushumiri kana kuti kutamira kunodiwa vaparidzi vakawanda. Kana kuti tinogona kunetseka kuti tichiri kufarirwa naMwari here paya patinotadza kuzadzisa zvinangwa zvedu pakunamata, kana kuti patinoshanda nesimba muushumiri asi totadza kuwana zvidzidzo zveBhaibheri, kana kuti patinosangana nematambudziko patinenge tichiita rimwe basa musangano raJehovha.

10. Kusaziva kwedu kuti Jehovha achatibatsira sei kwakanakirei?

10 Kusaziva kuti Jehovha achatibatsira sei kunototibatsira kuti tive neunhu hunokosha hwakadai sekuzvininipisa. Tinosvika pakunzwisisa kuti mafungiro uye nzira dzaJehovha zvakakwirira kupfuura zvedu. (Isa. 55:​8, 9) Tinodzidzawo kuvimba naJehovha tichiziva kuti ndiye achaita kuti tibudirire. Kana tikabudirira muushumiri kana kuti pane rimwe basa, tinorumbidza Jehovha, uye izvozvo zvakakodzera kuti tidaro. (Pis. 127:1; 1 VaK. 3:7) Kana zvinhu zvikasafamba sezvatinenge tichitarisira, tinofanira kuyeuka kuti nyaya yacho iri mumaoko aJehovha. (Isa. 26:12) Saka tinoita zvatinenge tichifanira kuita, toramba tichivimba kuti Jehovha achatibatsira. Tine chivimbo chekuti Jehovha acharamba achititungamirira, kunyange zvazvo angasaita chishamiso sezvaaimboita kare.—Mab. 16:​6-10.

11. Zvii zvatinoziva zvinogona kutibatsira?

11 Tinoziva kuti nguva dzese Jehovha anoratidza rudo, anoita zvakarurama, uye akachenjera. Tinoziva kuti Jehovha anokoshesa chaizvo zvatinomuitira uye zvatinoitira vaya vatinonamata navo. Uye tinoziva kuti Jehovha haazomboregi kupa mubayiro vaya vakavimbika kwaari.—VaH. 11:6.

HATIZIVI ZVICHAITIKA MANGWANA

12. Maererano naJakobho 4:​13, 14, zvii zvatisingazivi?

12 Verenga Jakobho 4:​13, 14. Chokwadi chatisingafaniri kukanganwa ndechekuti hatizivi kuti upenyu hwedu huchange hwakadii mangwana. Munyika ino tinosangana ‘nezvinhu zvatisingatarisiri panguva yatisingafungiri.’ (Mup. 9:11) Saka hatikwanisi kuziva kuti zvirongwa zvedu zvichabudirira here kana kuti tichange tiri vapenyu here kuti tiite zvacho zvatinenge takaronga.

13. Kusaziva zvichaitika mune ramangwana kunogona kutikanganisa sei?

13 Kusaziva kuti zvinhu zvichatifambira sei mune ramangwana kunogona kuita kuti zvitiomere kutsungirira. Nei tichidaro? Nekuti tinogona kunetseka pamusoro pezvinhu zvingangoitika, uye izvozvo zvinogona kuita kuti tipedzisire tisisafare. Upenyu hwedu hunogona kungoerekana hwachinja tisingatarisiri kana kuti zvimwe zvinhu zvakaipa zvinogona kungoerekana zvaitika. Zvinhu izvozvo zvinogona kuita kuti tisuwe zvikuru uye tinetseke. Uye kana zvinhu zvatinenge tichitarisira zvikasaitika, tinogona kuora mwoyo kana kupera simba.—Zvir. 13:12.

14. Mufaro wedu unobva pai? (Onawo mifananidzo.)

14 Patinotsungirira matambudziko, tinenge tichiratidza kuti pasinei nezvinoitika kwatiri, tinonamata Baba vedu vekudenga nekuti tinovada, kwete nekuti pane zvatiri kuda kwavari. Nyaya dziri muBhaibheri dzinoratidza kuti hatifaniri kutarisira kuti Jehovha achatidzivirira pamatambudziko ese atinosangana nawo uye kuti haarongi zvinhu zvinozoitika muupenyu hwedu. Anoziva kuti mufaro wedu haubvi pakuziva kuti zvii zvichaitika mune ramangwana. Asi unobva pakubvuma kutungamirirwa naye uye kumuteerera. (Jer. 10:23) Kana tikabvuma kutungamirirwa naye patinoita zvisarudzo, tinenge tichiita setiri kuti: “Kana Jehovha achida, tichararama toita ichi kana icho.”—Jak. 4:15.

Mifananidzo: 1. Baba nemwanakomana wavo vachiisa zvinhu mubhegi. Vari kuisa Bhaibheri nezvimwe zvinhu zvavangazoda kushandisa. 2. Baba vaya nemwanakomana wavo nemudzimai wavo vari mutende mvura ichinaya. Vari kushandisa zvinhu zvavanga vakarongedza mubhegi ravo.

Kutsvaga kutungamirirwa naJehovha uye kumuteerera kunotidzivirira (Ona ndima 14-15)b


15. Zvii zvatinoziva nezveramangwana?

15 Kunyange zvazvo tisingakwanisi kuziva zvichaitika mangwana, tinoziva kuti Jehovha akavimbisa kutipa upenyu husingaperi, kungava kudenga kana kuti panyika. Tinoziva kuti Mwari haagoni kureva nhema uye kuti hapana chinomutadzisa kuzadzisa zvese zvaakavimbisa. (Tito 1:2) Iye ega ndiye anogona ‘kutaura zvichaitika pakupedzisira, uye kubvira kare kare zvinhu zvisati zvaitwa.’ Akazadzisa zvinhu zvaakataura kare, uye achazadzisa zvinhu zvaakataura kuti zvichaitika mune ramangwana. (Isa. 46:10) Tinoziva kuti hapana chinotadzisa Jehovha kuti arambe achitida. (VaR. 8:​35-39) Achatipa uchenjeri, achatinyaradza uye achatipa simba rekuti titsungirire chero chatingasangana nacho. Tinogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha achatibatsira uye achatikomborera.—Jer. 17:​7, 8.

HATIKWANISI KUNYATSONZWISISA KUTI JEHOVHA ANOTIZIVA ZVAKADII

16. Sezvinotaurwa pana Pisarema 139:​1-6, zvii zvinozivikanwa naJehovha zvatisingakwanisi kunzwisisa?

16 Verenga Pisarema 139:​1-6. Musiki wedu anoziva zvese pamusoro pedu. Anoziva kuti nei tiine mafungiro atiinawo uye manzwiro atiinawo. Anoziva zvese zvatinotaura uye zvinhu zviri mumwoyo medu. Anozivawo zvese zvatinoita uye kuti nei tichizviita. Zvakataurwa naMambo Dhavhidhi zvinoratidza kuti Jehovha anokwanisa kutibatsira uye anogara akagadzirira kutibatsira. Zvinobaya mwoyo chaizvo kuziva kuti Changamire Ishe wezvinhu zvese, Musiki wedenga nenyika ane hanya nesu zvakadaro! Ndosaka Dhavhidhi akataura kuti: “Ruzivo rwakadaro runondishamisa. Rwakanyanya kukwirira zvekuti handigoni kurunzwisisa.”—Pis. 139:​6, mashoko emuzasi.

17. Nei zvingatiomera kubvuma kuti Jehovha anonyatsotiziva?

17 Pamwe nemhaka yemakuriro atakaita, tsika dzedu, kana kuti zvataimbotenda kare, zvinogona kutiomera kuona Jehovha saBaba vane rudo uye vane hanya nesu. Kana kuti tinogona kuva nemafungiro aimbovawo naDhavhidhi ekuti zvikanganiso zvatakaita zvakanyanya kukura zvekuti Jehovha haangambova neshungu dzekuda kutiziva uye kuti ari kure nesu. (Pis. 38:​18, 21) Kana kuti munhu anenge ari kuedza nemwoyo wese kuchinja mararamiro ake kuitira kuti ararame achitevedzera mitemo yaMwari anogona kufunga kuti, ‘Kana Mwari achinyatsondinzwisisa, nei achinditarisira kuti ndichinje zvandiri?’

18. Zvakanakirei kubvuma kuti Jehovha anotiziva kupfuura zvatinozviita? (Onawo mifananidzo.)

18 Zvinoita kuti tisvike pakubvuma kuti Jehovha anotiziva kupfuura zvatinozviita uye kuti anoona zvakanaka zviri matiri zvatisingakwanisi kuona. Anoona zvatinokanganisa asi anoziva kuti tine chido chekuva vanhu vakaita sei uye anotida. (VaR. 7:15) Kana tikaziva kuti nguva dzese Jehovha anoona kuti tinokwanisa kuzova vanhu vakaita sei, zvinotipa simba rekuti timushumire takatendeka uye tichifara.

Mifananidzo: 1. Hama yakaora mwoyo iri kutarisa panze nepahwindo kunze kwakakwidibira uye kuchinaya. 2. Hama yacho yava muParadhiso ichifamba nemumakomo neshamwari dzayo vachinakidzwa nezvavari kuona.

Jehovha anotibatsira kusimbisa kutenda kwedu muvimbiso yekuti tichawana upenyu hwakanaka. Paanodaro anenge ari kutotibatsira kuti titsungirire matambudziko anouya tisingatarisiri (Ona ndima 18-19)c


19. Zvii zvatinoziva nezvaJehovha?

19 Tinoziva kuti Jehovha rudo. Tinonyatsobvuma izvozvo nemwoyo wese. (1 Joh. 4:8) Tinoziva kuti mitemo yake yakarurama inoratidza kuti anotida uye kuti nguva dzese anoda kuti zvinhu zvitifambire zvakanaka. Tinoziva kuti Jehovha anoda kuti tiwane upenyu husingaperi. Akatipa rudzikinuro kuti izvozvo zviitike. Chipo cherudzikinuro chinoita kuti tive nechokwadi chekuti tichabudirira pasinei nekukanganisa kwatinoita. (VaR. 7:​24, 25) Uye tinoziva kuti “Mwari mukuru kupfuura mwoyo yedu uye anoziva zvinhu zvese.” (1 Joh. 3:​19, 20) Jehovha anoziva zvese pamusoro pedu uye ane chivimbo chekuti tinokwanisa kubudirira pakuita kuda kwake.

20. Chii chichatibatsira kuti tisazvidye mwoyo pamusoro pezvinhu zvatisingazivi?

20 Jehovha haana kutivanzira zvinhu zvatinofanira kuziva. Kana tikazvininipisa tichibvuma chokwadi ichocho, zvichatibatsira kuti tisazvidye mwoyo pamusoro pezvinhu zvatisingazivi, toisa pfungwa pazvinhu chaizvo zvinokosha. Kana tikadaro, tinenge tichiratidza kuti tinonyatsovimba naJehovha, “uyo ane ruzivo rwakakwana.” (Job. 36:4) Kunyange zvazvo tisinganzwisise zvese iye zvino, tinotarisira kuzorarama nekusingaperi tichidzidziswa zvinhu zvitsva naMwari wedu Mukuru uye kudzidza zvinhu zvitsva nezvake.—Mup. 3:11.

TINOBATSIRWA SEI NEKUBVUMA KUTI HATIZIVI . . .

  • kuti mugumo uchauya riini?

  • zvichaitika mangwana?

  • kuti Jehovha anotiziva zvakadii?

RWIYO 104 Chipo chaMwari cheMweya Mutsvene

a Jesu ndiye achange achitungamirira pahondo yekurwisa nyika yaSatani yakaipa, saka zvine musoro kuti titi iye zvino ava kuziva musi uchauya Amagedhoni uye kuti ndiriini ‘paachapedzisa kukunda kwake.’—Zvak. 6:2; 19:​11-16.

b KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Baba nemwanakomana wavo vari kurongedza bhegi rine zvinhu zvekuzoshandisa kana paitika njodzi.

c KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hama iri kusangana nematambudziko iri kufunga nezveupenyu hwakanaka hwainogona kuva nahwo munyika itsva.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe