RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w25 June pp. 20-25
  • Batsira Mudzidzi Wako weBhaibheri Kuti Asarudze Kushumira Jehovha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Batsira Mudzidzi Wako weBhaibheri Kuti Asarudze Kushumira Jehovha
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • BATSIRA MUDZIDZI WAKO KUZIVA ZVIRI KUMUTADZISA KUFAMBIRA MBERI
  • BATSIRA MUDZIDZI WAKO KUTI AWEDZERE KUDA JEHOVHA
  • BATSIRA MUDZIDZI WAKO KUTI AISE ZVEKUNAMATA PEKUTANGA
  • BATSIRA MUDZIDZI WAKO KUTI AZIVE ZVEKUITA PAANOPIKISWA
  • RATIDZA KUTI UNOVIMBA NEMUDZIDZI WAKO
  • Batsira Vadzidzi Vako veBhaibheri Kuti Vabhabhatidzwe
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
  • Kubatsira Mudzidzi weBhaibheri Kusvikira Abhabhatidzwa—Chikamu 2
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
  • Kubatsira Mudzidzi weBhaibheri Kusvikira Abhabhatidzwa—Chikamu 1
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
  • ‘Endai Munoita Kuti Vanhu Vave Vadzidzi’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
w25 June pp. 20-25

NYAYA YEKUDZIDZA 27

RWIYO 79 Vadzidzisei Kumira Vakasimba

Batsira Mudzidzi Wako weBhaibheri Kuti Asarudze Kushumira Jehovha

“Rambai makamuka . . . Ivai nesimba.”—1 VAK. 16:13.

ZVATICHADZIDZA

Tichadzidza kuti tingabatsira sei vadzidzi veBhaibheri kuti vave nekutenda uye ushingi hunodiwa kuti vakwanise kushumira Jehovha.

1-2. (a) Nei vamwe vadzidzi veBhaibheri vachizeza kusarudza kushumira Jehovha? (b) Tichadzidzei munyaya ino?

WAIMBOZEZA here kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha? Pamwe waitya kuti vanhu vaunoshanda navo, shamwari dzako kana kuti vemumhuri mako vaizokupikisa. Kana kuti pamwe waifunga kuti hauzombofa wakakwanisa kurarama uchitevedzera zvinodiwa naMwari. Kana ari iwo manzwiro awaiita, unogona kunzwisisa vadzidzi veBhaibheri vanoita sekuti vari kuzeza kusarudza kushumira Jehovha.

2 Jesu aiziva kuti zvinhu izvozvo zvinogona kutadzisa munhu kuti afambire mberi pakunamata. (Mat. 13:​20-22) Asi haana kukanda mapfumo pasi pakuedza kubatsira vaya vaizeza kumutevera. Akatiratidza nezvaaiita kuti tinogona sei kubatsira vanhu vakadaro (1) kuti vazive zvinhu zvinogona kuvatadzisa kufambira mberi, (2) kuti vawedzere kuda Jehovha, (3) kuti vaise zvekunamata pekutanga, uye (4) kuti vazive zvavangaita pavanenge vachipikiswa. Tingatevedzera sei madzidzisiro aiita Jesu patinenge tichishandisa bhuku raRarama Nekusingaperi Uchifara! kubatsira vadzidzi kuti vasarudze kushumira Jehovha?

BATSIRA MUDZIDZI WAKO KUZIVA ZVIRI KUMUTADZISA KUFAMBIRA MBERI

3. Zvii zvaigona kunge zvaitadzisa Nikodhimo kuti ave mudzidzi waJesu?

3 Nikodhimo, uyo aiva mutungamiriri wevaJudha akakurumbira, aiva nedambudziko raigona kumutadzisa kuva mudzidzi waJesu. Pashure pemwedzi 6 Jesu atanga ushumiri hwake, Nikodhimo akaona kuti Jesu aiva mumiririri waMwari. (Joh. 3:​1, 2) Asi Nikodhimo akasarudza kuonana naJesu usiku ‘nekuti aitya vaJudha.’ (Joh. 7:13; 12:42) Anogona kunge akafunga kuti aizorasikirwa nezvinhu zvakawanda kana akasarudza kuva mudzidzi waJesu.a

4. Jesu akabatsira sei Nikodhimo kuti anzwisise zvaaitarisirwa naMwari kuti aite?

4 Nikodhimo aiziva mutemo, asi aifanira kubatsirwa kuti anzwisise zvaaitarisirwa naJehovha kuti aite. Jesu akamubatsira sei? Jesu akamuwanira nguva, uye akatoonana naye usiku. Uyewo Jesu akanyatsotsanangurira Nikodhimo zvaaifanira kuita kuti akwanise kuva mudzidzi. Akamuudza kuti aifanira kupfidza zvivi zvake, kubhabhatidzwa mumvura uye kuratidza kutenda muMwanakomana waMwari.—Joh. 3:​5, 14-21.

5. Tingabatsira sei mudzidzi weBhaibheri kuti aone paari kufanira kugadzirisa kuitira kuti afambire mberi?

5 Kunyange kana mudzidzi weBhaibheri achinzwisisa Magwaro, anogona kunge ari kuda kubatsirwa kuti aone pari kumutadzisa kufambira mberi. Anogona kunge ari kutadziswa kuzadzisa zvinangwa zvake zvekunamata nemhaka yebasa rake kana kuti kupikiswa nevemumhuri. Saka wanira mudzidzi wako nguva. Unogona kumukoka kuti mumbotandara mese muchitaura nyaya. Mumamiriro ezvinhu akadaro, unogona kumubatsira kuti anyatsobuda pachena achitaura zviri kumutadzisa kufambira mberi. Kurudzira mudzidzi wako kuti agadzirise paari kufanira kugadzirisa aine chinangwa chekufadza Jehovha, kwete chekufadza iwewe.

6. Ungabatsira sei mudzidzi wako kuti ave nechivimbo chekushandisa zvaanenge achidzidza? (1 VaKorinde 16:13)

6 Kana mudzidzi weBhaibheri aine chivimbo chekuti Jehovha achamubatsira kurarama achitevedzera zvinotaurwa neBhaibheri, zvinoita kuti ave nesimba rekushandisa zvaanenge achidzidza. (Verenga 1 VaKorinde 16:13.) Basa rako semudzidzisi rakafanana neremudzidzisi wekuchikoro. Chimbofunga zvaiitika pawakanga uchiri kuchikoro. Wainyanya kufarira mudzidzisi akaita sei? Pamwe unogona kunge waifarira uya aiva nemwoyo murefu achikubatsira kuti uve nechivimbo chekuti unokwanisa kubudirira. Ndizvo zvazvakaitawo nebasa rekudzidzisa Bhaibheri. Mudzidzisi akanaka anodzidzisa mudzidzi wake zvinodiwa naMwari uye anoita kuti mudzidzi ave nechivimbo chekuti Jehovha achamubatsira kugadzirisa paanenge achifanira kuchinja muupenyu hwake. Ungava sei mudzidzisi akanaka kudaro?

BATSIRA MUDZIDZI WAKO KUTI AWEDZERE KUDA JEHOVHA

7. Jesu akabatsira sei vaya vaimuteerera kuti vawedzere kuda kwavaiita Jehovha?

7 Jesu aiziva kuti kuda Mwari ndiko kwaizoita kuti vadzidzi vake vashandise zvavaidzidza. Aigara achivadzidzisa zvinhu zvaivabatsira kuti vawedzere kuda kwavaiita Baba vavo vekudenga. Pane imwe nguva Jesu akafananidza Jehovha nababa vanopa vana vavo zvipo zvakanaka. (Mat. 7:​9-11) Vamwe vanhu vaiteerera Jesu vanogona kunge vasina kurerwa nababa vaiva nerudo. Saka fungidzira kuti vanofanira kunge vakanzwa sei Jesu paakataura mufananidzo wababa vane tsitsi vakagamuchira mwanakomana wavo akanga arasika. Vakanyatsoona kuti Jehovha anoda vana vake vari panyika.—Ruka 15:​20-24.

8. Ungabatsira sei mudzidzi weBhaibheri kuti awedzere kuda Jehovha?

8 Newewo unogona kubatsira mudzidzi weBhaibheri kuti awedzere kuda kwaanoita Jehovha nekugara uchitaura nezvekunaka kwaMwari. Pachidzidzo chega chega, mubatsire kuti aone kuti zvaari kudzidza zvinoratidza sei kuti Jehovha anotida. Pamunenge muchidzidza nezverudzikinuro, mubatsire kuona kuti runoshanda sei kwaari. (VaR. 5:8; 1 Joh. 4:10) Mudzidzi weBhaibheri paanonzwisisa nezvekudzama kwerudo rwaJehovha, zvinogona kumubatsira kuti iye pachake atowedzera kuda Jehovha.—VaG. 2:20.

9. Chii chakabatsira mumwe murume anonzi Michael kuti achinje mararamiro ake?

9 Funga zvakaitika kuna Michael, uyo anobva kuIndonesia. Akakurira mumhuri yeZvapupu asi haana kumbobvira abhabhatidzwa. Paaiva nemakore 18, akaenda kunoshanda kune imwe nyika achiita basa rekutyaira marori. Akazoroora, asi mhuri yake yakaramba ichigara kuIndonesia iye achigara kune imwe nyika. Mudzimai wake nemwanasikana wake vakatanga kudzidza Bhaibheri uye vakatanga kufambira mberi. Pashure pekunge amai vake vafa, Michael akasarudza kudzokera kumba kunochengeta baba vake uye akabvuma kudzidza Bhaibheri. Paaidzidza chikamu chakanzi “Wedzera Kuongorora” muchidzidzo 27 chebhuku raRarama Nekusingaperi Uchifara!, Michael akabayiwa mwoyo nezvaakadzidza. Paaidzamisa pfungwa achifunga nezvekuti Jehovha anofanira kunge akanzwa sei Mwanakomana wake paaitambura, Michael akabva atanga kuchema. Akawedzera kukoshesa rudzikinuro uye izvi zvakaita kuti achinje mararamiro ake, ndokubva abhabhatidzwa.

BATSIRA MUDZIDZI WAKO KUTI AISE ZVEKUNAMATA PEKUTANGA

10. Jesu akabatsira sei vadzidzi vake kuti vaise zvekunamata pekutanga? (Ruka 5:​5-11) (Onawo mufananidzo.)

10 Vamwe vanhu vakaparidzirwa naJesu vakabva vangoziva kuti Jesu aiva Mesiya, asi vaida kubatsirwa kuti vaise ushumiri pekutanga muupenyu hwavo. Petro naAndreya vakanga vatova vadzidzi kwekanguva Jesu paakavakoka kuti vamutevere. (Mat. 4:​18, 19) Vaiva nebhizinesi raibudirira rekubata hove, uye zvinoita sekuti vaishanda pamwe chete naJakobho naJohani. (Mako 1:​16-20) Petro naAndreya ‘pavakasiya mambure avo,’ vanofanira kunge vakabva vaita urongwa hwekuti mhuri yavo iwane chekurarama nacho, ivo vachitevera Jesu. Chii chakavabatsira kuti vatange kuisa zvekunamata pekutanga? Nyaya iri mubhuku raRuka inotiudza kuti Jesu akaita chishamiso chakasimbisa kutenda kwavo kuti Jehovha aizovapa zvavanoda pakurarama.—Verenga Ruka 5:​5-11.

Varedzi vehove vaviri vachisiya chikepe chavo Jesu paanovadaidza kuti vamutevere. Vamwe vavairaura navo hove vanoramba vari muchikepe chacho vachigadzira mambure avo.

Tinodzidzei pane zvakaitwa naJesu kuti abatsire vadzidzi vake kuisa Jehovha pekutanga muupenyu hwavo? (Ona ndima 10)b


11. Ungashandisa sei zvinhu zvakaitika kwauri kuti usimbise kutenda kwemudzidzi wako?

11 Hatikwanisi kuita zvishamiso sezvakaitwa naJesu, asi tinogona kuudza vadzidzi vedu veBhaibheri zvinhu zvakaitika zvinoratidza kuti Jehovha anotsigira vaya vanomuisa pekutanga muupenyu hwavo. Chimbofunga kuti Jehovha akakubatsira sei pawakatanga kupinda misangano. Pamwe waifanira kuenda kunotaura nemunhu waunoshandira womutsanangurira kuti wakanga usisiri kukwanisa kushanda ovhataimu kana izvozvo zvaizokukanganisa kupinda misangano. Paunoudza mudzidzi wako weBhaibheri zvinhu zvakaitika kwauri, mutsanangurire kuti Jehovha akakubatsira sei pawakatanga kuisa zvinhu zvekunamata pekutanga muupenyu uye kuti izvozvo zvakasimbisa sei kutenda kwako.

12. (a) Nei tichifanira kuenda nevaparidzi vakasiyana-siyana kuchidzidzo chedu cheBhaibheri? (b) Ungashandisa sei mavhidhiyo kuti ubatsire mudzidzi wako kuisa Jehovha pekutanga? Taura muenzaniso.

12 Mudzidzi wako achabatsirwawo kana akanzwa zvakaitwa nevamwe vaKristu kuti vatange kuisa zvekunamata pekutanga muupenyu hwavo. Saka enda nevaKristu vakasiyana-siyana kuchidzidzo chako cheBhaibheri. Vakumbire kuti vataure kuti vakawana sei chokwadi uye kuti zvii zvavaifanira kuchinja kuti vatange kuisa Jehovha pekutanga muupenyu hwavo. Uyewo, wanai nguva yekuona mavhidhiyo ari pachikamu chakanzi “Wedzera Kuongorora” kana kuti ari pachikamu chakanzi “Wedzera Pane Zvawadzidza” ari mubhuku raRarama Nekusingaperi Uchifara! Ngatitii uri pachidzidzo 37, uye mapedza kuona vhidhiyo yakanzi Jehovha Achatipa Zvatinoda Pakurarama. Kurukurai zviri muvhidhiyo yacho, wobatsira mudzidzi wako kuti aone kuti Jehovha achamubatsira sei kana akamuisa pekutanga muupenyu.

BATSIRA MUDZIDZI WAKO KUTI AZIVE ZVEKUITA PAANOPIKISWA

13. Jesu akabatsira sei vadzidzi vake kuti vazive zvekuita pavaizopikiswa?

13 Jesu aigara achiudza vateveri vake kuti vaizopikiswa, kunyange nehama dzavo. (Mat. 5:11; 10:​22, 36) Paakanga ava kupedza ushumiri hwake, akayambira vadzidzi vake kuti vaigona kuzourayiwa. (Mat. 24:9; Joh. 15:20; 16:2) Akavakurudzira kuti vangwarire pavanenge vachiita ushumiri. Akavaudza kuti vaisafanira kunetsana nevanhu vanenge vachivapikisa asi vaifanira kungwarira kuti varambe vachiita basa rekuparidza.

14. Tingabatsira sei mudzidzi kuti agadzirire kuzopikiswa? (2 Timoti 3:12)

14 Tinogona kubatsira mudzidzi kugadzirira kupikiswa nekumutsanangurira zvinogona kuitwa nevanhu vaanoshanda navo, shamwari dzake, kana kuti hama dzake. (Verenga 2 Timoti 3:12.) Vamwe vanhu vaanoshanda navo vanogona kumuseka nemhaka yemararamiro aanenge ava kuita. Vamwe, kunyange hama dzake, vanogona kutomushora nemhaka yezvaanenge ava kutenda zvinobva muBhaibheri. Kana tikakurumidza kubatsira vadzidzi vedu kuti vagadzirire kupikiswa, zvichavabatsira kuziva zvekuita pavanozopikiswa.

15. Chii chinogona kubatsira mudzidzi weBhaibheri paanenge achipikiswa nevemumhuri?

15 Panyaya yekupikiswa nevemumhuri, batsira mudzidzi wako kuti aone kuti nei hama dzake dzisiri kufara nekuti ari kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Pamwe hama dzake dzinogona kunge dziri kufunga kuti ari kunyeperwa, kana kuti dzinogona kunge dzisingangofarire Zvapupu zvaJehovha. Kunyange hama dzaJesu dzaisafara nezvaaiita. (Mako 3:21; Joh. 7:5) Batsira mudzidzi wako kuti ave nemwoyo murefu uye ataure nevamwe zvakanaka, kusanganisira hama dzake.

16. Ungabatsira sei mudzidzi weBhaibheri kuti audze vamwe zvaanotenda nekungwarira?

16 Kunyange kana hama dzake dzikaratidza kuti dzinoda kukurukura naye nezveBhaibheri, mudzidzi anofanira kungwarira kuti asabva ataura zvinhu zvakawandisa panguva imwe chete. Kana akadaro, hama dzake dzinogona kupedzisira dzisisina chido chekukurukura naye nezveBhaibheri. Saka kurudzira mudzidzi wako kuti audze vamwe zvaanotenda asi achisiya mukana wekuti vazokurukura zvakare pane imwe nguva. (VaK. 4:6) Pamwe anogona kuvakurudzira kuti vaende pajw.org. Izvi zvichavabatsira kuti vadzidze pamusoro peZvapupu zvaJehovha zvishoma nezvishoma.

17. Ungabatsira sei mudzidzi kuti agare akagadzirira paanobvunzwa mibvunzo pamusoro peZvapupu zvaJehovha? (Onawo mufananidzo.)

17 Unogona kushandisa chikamu chiri pajw.org chakanzi, “Mibvunzo Inonyanya Kubvunzwa” kuti ubatsire mudzidzi wako kugadzirira mhinduro dziri nyore dzemibvunzo yaanogona kubvunzwa nehama dzake kana kuti nevaanoshanda navo. (2 Tim. 2:​24, 25) Panopera chidzidzo chega chega, kurukurai chikamu chakanzi “Vamwe Vanoti” chiri mubhuku raRarama Nekusingaperi Uchifara! Kurudzira mudzidzi wako kuti adzidzire kupindura zvichibva pamwoyo. Usazeza kumuudza paanenge achifanira kugadzirisa pamapinduriro ake. Kuita izvi kuchabatsira mudzidzi kuti akwanise kutsanangura aine chivimbo paanobvunzwa pamusoro pezvaanotenda.

Pachidzidzo cheBhaibheri, hanzvadzi ichibatsira mudzidzi wayo kugadzirira zvekuzoita muushumiri. Mudzidzi wacho ari kudzidzira kuparidza achishandisa turakiti rinonzi “Tingawanepi Mhinduro Dzemibvunzo Mikuru Muupenyu?”

Paunenge uchidzidza Bhaibheri nemudzidzi wako, mudzidzise zvaangaita kuti audze vamwe zvaanotenda (Ona ndima 17)c


18. Ungakurudzira sei mudzidzi wako kuti akwanise kuparidza neungano? (Mateu 10:27)

18 Jesu akakurudzira vadzidzi vake kuti vazivise pachena mashoko akanaka. (Verenga Mateu 10:27.) Kana mudzidzi akatanga kuparidza neungano, achaona kubatsirwa kwaanoitwa naJehovha uye zvichaita kuti awedzere kuvimba naye. Ungabatsira sei mudzidzi wako kuti ave nechinangwa ichi? Panopiwa chiziviso chekuti pachava nemushandirapamwe wekuparidza, wakadai sewekukoka vanhu kuChirangaridzo kana kuti kugungano, kurudzira mudzidzi wako kuti aone kuti zvii zvaangaite kuti azokodzera kuparidza neungano. Muudze kuti kazhinji zviri nyore kuparidzira pamishandirapamwe iyi. Uyewo unogona kukurudzira mudzidzi wako kuti ave nechinangwa chekupa hurukuro pamusangano wepakati pevhiki, kuitira kuti akwanise kudzidziswa kutsanangurira vamwe zvaanotenda.

RATIDZA KUTI UNOVIMBA NEMUDZIDZI WAKO

19. Jesu akaratidza sei kuti aivimba nevadzidzi vake, uye tingamutevedzera sei?

19 Jesu asati adzokera kudenga, akaudza vadzidzi vake kuti vaizobatana naye. Havana kunzwisisa kuti Jesu aitaura kuti naivowo vaizoenda kudenga. Asi Jesu akaramba akaisa pfungwa pakuvimbika kwavo kwete pazvinhu zvavakanga vasinganzwisisi. (Joh. 14:​1-5, 8) Aiziva kuti vaida nguva yekuti vanzwisise zvimwe zvinhu zvakadai senyaya yekuenda kudenga. (Joh. 16:12) Nesuwo tinogona kuratidza kuti tinovimba kuti mudzidzi wedu anoda kufadza Jehovha.

Kana mudzidzi akatanga kuparidza neungano, achaona kubatsirwa kwaanoitwa naJehovha, uye zvichaita kuti awedzere kuvimba naye

20. Imwe hanzvadzi yekuMalawi yakaratidza sei kuti yaivimba kuti mudzidzi wayo aizochinja?

20 Tinoramba tiine tariro yekuti mudzidzi wedu anoda kuita zvakanaka. Chimbofunga zvakaitika kune imwe hanzvadzi yekuMalawi inonzi Chifundo. Chifundo akatanga kudzidza bhuku raRarama Nekusingaperi Uchifara! nemumwe mukadzi aipinda chechi yeRoma ainzi Alinafe. Pavakanga vapedza kudzidza chidzidzo 14, Chifundo akabvunza mudzidzi wake kuti aiona sei nyaya yekushandisa zvifananidzo pakunamata. Alinafe akatsamwa, ndokupindura kuti, “Ndinogona kusarudza kushandisa zvifananidzo kana ndichida!” Pashure paizvozvo, Chifundo akatanga kunetseka kuti Alinafe akanga achiri kuda kuramba achidzidza here. Asi akaramba achidzidza naAlinafe aine tariro yekuti rimwe zuva aizonzwisisa pfungwa yacho. Pashure pemwedzi mishomanana, Chifundo akabvunza Alinafe mubvunzo uri pachidzidzo 34 wekuti: “Kusvika pawava iye zvino, kudzidza Bhaibheri uye kudzidza nezvaMwari wechokwadi Jehovha kwakubatsira sei?” Achitsanangura kuti Alinafe akapindura sei mubvunzo uyu, Chifundo akati: “Akataura zvinhu zvakawanda zvaakadzidza, uye chimwe chacho chaiva chekuti Zvapupu zvaJehovha hazviite zvinhu zvinorambidzwa neBhaibheri.” Pashure paizvozvo, Alinafe akaregedza kushandisa zvifananidzo uye akabva abhabhatidzwa.

21. Tingabatsira sei mudzidzi kuti asvike pakushumira Jehovha?

21 Kunyange zvazvo Jehovha ari iye “anoita kuti zvikure,” isu tine basa rekubatsira mudzidzi kuti afambire mberi. (1 VaK. 3:7) Hatingogumiri pakumudzidzisa zvaanotarisirwa naMwari kuti aite. Asi tinomubatsira kuti awedzere kuda Jehovha. Tinomukurudzira kuti aratidze kuti anoda Jehovha kuburikidza nekuita kuti Jehovha ave pekutanga muupenyu hwake. Uye tinomudzidzisa kuti avimbe naJehovha paanopikiswa. Kana tikaratidza kuti tinovimba naye, zvichaita kuti ave nechivimbo chekuti iyewo anokwanisa kurarama achitevedzera zvinodiwa naJehovha, osarudza kumushumira.

TINGABATSIRA SEI MUDZIDZI WEBHAIBHERI KUTI . . .

  • azive zviri kumutadzisa kufambira mberi?

  • awedzere kuda Jehovha?

  • aise zvekunamata pekutanga?

RWIYO 55 Musavatye!

a Pashure pemakore maviri nehafu Nikodhimo aonana naJesu, Nikodhimo akanga achiri mumwe wevaya vakanga vari mudare revaJudha. (Joh. 7:​45-52) Vamwe vanoti Nikodhimo akazova mudzidzi waJesu pashure pekunge Jesu afa.—Joh. 19:​38-40.

b KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Petro nevamwe vabati vehove vakasiya bhizinesi ravo rekubata hove kuitira kuti vatevere Jesu.

c KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Imwe hanzvadzi ichibatsira mudzidzi wayo weBhaibheri kuti agadzirire kuita basa rekuparidza.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe