RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w25 August pp. 20-25
  • Ungakunda Sei Miedzo Yekuda Kuita Zvakaipa?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ungakunda Sei Miedzo Yekuda Kuita Zvakaipa?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • SATANI ANODA KUTI TIFUNGEI?
  • KUBEREKWA KWATINOITWA TIINE CHIVI KUNOGONA KUITA KUTI TIFUNGEI?
  • ZVAUNOFANIRA KUITA
  • GARA UCHIZVIONGORORA
  • Ramba Uchingwarira Muedzo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
  • ‘Ramba Uchitevera’ Jesu Pashure Pekubhabhatidzwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
  • Zvakaitwa naJehovha Kuti Anunure Vanhu Pachivi Nerufu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
  • Tingaita Sei Zvisarudzo Zvinoratidza Kuti Tinovimba naJehovha?
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2023
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
w25 August pp. 20-25

NYAYA YEKUDZIDZA 35

RWIYO 121 Tinofanira Kuzvidzora

Ungakunda Sei Miedzo Yekuda Kuita Zvakaipa?

“Musarega chivi chichiramba chichikutongai samambo mumiviri yenyu inofa kuti muteerere kuchiva kwayo.”—VAR. 6:12.

ZVATICHADZIDZA

Tichadzidza zvatingaita kuti (1) tisaora mwoyo patinonzwa tichida kuita zvakaipa uyewo (2) zvinhu zvichatibatsira kuti tisakundwa nemiedzo yekuda kuita zvakaipa.

1. Tese zvedu tinombonzwa tichida kuitei?

VANHU vese vane chivi vanombonzwa vachida kuita zvinhu zvisingadiwi naJehovha. Saka kana kuri kuti unombonzwa uchida kuita zvinhu zvisingadiwi naJehovha, usaona sekuti wakaipa kupfuura vamwe vanhu vese. Bhaibheri rinoti: “Hapana muedzo wakauya pamuri kunze kweyagara ichisangana nevanhu.” (1 VaK. 10:13)a Izvi zvinoreva kuti kana uine zvakaipa zvaunonzwa uchida kuita, kune vamwewo vari kutonzwa saizvozvo. Asi uchibatsirwa naJehovha unogona kurwisa mafungiro iwayo akaipa.

2. Vamwe vaKristu nevaya vari kudzidza Bhaibheri vari kusangana nemiedzo ipi? (Onawo mifananidzo.)

2 Bhaibheri rinotaurawo kuti: “Mumwe nemumwe anoedzwa paanotorwa mwoyo, oputirwa neruchiva rwake.” (Jak. 1:14) Vhesi iri rinotibatsira kunzwisisa kuti vanhu vanoedzwa nezvinhu zvakasiyana-siyana. Mumwe muKristu anogona kunzwa achida kurara nemunhu waasina kuroorana naye; asi mumwewo achinzwa achida kuita zveungochani. Vaya vaimboona zvinonyadzisira vanogona kutanga kuda kuzviona zvakare. Vakawanda vaimboita zvemadhiragi kana kuti vaimbova zvidhakwa vanogona kunzwa vachida kuita zvinhu izvozvo zvavakasiya. Vamwe vaKristu nevaya vari kudzidza Bhaibheri vari kutosangana nemiedzo iyi. Asi kune zvimwewo zvakawanda zvinogona kutiisa pamuedzo wekuda kuita zvinhu zvisingadiwi naJehovha. Chokwadi chiripo ndechekuti dzimwe nguva tese zvedu tinombova nemafungiro aiva nemuapostora Pauro paakanyora kuti: “Pandinoda kuita zvakarurama, zvakaipa zviri mandiri.”—VaR. 7:21.

Muedzo unogona kungouya tisingatarisiri (Ona ndima 2)d


3. Kana munhu achigara achinzwa kuda kuita chimwe chinhu chakaipa anogona kupedzisira ava kufungei?

3 Kana paine chimwe chinhu chakaipa chaunogara uchinzwa uchida kuita, unogona kupedzisira wava kufunga kuti hauna simba rekurwisa kuti usaita chinhu ichocho. Unogonawo kufunga kuti Jehovha haasi kuzombofa akakufarira nemhaka yekuti unogara uchinzwa uchida kuita chinhu ichocho chakaipa. Asi izvozvo handizvo! Nyaya ino ichapindura mibvunzo miviri ichatibatsira kuona kuti nei tichidaro. (1) Chii chinomboita kuti tive nemafungiro akadaro? (2) Ungaita sei kana uchinzwa kuda kuita zvinhu zvakaipa?

SATANI ANODA KUTI TIFUNGEI?

4. (a) Nei Satani achida kuti tifunge kuti hatina simba rekurwisa miedzo? (b) Nei tiine chokwadi chekuti tinokwanisa kurwisa miedzo?

4 Satani anoda kuti tifunge kuti hatina simba rekukunda miedzo. Jesu akatotaura kuti Satani achatiedza. Akataura izvi paaidzidzisa vateveri vake kunyengetera. Akati: “Musatipinza mumuedzo, asi tinunurei pane akaipa.” (Mat. 6:13) Satani anotaura kuti kana vanhu vakasangana nemuedzo wekuita zvakaipa havamboteereri Jehovha. (Job. 2:​4, 5) Nei Satani achifunga izvozvo? Nekuti iye ndizvo zvaakaita. Paakanzwa achida kuita zvakaipa akabva atozviita. Akatadza kuramba akatendeka kuna Jehovha. Saka anofunga kuti takangofanana naye, uye kuti kana tikangosangana nemiedzo tinobva tatosiya Jehovha. Satani aitofunga kuti kunyange Mwanakomana waMwari, uyo akanga asina chivi, aizotadza kukunda miedzo. (Mat. 4:​8, 9) Asi ichokwadi here kuti kana tikasangana nemiedzo hatina simba rekuirwisa? Aiwa! Tinobvumirana nemuapostora Pauro uyo akanyora kuti: “Ndine simba rekuita zvinhu zvese nekuti pane anondipa simba.”—VaF. 4:13.

5. Tinoziva sei kuti Jehovha ane chokwadi chekuti tinokwanisa kukunda miedzo yekuita zvakaipa?

5 Jehovha akanyatsosiyana naSatani. Anovimba nesu kuti tinokwanisa kukunda miedzo. Izvozvo tinozviziva sei? Tinozviziva nekuti Jehovha, uyo asingarevi nhema, akataura kuti boka guru revanhu vakatendeka richapona pakutambudzika kukuru ropinda muParadhiso ‘rakapfeka nguo refu chena.’ Izvi zvinoreva kuti Jehovha anoona vanhu ivavo sevanhu vasina mhosva pamberi pake. (Zvak. 7:​9, 13, 14) Saka Jehovha haationi sekuti hatina simba rekurwisa miedzo yekuita zvakaipa.

6-7. Satani anodawo kuti tifungei?

6 Satani anodawo kuti tifunge kuti kana tichinzwa tichida kuita zvakaipa, Jehovha haazombofi akatifarira uye haazombotipi upenyu husingaperi. Nei Satani achida kuti tifunge izvozvo? Nekuti iye wacho ndiye asingafarirwi naJehovha. Haasi kuzombofa akawana upenyu husingaperi uye achaparadzwa zvachose. (Gen. 3:15; Zvak. 20:10) Satani anotinzwira godo nekuti tine tariro yekurarama nekusingaperi. Saka anoshandisa mukana wese waanowana kuti aite kuti tifunge kuti takafanana naye uye kuti hatifi takararama nekusingaperi. Asi hatina kufanana naSatani. Bhaibheri rinototaura kuti Jehovha anoda kutibatsira kuti tiwane upenyu husingaperi parinoti: “Hapana waanoda kuti aparadzwe asi anoda kuti vanhu vese vasvike pakupfidza zvivi zvavo.”—2 Pet. 3:9.

7 Saka kana tikafunga kuti hatina simba rekukunda miedzo kana kuti Jehovha haatifariri nemhaka yekungoti tinombonzwa tichida kuita zvakaipa, tinenge tiri kutofunga sezviri kudiwa naSatani. Kuziva izvozvo kunotibatsira kuti titowedzera kumira takasimba pakumurwisa.—1 Pet. 5:​8, 9.

KUBEREKWA KWATINOITWA TIINE CHIVI KUNOGONA KUITA KUTI TIFUNGEI?

8. Mune mamwe mavhesi emuBhaibheri, shoko rekuti chivi rinorevei? (Pisarema 51:5) (Onawo “Kutsanangurwa Kweshoko.”)

8 Taona kuti Satani anogona kuita kuti tifunge kuti hatina simba rekukunda miedzo uye kuita kuti tifunge kuti Jehovha haazombotifariri nemhaka yekuti tinombonzwa tichida kuita zvakaipa. Asi Satani haasiriye ega anoita kuti tive nemafungiro iwayo. Chivi chatakaberekwa tiinacho chakabva kuvabereki vedu vekutanga, chinoitawo kuti tinzwe saizvozvo.b—Job. 14:4; verenga Pisarema 51:5.

9-10. (a) Adhamu naEvha vakanzwa sei pavakatadzira Jehovha? (Onawo mufananidzo.) (b) Kuberekwa kwatinoitwa tiine chivi kunoita kuti tinzwe sei?

9 Funga kuti Adhamu naEvha vakanzwa sei pavakatadzira Jehovha. Bhaibheri rinoti vakanomuhwanda, vakasonanidza mashizha emuonde ndokufukidza zviuno zvavo. Saka chivi chakaita kuti vatange kuzvipa mhosva, vanyare uye vanetseke. Adhamu naEvha vaisazombofa vakava neushamwari naJehovha zvakare. Vaizongoramba vachizvipa mhosva, vachinyara uye vachinetseka nekuti vakanga vava vanhu vane chivi.

10 Isuwo tiri vanhu vane chivi asi tine patakasiyana naAdhamu naEvha. Adhamu naEvha havakwanisi kubatsirwa nerudzikinuro asi isusu tinokwanisa kubatsirwa narwo. Achishandisa rudzikinuro, Jehovha anoregerera zvivi zvedu uye tinokwanisa kuva neushamwari hwakanaka naye. (1 VaK. 6:11) Kunyange zvakadaro, takaberekerwa muchivi. Saka patinotadza tinozvipa mhosva, tinonzwa kunyara uye tinonetseka. Bhaibheri rinototaura kuti chivi chiri kukanganisa munhu wese “kunyange vaya vasina kutadza sekutadza kwakaita Adhamu.” (VaR. 5:14) Asi hatifaniri hedu kunzwa sekuti hatikwanisi kuita zvakanaka kana kurarama nekusingaperi nemhaka yekungoti takaberekwa tiine chivi. Tinogona kukurira mafungiro iwayo akaipa. Tingazviita sei?

Adhamu naEvha vachibuda mumunda weEdheni vachinyara vakapfeka nguo dzematehwe.

Chivi chakaita kuti Adhamu naEvha vazvipe mhosva, vanyare, uye vanetseke (Ona ndima 9)


11. Maererano naVaRoma 6:​12, kana tichinzwa sekuti hatina simba rekukunda miedzo tinofanira kuitei?

11 Patinonzwa sekuti hatikwanisi kukunda muedzo, tinofanira kuyeuka kuti chivi chiri matiri ndicho chinogona kunge chiri kuita kuti tinzwe saizvozvo uye hatifaniri kuchibvumira kuti chiite kuti tive nemafungiro iwayo. Nei tichidaro? Nekuti Bhaibheri rinotidzidzisa kuti hatifaniri kurega chivi chichiramba ‘chichititonga samambo.’ (Verenga VaRoma 6:12.) Izvi zvinoreva kuti kana uine chimwe chinhu chakaipa chauri kunzwa uchida kuita unogona kusarudza kusaita chinhu ichocho. (VaG. 5:16) Jehovha anoziva kuti tinokwanisa kukunda miedzo. Ndosaka achitiudza kuti tisaita zvakaipa. (Dheut. 30:​11-14; VaR. 6:6; 1 VaT. 4:3) Izvi zvinoratidza kuti tine simba rekukwanisa kukunda miedzo.

12. Patinofunga kuti Jehovha haachatifariri nemhaka yekuti tinombonzwa tichida kuita zvakaipa tinofanira kuitei, uye nemhaka yei tichifanira kudaro?

12 Uyewo, patinofunga kuti Jehovha haachatifariri nemhaka yekuti tinombonzwa tichida kuita zvakaipa, tinofanira kuyeuka kuti chivi chiri matiri ndicho chinogona kunge chiri kuita kuti tinzwe saizvozvo uye hatifaniri kuchibvumira kuti chiite kuti tive nemafungiro iwayo. Nei tichidaro? Nemhaka yekuti Bhaibheri rinotidzidzisa kuti Jehovha anonyatsonzwisisa kuti takaberekwa tiine chivi. (Pis. 103:​13, 14) Anoziva zvinhu zvese pamusoro pedu. Anonyatsoziva kuti chivi chakakanganisa sei mumwe nemumwe wedu. (1 Joh. 3:​19, 20) Kana tikasaita zvinhu zvakaipa, kunyange zvazvo tichinzwa tichida kuzviita, Jehovha achationa sevanhu vasina mhosva pamberi pake. Nei tichidaro?

13-14. Kana ukanzwa uchida kuita zvakaipa zvinoreva here kuti Jehovha haachatombokufariri? Tsanangura.

13 Kuita zvakaipa kwakasiyana nekunzwa uchida kuita zvakaipa. Nei tichidaro? Panyaya yekuita zvakaipa unogona kusarudza kuzviita kana kusazviita. Asi kana pari panyaya yekunzwa uchida kuita chinhu chakaipa, dzimwe nguva zvinongouya usina kumbozvitsvaga. Chimbofunga nezvevaKristu vaiva muungano yeKorinde. Vamwe vavo vaimboita zveungochani. Pauro akanyora kuti: “Vamwe venyu ndizvo zvamakanga makaita.” Izvi zvinoreva here kuti vanhu ivavo havana kuzombonzwa vachida kuita zveungochani? Aiwa, nekuti kazhinji zvakaoma chaizvo kuti kana munhu aimboita zveungochani pfungwa idzodzo dzibva dzangobuda zvachose. Asi Jehovha paaiona vaKristu ivavo vachizvidzora vorega kuita zvakaipa, aivafarira. Aitovaona ‘sevakagezwa vakachena.’ (1 VaK. 6:​9-11) Ndizvo zvaanogona kuitawo kwauri.

14 Pasinei nekuti zvinhu zvipi zvakaipa zvaunonzwa uchida kuita, unogona kusarudza kusazviita. Kunyange kana ukaramba uchinzwa kuda kuita zvinhu izvozvo, unokwanisa kuzvidzora worega kuita zvinhu ‘zvinodiwa nenyama yako uye zvaunenge uchifunga.’ (VaEf. 2:3) Saka zvii zvinogona kukubatsira kana ukava nepfungwa dzekuda kuita zvakaipa?

ZVAUNOFANIRA KUITA

15. Kana uchinzwa uchida kuita zvinhu zvakaipa, nei zvichikosha kuti ubvume kuti une dambudziko?

15 Chii chingakubatsira kana ukatanga kunzwa uchida kuita zvinhu zvakaipa? Bvuma kuti une dambudziko. ‘Usazvinyengera’ uchifunga kuti hapana hapo pauri kufanira kugadzirisa. (Jak. 1:22) Ngatitii une dambudziko panyaya yedoro. Unogona kutanga kufunga kuti dambudziko rako harina haro kunyanya kukura nekuti kune vamwe vanonwa kukupfuura. Kana kuti kana uine dambudziko panyaya yekuona zvinonyadzisira unogona kutanga kupomera vamwe uchitaura zvinhu zvakadai sekuti, ‘Kudai mudzimai wangu aindipawo rudo nemwoyo wese ndaisazombonzwa ndichida kuona zvinhu izvozvo.’ Kana ukangotanga kuva nemafungiro iwayo, zvichatowedzera kukuomera kuti ukunde muedzo wekuda kuita zvakaipa. Saka kana uine chinhu chakaipa chauri kuita, usadira nyaya yacho mvura kana kupomera vamwe mhosva. Bvuma kuti uri kukanganisa.—VaG. 6:7.

16. Zvii zvichakubatsira kuti usakundwa nemuedzo wekuda kuita zvakaipa?

16 Kuti usakundwa nemuedzo wekuda kuita zvakaipa, unofanirawo kugara wafunga zvauchaita kana ukangotanga kunzwa uchida kuita zvakaipa. (1 VaK. 9:​26, 27; 1 VaT. 4:4; 1 Pet. 1:​15, 16) Funga kuti ndeupi muedzo waunonyanya kunetseka nawo uye kuti ndepapi paunonyanya kuomerwa nekukunda muedzo wacho. Unonyanya kuomerwa paunenge wakaneta here kana kuti pakati peusiku? Gara wafungidzira kuti muedzo upi uchauya uye kuti zvii zvauchaita kuti usakundwa nawo. Zvakanyanya kunaka kuti ugare waita izvi muedzo wacho usati watombouya.—Zvir. 22:3.

17. Tinodzidzei kubva pane zvakaitwa naJosefa? (Genesisi 39:​7-9) (Onawo mifananidzo.)

17 Chimbofunga zvakaitwa naJosefa mukadzi waPotifari paaida kuti arare naye. Josefa haana kutombomira achifunga zvekuita. Akabva atongoramba. (Verenga Genesisi 39:​7-9.) Izvozvo zvinotidzidzisei? Josefa akanga agara atozviudza kuti aisazombofa akatora mukadzi wemunhu, mukadzi waPotifari asati atombomukumbira kuti varare vese. Newewo unogona kugara wafunga zvauchaita kuti usakundwa nemiedzo. Kana ukadaro, muedzo wacho paunozouya zvinova nyore kuti uukurire nekuti unenge wagara uchitoziva zvekuita.

Mifananidzo: 1. Josefa achitiza mukadzi waPotifari. Mukadzi wacho anosara akabata nguo yaJosefa. 2. Mukomana ari kuramba kutaura nemusikana ari kuedza kumukwezva kuchikoro.

Kurumidza kukunda miedzo sezvakaitwa naJosefa! (Ona ndima 17)


GARA UCHIZVIONGORORA

18. Zvii zvimwe zvaungaita kuti ukunde muedzo wekuda kuita zvakaipa? (2 VaKorinde 13:5)

18 Kuti ukwanise kukunda miedzo yekuda kuita zvakaipa, unofanira ‘kuramba uchizviedza.’ Izvi zvinoreva kuti unofanira kuramba uchizviongorora kuti uri kuita sei. (Verenga 2 VaKorinde 13:5.) Gara uchiongorora mafungiro ako nemaitiro ako wogadzirisa paunenge uchiona kuti pari kuda kugadziriswa. Ngatitii une dambudziko rekufunga zvinhu zvisina kuchena. Kunyange kana ukabudirira kukunda muedzo iwoyo unogona kuzvibvunza kuti: ‘Zvanditorera nguva yakareba zvakadii kuti ndibvise pfungwa idzodzo?’ Kana ukaona kuti zvakutorera nguva yakati rebei, usabva wazvishora hako. Asi unogona kubva watogadzirira zvaungaita kana pfungwa idzodzo dzikazouya zvakare. Unogona kuzvibvunza mibvunzo yakadai seyekuti: ‘Pfungwa dzisina kuchena padzinouya, zvii zvandingaita kuti ndikurumidze kudzibvisa? Zvinhu zvandinoona, zvandinoverenga kana kuti zvandinoteerera ndizvo zviri kuita kuti zviwedzere kundiomera here kukunda muedzo uyu? Mifananidzo inonyadzisira painobuda ndinokurumidza kubvisa maziso angu pairi here? Ndinonzwisisa here kuti zvandinoudzwa naJehovha kuti ndiite zvakandinakira nguva dzese? Ndinonzwisisawo here kuti dzimwe nguva kuti nditeerere Jehovha ndinotofanira kushanda nesimba kuti ndizvidzore?’—Pis. 101:3.

19. Zvimwe zvinhu zvinoita sezvidiki zvingaita sei kuti zvitiomere kukunda miedzo yekuda kuita zvakaipa?

19 Paunenge uchizviongorora, ngwarira kuti usatanga kuona sekuti zvinhu zvakaipa zvauri kuita hazvina hazvo kunyanya kuipa. Bhaibheri rinotaura kuti: “Mwoyo unonyengera kupfuura zvinhu zvese uye wakaipa kwazvo.” (Jer. 17:9) Jesu akataura kuti mumwoyo munobuda “kufunga kwakaipa.” (Mat. 15:19) Ngatitii munhu aimboona zvinonyadzisira achibva azorega hake. Nekufamba kwenguva munhu iyeye anogona kufunga kuti hapana hapo chakaipa nekuona mifananidzo inoita kuti munhu anzwe achida bonde. Anenge achipa chikonzero chekuti, ‘Mifananidzo yevanhu vandiri kuona haisi yevanhu vasina kupfeka.’ Kana kuti anogona kutanga kufunga kuti, ‘Hapana hapo chakaipa nekufungidzira ndichiita zvinhu zvakaipa chero bedzi ndisingazoiti zvinhu zvacho.’ Tinogona kutaura kuti mwoyo unonyengera wemunhu iyeye uri kutoita “zvekuronga kugutsa kuchiva kwenyama.” (VaR. 13:14) Zvii zvaungaita kuti usaita izvozvo? Ngwarira kuti usaita tunhu tudiki tunogona kuzopedzisira twaita kuti uzoita zvinhu zvikuru zvakaipa.c Paunongotanga kufunga kuti zvinhu zvakaipa zvauri kuita hazvina hazvo kunyanya kuipa, chibva watobvisa pfungwa idzodzo.

20. Chii chatinotarisira munyika itsva, uye nderupi rubatsiro rwatiinarwo iye zvino?

20 Sezvatadzidza, Jehovha anotipa simba rekukunda miedzo yekuda kuita zvakaipa. Uyewo nemhaka yekuti akatipa rudzikinuro, tinokwanisa kuregererwa zvivi zvedu tova netariro yekurarama nekusingaperi munyika itsva. Tichafara chaizvo panguva iyoyo nekuti tinenge tava kunamata Jehovha tisingambonzwi tichida kuita zvinhu zvakaipa. Asi iye zvino kana tikanzwa tichida kuita zvinhu zvakaipa, tinoziva kuti tine simba rekukunda muedzo iwoyo. Uyewo kana tikanzwa tichida kuita zvakaipa, tinoziva kuti izvozvo hazvirevi kuti Jehovha haachatifariri. Kana tikashanda nesimba kuti tikunde miedzo yekuda kuita zvinhu zvakaipa, Jehovha achatibatsira kukunda.

UNGAPINDURA SEI?

  • Chii chinogona kutibatsira kana tichifunga kuti hatina simba rekukunda muedzo kana kuti Jehovha haazombotifariri nekuti tinombonzwa tichida kuita zvakaipa?

  • Tingaitei kuti chivi chisaramba ‘chichititonga samambo’?

  • Zvii zvatingaita kuti tirambe ‘tichizviongorora’?

RWIYO 122 Ivai Vakasimba, Vasingazununguki!

a Pavhesi iri Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi rinoti: “Hakuna muedzo wakakuwirai imi kunze kwaiwo unowira munhu wose.”

b KUTSANANGURWA KWESHOKO: MuBhaibheri, shoko rekuti “chivi” rinowanzoreva kuita chinhu chakaipa chakadai sekuba, kuita upombwe, kana kuuraya. (Eks. 20:​13-15; 1 VaK. 6:18) Asi mune mamwe mavhesi, shoko rekuti “chivi” rinoshandiswa kureva kuberekwa kwatinoitwa tiri vanhu vanotadza kunyange zvazvo patinoberekwa panenge pasina chakaipa chatinenge taita.

c Yeuka kuti jaya rinotaurwa pana Zvirevo 7:​7-23 rine zvinhu zvidiki zvarakaita zvakaita kuti rizopedzisira raita chivi chakakura cheupombwe.

d KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Kuruboshwe: Imwe hama iri munotengeswa kofi uye inoona vamwe varume vaviri vachiratidza kuti vari kudanana. Kurudyi: Hanzvadzi inoona vanhu vaviri vachiputa fodya.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe